Kwemakore matatu Jesu aipinda mumaruwa akasiyana-siyana achiita mabasa akanaka, achidzidzisa vanhu chitendero, uye achirapa vanhu. Mhomho dzavanhu dzaimumomotera dzichimuteerera. Vanhu vaiuya vachida zvakasiyana-siyana kwaari. Panguva iyoyo Jesu aiva nesimba pamusoro poupenyu hwake.
Asi paakaturirwa mumaoko avavengi vake mubindu reGetsimani zvose zvakasvika kumugumo. Akatanga kutambura. Akanga asisina simba pamusoro poupenyu hwake. Zvinhu zvakatanga kuitika kwaari. Akasungwa. Akandundurudzirwa kuna Kaifasi, kuna Herodhi nekuna Pirato. Akabvunzurudzwa nokuzvindikitwa. Akagadzwa ndaza yeminzwa. Akatakudzwa muchinjikwa. Akakururwa hanzu dzake. Akarovererwa pamuchinjikwa. Akanyombwa … pokupedzisira akauraiwa.
Dzimwe nguva upenyu hwedu hunoumbwa nezvinoitika kwatiri kwete zvatinoita. Tine kutambura kwedu kwakafanana nekwaJesu. Sevana dzimwe nguva pane zvakawanda zvinoitwa kwatiri navabereki zvinotitambudza. Savanhu vakuru tinoitirwa utsinye nevamwe vanhu. Tinorasiswa nevamwe vanhu. Tinoita munyama. Tinowirwa nourwere hunosiririsa. Tinorasikirwa neshamwari. Ukama hwedu navadikanwi vedu hunokundikana. Tinoodzwamwoyo navadikanwi vedu nyange navana. Vadikanwi vedu vanofa vachitisiya. Tinoitirwa utsinye hwakaomarara kumabasa kwatinoshanda.
Chokwadi, tine nguva yedu yokufara nenguva yorugare. Asiwo dzimwe nguva tinosangana nezviitiko zvatisina simba pamusoro pazvo. Tinogona kushaya simba kana zvinhu zvichiitika kwatiri asi chakakosha ndechekuti tinoita sei. Zviitiko izvi zvinogona kutimedura kana kutisimbisa. Jesu akaramba akasimba. Isuwo hatifaniri kubvumidza kurasikirwa, dambudziko kana kuti nhamo dzoupenyu huno kutiwisira pasi.
Jesu akagamuchira kutambudzika kwake akakushandura kukava kukunda nokuponeswa kwavanhu. Pokupedzisira akava murume anerufaro norugare noruregerero. Isu tinogona kuita saizvozvo.