- Kumbira ruregerero kumwana wako kana uchinge wamutadzira.
- Usafunga kuti wakajenjera kupinda mwana wako nemhaka yezera.
- It “maita basa” kumwana kana achinge akuitira zvakanaka.
- Bvumba pamberi pemwana wako kana uchinge wakanganisa.
- Teerera mwana wako. Usamushaira hanya.
- Isira mwana wako miganhu yezvinotendera nezvisingatenderwe.
- Tungamira noruenzaniso.
- Dzidzisa nokurarama upenyu hwomoyochena, mwoyo munyoro uye rudo.
- Tsanangurira mwana kuti zviito zvose zvine mubairo wazvo.
- Farira tarira nokurera mwana. Fadzwa zvikuru nokumuumbiridza kuti akure ari munhu anoziva zvaanoita, akakura pamweya.
Kurudziro
*Mazano*
1. Kumbira ruregerero kumwana wako kana uchinge wamutadzira.
2. Usafunga kuti wakachenjera kupinda mwana wako nokuda kwekuti wakwegura.
3. Iti “maita basa” kana mwana wako anginge akuitira zvakanaka.
- Ita bhizimusi rinoshandisa zvinhu zvinowanikwa muno kwete kunze kwenyika.
- Ita bhizimusi rinokugonesa kutengesa zvinhu zvako kunze kwenyika.
- Usatengesa midziyo yako ipi zvayo.
- Kana uine kumusha tenga mombe uchidzichengeta.
- Usaita zvikuru. Kana uine zimota zihombe richinjanise nediki isingadye mafuta. Kana uchiroja imba yose tanga kuroja imba duku.
- Usaite zvinhu nokuda kuonererwa. Endesa vana vako kuchikoro chaunokwanisa.
- Kana uine nzvimbo Chengeta huku kana kurima muriwo.
- Kana uchiroja iwe uine nzimbo yako enda unovaka katumba ikoko wogara. Usade zvepamusoro zvinodhura.
- Kana wakaroora kana kuroorwa usaite hondo nenyaya dzemari. Isai musoro pamwechete moona kuti mungakunde sei munguva yakaoma kudai. Musapomerane mhosva.
- Iva norugare! Izvi zvakakosha. Munguva dzokuoma kwezvinhu pane kushungurudzika kukuru. Usazvinetsa nezvinhu zvausingagone kukunda. KUrukurirana nevamwe uye namata.
Kana wakanganisa, kumbira ruregerero.
Kana uine waunoda, muudze.
Kana uchida kurerukirwa, tanga nokuregerera.
Kana wagumirwa, kumbira rubatsiro.
Kana paine wawasuwa, mutsvage.
Izvi zvinoshamisa. Kana tikaona utera hwedu, Mwari vanotisimbisa. Kana tikaona kushama kwedu, mwari vanotizadza. Kana tikaona urombo hwedu, Mwari vanotipfumisa. Tinobva tazovapo kuti timushandire nokuva midziyo yokuendesa upfumi hwake kuna vamwe.
Kupa unaku hwemwoyo kwete hwemaoko.
Magamba anotsvaga zvakakosha kubva pamikana yavainayo, panekumirira kupihwa mikana yakakosha.
Upenyu huzere nenyatwa, zhinji dzacho hadzifi dzakaitika. Vimba naMwari – Mwari vachakusunungura
Ziva kuti unokosha uye wakasiyana. Kuzvigamuchira kunobva muruzivo urwu.
Rwedza.
Usagadzikana.
Usaparadza nguva.
Usatsauswa.
Une zvinangwa zvokuzadzisa.