© Musakope Mharidzo iyi musina mvumo
Mazuva ano vanhu vane apu iri padzinhare mhozha yavanoshandisa mudzimotokari. Uyo anoshandisa apu iyi nomazvo inomutungamirira kusvika kwaanoda kuenda.
Mumwe nemumwe wedu ane apu younhu iri maari: apu inonzi hana. Hana inotiudza zvokuita nezvokusaita. Inotiratidza gwara. Asi vazhinji vedu hatinyatsoteerera zvinotaura hana dzedu kana kuita zvadzinotirairidza kuitira kuti tifambirane nenguva. Tinofanira kukoshesa hana dzedu. Izvi zvinogona kunetsa nokuti mazuva ano pane mazwi akawanda akatikomberedza anoda kuteererwa nesu.
Vamwe vanhu vanongoteedzera zvinoitwa negurumwandira. Vanoteedzera zvavanofurirwa nevamwe. Vanoshandisa zvinoitwa nevamwe pakupa sarudzo dzakakoshesesa muupenyu. Maitiro aya akanyanya muzvikoro. Zvinongonzi munhu wose ari kuzviita saka ini ndakuzviitawo. Kana vamwe vakapfeka nhumbi dziri kupisa pisa, ‘label’, kana kuita chinhu chiri kutonga, kana kuteerera mhanzi iri kukurumbira zvonzi neniwo ndakutotevedzera. Zvinoita sokunge vamwe vanhu vari kundisarudzira zvokuita. Asi mangana vanhu vanogona kushanduka voita zvimwe zvinhu. Ini ndoita sei? Ndongoteedzerawo zvekare here?
Vamwe vanhu vanotungamirirwa nehavi. Ndinoita chero zvandada. Ndinoita chero zvandinonzwa kuda. Kana ndisingadi kuenda kubasa nhasi nekuti handisi kungoda handiendi. Kana ndikangonzwa kuti hama dzangu dzakandikanya handichadi kutaura nadzo, handitauri nadzo. Asi tingatevedzere havi nguva dzose here pakuita sarudzo dzakanaka?
Chii chinofanira kutitungamirira?
Mushoko Rakanaka ranhasi Jesu ari kutipa vimbiso. Ari kutaurira vadzidzi vake kuti nyange zvake ari kuvasiya muchinguvana havasari vari nherera kwete. Mwari achavatumira Mweya Mutsvene kuti ave navo uye avatungamirire, ‘kuvatungamirira kuchokwadi chizere.’
Mweya Mutsvene ndiyo apu yedu. Muvavariro yedu yokutsvaga nzira kwayo, Mwari akatipa mweya anova ndiye mutungamiri wedu. Kana tisina chokwadi chekuti toitei kana kuti toendepi Mweya Mutsvene aripo kuti atipinze mugwara.
Asi, sezvinongoitawo apu, tinofanira kuvhura apu inonzi MWeya Mutsvene. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuchenjerera kuvapo kwaMweya Mutsvene muupenyu hwedu nguva dzose. Kuziva kuti hatifi takasiiwa toga tichirasika. Tina Mweyna Mutsvene ari matiri. Tine chombo chakakosha chiri matiri. Tinofanira chete kutendeukira kuchipo ichi nokuchishandisa.
Chechipiri tinofanira kukumbira iye Mweya Mutsvene uyu kuti atibatsire. Pose patinenge tisina chokwadi chekuti tofamba sei, gwara chairo nderipi tinofanira kunamata kuna Mweya Mutsvene kuti atitungamirire. Mweya Mutsvene aakagadzirira nguva dzose kutiratidza kuna Jesu anova ndiye ‘Nzira, chokwadi noupenyu.’
Iri ndiro basa raMWeya Mutsvene – mutungamiriri wedu muupenyu, munongedzo unotisvitsa kuupenyu husingaperi tiri pamwe noUtatu Utsvene.