Munamto waPauro Mutsvene wokutsvaga ungwaru norunzwisiso
Handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti; Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Krist, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka inomukurumbira inowanikwa navatsvene. Uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga.
Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rine mukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga. Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake, akamuita musoro wezvinhu zvose musangano riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose. Amen.
