1.1 Ritarake rokubhabhatidzwa
Zita rake rokubhabhatidzwa rainzi Jowani.
1.2 Kwaakaberekerwa
Akaberekerwa kunzvimbo inonzi Tasiwitsi iri kuMoravia kvava kunzi Czech Republic. Akaberekwa musi wa26 Zvita mugore ra1751.
1.3 Mhuri yake
Clement aibva mumhuri yavarombo. Akanga ari mwana wechipfumbamwe (9) uye akashaikirwa nababa vake achiri mudukusa asati adzidza.
1.4 Hupenyu hwake pahudiki
Clement aishuvira kuva mupriste kubva pahudiki hwake asi vabereki vake vakamushaira mari yokuti aende kuchikoro. Akazoguma ava kuseenza mubhekari pane imwe imba yavapikiri (monastery) yainzi Norbertine. Ari ipapo akabvumidzwa kuita zvidzidzo zveRatini.
Mukuru wepamba yavapikiri iyi paakafa Clement akabva amboedza kurarama upenyu hwekuzvitsaura pana vamwe uchinamata (Hermit). Asi achangotanga upenyu uhu Mambo Joseph II akadzika mutemo unorambidza mahermits ose. Izvi zvakaita kuti Clement adzokere kubasa rake remubhekari kuVienna.
1.5 Hupriste
Rimwe zuva Clement achibatsira pamuteuro wemisa muCathedral yaStefani Mutsvene, akaona madzimai maviri ainaiwa nemvura ndokumabatsira. Mukukurukurirana kwavo vakaziva kuti aida kuva mupriste asi akanga asina mari yekuenda kuchikoro. Madzimai aya akabva abatsira Clement pamwe neshamwari yake ainzi Thaddeus nemari yekuti vaende kuseminari kunodzidza. Vaviri ava vakaenda kuRome uko kwavakanofarira upenyu hwaArifinso mutsvene pamwe nechita chemaRedemptorists. Vaviri ava vakazosvika pakugadzwa mugore ra1785.
1.6 Upenyu muVienna
Clement akatora mhiko dzake dzohupikiri aine makore 34. Apa ndipo paakasiya zita rokuti Jowani akatanga kudaidzwa kuti Clement Mary.
Vachangotora mhiko, iye naTadheyosi vakadzokera kuVhiena. Asi muVhiena maisagarika nekuti chiKristo chaisatambirwa uye zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Saka vaviri ava vakabva vaenda kuPorendi muWoso. Imomo vakasangana nevaKristo vaitaura chiJerimani asi vakanga vasina mufudzi nekuti maJezuiti akanga arambidzwa kushandira muPorendi. Vakatanga nokuparidzira varombo avo vaiungana panze. Vakazowana chechi yemusande Bheno pavakashumira kwamakore anosvika 9. Ipapo vaiita mharidzo shanu (5) muchiJerimani nenhatu (3) muchiPorishi pazuva, vachitendeutsa vanhu vakawanda. Vaibatsirawo vanhu nezvekudya nezvekupfeka. Vakavamba imba yekuchengetera nherera uye chikoro chevana vakomana.
Clement naTadheyo vakakurudzira vana vakawanda kupinda muchita chemaRedemptorist. Vanhu vakawanda vakapinda muchita, vamwe vakapedzisira vavakutimirwa kunoparidzira kunzvimbo dzakaita sePorendi, Jemeni, neSwitsarendi.
Chinosuwisa ndechekuti nzvimbo dzose dzakavambwa munyika dzakasiyana-siyana idzi dzakapedzisira dzaparara nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvematongerwo enyika. Mushure memakore makumi maviri (20) ekuomerwa nebasa, Clement pachake akasungwa akadzingwa munyika. Akazosvika kuVhiena kwaakashanda kwemamwe makore gumi namaviri (12) asati afa. Akapedzisira ava kuzivikanwa se “Mutumwa weVhiena”. Ainzwa rupinduko rwavapfumi navarombo, aishanyira varwere, aiyananisa vamwe, achibatsira varombo.
Mukushanda kwake Clement akashungurudzwa zvikuru. Vatungamiri vezvenyika vaisada mukurumbira wake zvekuti vakamboedza kumumisa kuita basa nekuparidza zvikaramba. Utsvene hwake hwakatekeshera nenyika. Kudzvanyirirwa kwavakaitwa kwakatobatsira kuti maRedemptorist aite mukurumbira. Nekushingairira kwake, chita chakakura zvikuru kusvika pakufa kwake mugore ra1820.
Clement akaitwa musande mugore ra1909. Mhemberero yake iriko musi wa15 Kurume.
1.7 Ndangariro
Upenyu hwaClement hwaiva hwakaoma. Udzvanyiriri hwezvematongerwo enyika hwakaita kuti basa rake kuJemeni, Porendi neSwitsarendi riparare. Clement pachake akadzingirwa kuhupoteri. Izvi zvinotidzidzisa kuti muteveri waJesu nyakurovererwa pachipiyaniso anofanira kuva nechitarisiro kunyange pose paanokanganiswa kuita basa rake.
Rimwe gore Clement ari pazororo kuWoso akapihwa nhindi yenyama. Achangopedza kudya akabva azvibata kuti yanga yakaiswa muchetura wakauraya vamwe vaaigara navo. Clement apona akakwanisa kuregerera avo vaida kumuuraya akaenderera mberi nebasa rake rokuparidza nokuparadzira rudo.
1.8 Munamato kuna Clement
Mwari vane rudo, Mwari vane hanya netsitsi kuvanhu, makazadza Clement Mary Hofbauer nechido chakanyanya chokuritira vanhu zvikuru sei varombo nevanotambudzika pamweya. Nomuna Clement makaratidza huwandi hworudo nenyasha dzenyu.
Kuburikidza nekurevererwa naye, tibatsirei kuramba takamira nechitendero chechokwadi cheChikatorike chaakadzidzisa nomazvo. Itai kuti tifambe munzira yatakaratidzwa noupenyu hwaClement. Tinzwei mutipindure, Mwari, nomunaKristu Tenzi wedu. Ameni.