Vesi:Tenzi, vhurai miromo yedu.
Daviro: ticharumbidza zita renyu .. (Areruya)
Rwiro runoenderana nenguva yezuva kana mhemberero runogona kutevera.
Nziyo 100 (99)
(Nziyo iyi kana imwewo inogona kuitwa)
Pururudzirai TENZI
imi nyika dzose
shandirai TENZI, norufaro,
uyai pamberi pake
muchiimba.
Zvizivei kuti TENZI
ndiMwari,
ndiye akatisika
uye kuti tiri vake.
Tiri vanhu vake,
hwai dzake dzaanochengeta.
Pindai pamisuo yake mikuru
muchitenda
mupinde muminda yake
muchirumbidza,
zita rake.
Nokuti TENZI akanaka,
mwoyochena wake hauperi,
kutendeka kwake kunosvika
kuzvizvarwa nezvizvarwa.
Vakudziwe Baba …
Chiverengo
(Imwewo ndima inogona kushandiswa)
Munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Usiku hwaenda kare, kwava kuda kuedza. Saka ngatichikandai pasi mabasa erima tipfeke demautare rechiedza. Ngatizvibatei sezvatinoita masikati. (VaRoma 13:11-13)
Benedictus [Ngaarumbidzwe] (Ruka 1: 68-79)
Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIziraeri,
nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura;
akatimutsira Muponesi ane simba
mumba maDhavhiti muranda wake,
sokutaura kwaakaita nemiromo
yavaporofita vake VaTsvene vakare,
kuti atinunure kumhandu dzedu,
nomumaoko avose vanotivenga,
kuri kuratidza tsitsi
sokutsidza kwaakamboita
kumadzitateguru edu,
nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene,
nechitsidzo chaakaita
kuna baba vedu Abhurahamu,
chokwadi kana tanunurwa
mumaoko emhandu dzedu,
timushandire tisingatyi,
tichiita mabasa edu tiri VaTsvene
vakarurama pamberi pake mazuva edu ose.
Iwe mwana, uchanzi muporofita wokumusoro,
nokuti uchafanoenda mberi kwaTenzi
kunomugadzirira nzira dzake,
kupa vanhu vake ruzivo rworuponeso
ruri mukuregererwa kwamatadzo avo,
pamusana petsiye nyoro dzaMwari wedu,
apo tichabudirwa neZuva richibva kumusoro,
kuzovhenekera vagere murima
nomumumvuri worufu,
nokutitungamirira tsoka dzedu
munzira yorugare.
Vakudziwe Baba …
Reverero
(Reverero idzi kana dzimweo dzinogona kushandiswa)
Ngatinamatei kuna Kristu Tenzi wedu, zuva rinojekesera vanhu vose –
Tenzi Mununuri wedu, tipei upenyu!
(Unogona kudzokorora mushure momutsara woga woga)
Tinokutendai nechipo chezuva rino idzva –
Mweya Mutsvene ngautitungamirire kuita kuda kwenyu –
Tibatsirei kuratidza rudo rwenyu kuna vose vatinosangana navo –
Mutsurudzai zvipo zvenyu matiri. Ngatiendei norugare –
Baba vedu …
Munamato wokupedzisira
Mwari vanamasimbaose, matipa zuva ranhasi; tisimbisei nesimba renyu nokutidzivirira kusawira murutadzo kuitira kuti chipi zvacho chatinotaura, kufunga kana kuita chive chinokushandirai nokusakisa Ushe hwenyu. Tinokumbira izvi nomunaKristu Tenzi wedu. Amen.
+Tenzi ngaatikomborere atikutidzivirira kuuipi hwose nokutisvitsa kuupenyu husingaperi. Amen.
Mimwe minamato yokuzviitira inogona kusanganisira:
Baba vedu. Kwaziwai Mariya.Vakudziwe. Ndinotendera.
Muteuro
Mwari wangu, ndinokupai kufunga kwangu kwose, mazwi angu ose, zviito zvangu zvose namatambudziko angu ose; uye ndinokutetererai kuti mundipe nyasha dzenyu kuitira kuti ndisakutadzirei nhasi uno, asi kuti ndikushandirei nokuita kuda kwenyu munazvose. Ndinozvipa zvizere kutsitsi zvenyu dzisina mugumo, nhasi nenguva dzose.
Tenzi mandiunza kumavambo ezuvadzva. Ndinunurei nesimba renyu kuitira kuti ndisawira murutadzo rupi zvaro. Zvose zvandinotaura nazvose zvandinoita ngazvitungamirirwe kusakisa rugare rwenyu nomunaKristu Tenzi wedu.
Tenzi zvose zvandinoita ngazvitange nekurudziro yenyu, zvienderere norubatsiro rwenyu nokusvika kumugumo pasi petungamiro yenyu.
Muteuro wamanganani
TenziJesu nomumoyo mutsvene kwazvo waMariya ndinokupai minamato yangu yose kufunga kwangu kwose, mabasa angu ose namatambudziko angu ose anhasi kuitira zvinangwa zvose moyo chena wenyu kwazvo.
Moyo mutsvene kwazvo waJesu, ndinoisa ruvimbo rwangu rwose mamuri.
Moyo mutsvene kwazvo waJesu, ndinoisa ruvimbo rwangu rwose mamuri.
Moyo mutsvene kwazvo waJesu, ndinoisa ruvimbo rwangu rwose mamuri.