Nhanganyaya
Kutambura kunoitika kumunhu wose, chikamu chehupenyu. Tose tinosangana nako nenzira dzakasiyana-siyana. Hazvinei kuti kwakonzerwa nokurasikirwa, kusurukirwa, kuora mwoyo, kutambudzwa kana kushorwa kana chii zvacho kutambura hakunzvengeki. Asi kunyangwe tisingakwanisi kunzvenga kutambura tinoshandura magamuchiriro atinokuita. Izvozvo ndozvakakosha.
Kana mukateedza mazano anotevera muchagona kubatsirika.
Ziva kuti hakuna munhu anopukunyuka pamuchinjikwa.
Munhu wose anotambura nenzira yake, uye vamwe vanotambura kupfuura vamwe. Kunyange munhu mutsvene anototamburawo. Amai Teresa vokuKarikata vakatambura nokuora mwoyo. Papa Johani Pauro II akatambudzika zvikuru nekurasikirwa, urwere, uye kupfuurwa kwaakaitwa. Kritsto pachake akatambura.
Usanyunyuta simba raMwari munguva dzekutambudzika.
Usambofunga kuti kutambura kwako chiratidzo chokuti Mwari haakudi. Mafungiro akadai ari kure nechokwadi.
Usaedza kunzwisisa udzamu hwekutambudzika.
Sekusanzwisira kwatinoita udzamhu hwerudo rwaMwari kwatiri, hatimbofa takanyatsonzwisisa chokwadi chose pamusoro pekutambudzika.
Ziva mviromviro yamatambudziko ako
Kutambura kunogona kupinda muupenyu hwako nekuda kwe: matambudziko eupenyu, kurairwa naMwari, kudzidziswa naMwari, mubairo wokutevera Jesu, migumisiro wesarudzo dzakaipa kana zvoupenzi zvawakaita. Kumbira Mwari kuti akuratidze kuri kubva matambudziko ako.
Kana uchiona kuti uri kutambura nekuda kwezvivi kana zvikanganiso zvawakaita, rangarira kuti Mwari ane rudo uye haadi kukuitira utsinye. Pfidza utendeuke pamwe nokudzidza kubva pane zvakaitika. Kana uchiona kuti uri kutambura nekuda kwekutevera Jesu, nyengeterera simba rokuti urambe uchimutevera, uye ziva kuti achakupa mubairo wokutendeka kwako.
Kunzwisisa kuti pane chikonzero chekutambura.
Tinogona kusaziva chikonzero chekutambura kwedu kusvikira pava paye muupenyu. Tinogonawo kutadza kuziva chikonzero ichi zvachose. Mwari anogona kuve nezvikonzero zvinoita kuti abvumire kutambura muupenyu hwako. Saka kunze kwekubvunza zvikonzero bvunza kuti ndingaite sei ndiri panguva yakadai. Uchaona achikupa nzira dzokuona chinangwa chaanoda kuzadzisa kuburikidza nokutambura kwako.
Bvuma kutambura.
Zvinoita kunge zvekupenga! Zvakaoma kugamuchira kuti kana tiri pakati pekutambudzika, tinokwanisa kuwedzera kuradziwa kwedu kuburikidza kushushikana kwatinoita kwakafanana nekutsamwa, kuora mwoyo kana kusuruvara. Tinofanirwa kusundira kure mafungiro iwayo asina kunaka toatsiva nekushivirira uye kudzikama. Tikaita kudaro, manzwiro ekutambura haazowedzerwa nemamwe manzwiro akaipa.
Usarega zvichikudya.
Ichi hachisi chinhu chakaoma kuita. Asi kutambura pakunokudya, kunokumedza uye hazvisi nyore kuwana Mwari kana wanyura pakati pokutambudzika.
Verenga bhaibheri rako, kunyanya bhuku raJobho.
Kana paine mumwe munhu akatambura zvikurusa ndiJobho. Asi kunyange mukuedzwa kwake haana kumbobvira atadza kutendera uye rudo rwake kuna Mwari rwakaenderera mberi.
Ona zvakanaka zvinobva mukutambudzika.
Kutambura kunouya kwatiri nenzira dzakawanda uye dzimwe nguva zvinoda kuti tisvinure tinone chokwadi – chokwadi chokuti pamwe zvaitika kuti tiongorore mararamiro edu kana kuti tipihwe mukana wokuriritira munwe. Tisakanganwa zvakanaka zvakabuda kubva pakutambura kwaKristo – ruponeso rwedu.
Panzvimbo yekuedza kunzvenga kutambura, ita kuti kukudzidzise nokukukudza.
Chinangwa chaMwari ndechekukubatsira kudzidza kutodzana naJesu Kristu, uye izvi zvinogoneka kuburikidza nekuvandudzwa kunokonzerwa nekutambura. Saka usatarisira kuti unogona kudzivisa kutambura. Panzvimbo yekuedza kubvisa kutambura, kumbira Mwari kuti atange kuunze zvinangwa zvakanaka muupenyu hwako. Kumbira Mwari akuonese kuti dambudziko rako rinoendesa mberi sei zvinangwa zvake kwauri.
Tarisa kutambura kwaKristo.
‘Baba vangu, dai zvaibvira mukombe uyu ngaupfuure, kuda kwenyu ngakuitwe.’ Aya ndiwo mazwi aKristu mubindu reGetsemani. Aiziva zvaifanira kuitika, asi akanga achitya. Yeuka kurwadziwa kwane nekurohwa kwaakagamuchira, kutakura muchinjikwa, kurovererwa pamuchinjikwa, kunzwa kusiiwa naBaba Vake, uye manzwiro ake ekurambwa. ‘Mwari wangu, Mwari wangu,’ Jesu akadana kuna Baba vake, ‘sei mandisiya?’ Ichokwadi kuti aiva Mwari, asi aive achishungurudzika zvakanyanya semunhu wenyama. Saka isuwo patinotambudzika, tinenge tichikugoverana mukutambudzika kwaKristu.
Nyengetera kuti Mwari akupe nyasha dzinokubatsira kukurira kutambura kwako.
Tarisa kwaari kuti akupe simba. Haugone kukurira chero mhando ipi yekutambura pasina Mwari. Achakubvisa mugomba rekutambura agokuonesa zvakakosha. Danidzira kuna Mwari nekutenda kwako.
Teerera chitendero chako kwete manzwiro ako
Sarudza kutenderaa vimbiso dzaMwari dzokuti anogara aine simba pamusoro poupenyu hwako, anokuda nguva dzose uye ane hanya newe, zvakare haambofa akakusiya nyange uri pakati pedambudziko. Manzwiro haana kutendeka kana uchiita sarudzo dzakakosha nekuti anoshanduka-shanduka. Paunenge uchitambudzika zvikuru temba nechokwadi chemuBhaibhiri pakuita sarudzo dzako nokuti chokwadi ichi chinovimbika. Uchanzwa shoko raMwari richiti Mweya Mutsene anewe nyange mukutambudzika kwako.
Pedza nguva naMwari uchinyengetera
Munguva dzakaoma, zvakakosha zvikuru kuti urambe wakabatana naMwari kuburikidza nemunyengetero. Dururira zvikumbiro zvako kuna Mwari nekuvimba kuti ane hanya uye anoteerera nguva dzose. Iva nechokwadi chokuti uri kukembira Mwari kuti aite zvaanoziva kuti zvakakunakira pane kungoedza kuita kuti Mwari aite zvaunoda chete. Kumbira Mweya Mutsvene kuti akubatsire kuunza minyengetero yako zvichienderana nezvido zvaMwari kwauri.
Bvunza mibvunzo yakafanira kuti uite sarudzo dzakafanira
Pose paunotarisana nesarudzo yezvinofanira kuitwa panguva yakaoma, zvibvunze kuti: Sarudzo yandiri kufunga inopesana nezvinotaurwa naMwari kuburikidza neBhaibheri here?, Chinangwa changu ndechipi? Mamiriro ezvinhu (akadai sekuneta, nzara, kana kushungurudzika) haasi kundikanganisa here sarudzo yakanaka?, Sarudzo iyi ichava mutoro muupenyu hwangu here?, Sarudzo ichave chigumbuso kune vamwe mukutenda kwavo here? Sarudzo iyi inoremekedza Mwari here? Sarudzo iyi ichakanganisa kereke here?, Izvi zvichaita kuti mhuri yangu iite sei? Vanhu vandinonamata navo vanondiziva vari kundipa mazano okuti kudii? Ndine rugare here pamusoro pesarudzo iyi? Mwari anod