Nhetembo

  1. Ushamwari

Zvakanaka kuva neshamwari
Waunoseka naye, kutaura naye, kuchema naye.
Ushamwari hunokudzwa nokugoverana nguva dzakanaka, kubatsirana panguva dzakaoma, nokuitirana hanya.
Shamwari ibendekete rokuzembera, ruoko runotusa panodiwa maoko maviri, inzeve inoteerera chinyararire rungano runoshuvira kutaurwa.
Ushamwari hunoshandirwa haunyuke.
Ushamwari hunotora nguva, hunoda hanya, hunoda kuvimbika.
Ushamwari chipo.
Zvakanaka kuva neshamwari.
Ndinokutendai shamwari dzangu

2. Kurera vana

Kurera vana hakusi nyore
Kunogona kunyorovesa muviri, pfungwa nomwoyo nedikita
Asi pakupera kwezuva kurera vana kunotidzidzisa kuva vanhu vari nani
Uye dzimwe nhambo kuva nouchenjeri nokuzadziswa.
Nyange parizvino pfungwa yokukudza vana zvakanaka ichiita sechiroto chisingazadzisiki, zvichapfuura. 
Asi panguva yacho unenge usisina mwana anokutambudza zuva rose!
Pada ipapo ndopauchatanga kurera vana.

3. Upenyu Mukana

Upenyu mukana, ushandise.
Upenyu runako, ruyemure.
Upenyu inhapitapi, iraidze.
Upenyu chiroto, chizadzise.
Upenyu icharenji, sangana nayo.
Upenyu ibasa, ripedzise.
Upenyu mutambo, utambe.
Upenyu chivimbiso, chizadzise.
Upenyu kusuruwara, kukunde.
Upenyu rwiyo, ruimbe.
Upenyu ihondo, igamuchire.
Upenyu inyatwa, irwise.
Upenyu zvipingidzo, zviitire chivindi.
Upenyu irombo rakanaka, ritore.
Upenyu hwakakosha, usauputsa.
Upenyu upenyu, urwire.
Ndine nhamo asi ndine upenyu. 

4. Kuda upenyu hwako

Shamwari dzinouya dzichienda

Upenyu hunobhururuka wakatarisa
Unorasikirwa navadikani
Nyange zvakadaro unoramba uchida upenyu

Vanhu vanokusiya uchirwa woga
Unonyepera kusekerera uchiviga marwadzo ako
Asi pane mumwewo anoziva ronda riri muhana

Munazvose unonyepera kunge zvakaringana kuti ufadze vakakukomberedza
Unokiira zviri mumwoyo kuti uone kuti ndiani ane hanya dzokutsvaga makii
Munazvose vashoma vanokukurudzira kuti usununguke kuburitsa zviri mupfimbi
Nyange zvakadaro unoramba uchida upenyu

Hondo dzinosangana newe pameso dzichikuyeva kusvika warara
Nyange zvakadaro hapana chaunoshandura

Munazvose hapana chaungachinja
Munazvose haungatengese upenyu hwako nokuda mbiri.
Zvakaoma sei
Unoda upenyu hwako!

5. Mudzidzisi

Muri mudzisisi wangu
Makandidzidzisa zvoupenyu
Zvandiri ndimi
Ndimi munondikurudzira
Ndimi munondipa chitendero
Chokuvimba nezvandiri
Nyange pandinowa

Dzimwe nhambo makandipanicha
Dzimwe nguva makandituka
Pamwe pacho zvaindibata
Asi ndavakuona
Kuti maizviitira ini
Handifi ndaka kwanisa chikwereti
Chezvamakandiitira
Asi zvino ndinovimbisa
Kuti uchenjeri hwamakandipakurira
Nounhu hwamakandigamuchidza
Ndichazvishandisa kuumba
Ramangwana rakajeka

Maita basa mudzidzisi wangu
Ndavakuenda asi ndinotenda
Gamba rangu …

6. Kusuwira nguva

Nguva,
Ndochete zvandinoshuvira.
Nguva yokuda
Nguva yokutamba
Nguva yokuva

Mazuva paanopindana
Nenguva tichirasana
Ndinoda nguva
Kuti ndive.

7. Zvaunoona handizvo

Maruva matsvuku haasi matsvuku nguva dzose
Maruva mapfumbi haasi mapfumbi nguva dzose
Matigere munoita semusisina chokwadi
Dzimwe nyemwerero hadzisi mufaro
Kumwe kufinyama hakusi kutsanwa
Chimwe chokwadi hachisi chokwadi
Usakasira kufungira
Teerera

8. Rufu – hatina kuonekana

Hapana kuita mazwi okuonekana
Hapana kuita nguva yokuonekana

Makaenda takarivara,
takavarairwa

Mwari ndiye anoziva chikonzero
Ndiye ane mhinduro

Mwoyo yedu ichiri kudzimbikana
Iri kurwadziwa

Misodzi ichiri kuerera muchivande
Tichiri kusvimha misodzi

Hapana anofa akanyatsoziva
Kurasikirwa kwedu …

9. Kutyei

Ndirere ndinozvitongesa
Ko ndinotyei?
Zvikanganiso zvandakaita?
Kumhanya kwenguva?
Kushaya rudo kwangu?

Ko ndinotyei?
Vandakarwadzisa?
Vakandirwadzisa?
Zvandisingaoni?

Ko ndinotyei?
Kubatiswa pasi neshamwari?
Kurasiswa nemhuri?
Kukundikana?

Ko ndinotyei?
Kufa kwezvitarisiro zvangu?
Zvandinotarisirwa kuva?
Zvandisinganzwisisi?

Haiwa, kutya kuzvitya
Nokuti kutyisa hakutyisi!

10. MwoyoDai mwoyo uri pachokwadi

taiita zvakawandisa.

Asi kazhinji mwoyo hauna chinhu.

Kazhinji wakatonhora haugamuchiri.

Kazhinji wakaomarara haunzwi.

Kazhinji wakaremerwa nekushushikana.

Kazhinji wakasuwa nokusurikirwa.

Kazhinji uri murima.

Kazhinji uneronda.

Uye dzimwe nguva wakameduka.

Tinofanira kurapa maronda omwoyo

Kuti tigone kuda.

Tenzi batai mwoyo yedu muirape

Kuti tigone kubereka michero yorudo.

11. Mharadzano

Dzimwe nguva tinosvika pamharadzano

Toona atinofunga kuti magumo

Asi Mwari ane muono wakapamhama

Anoziva kuti ringori gonyo

Nzira ichaenderera mberi yakarurama

Uye patinenge tamira kuti tizorore

Nzira yakavandika mberi kwedu

Kanzinji  yakanakisa

Saka zorora, dekara, simba

Siya, siyira Mwari agoverane newe mutoro wako

Tendera muneremangwana rakajeka

Wangosvika chete pagonyo mumugwagwa …

12. Rufu – shamhu inorwadza

Ndarohwa neshamhu yorufu

Mutori woupenyu …

Muunzi wokusuwa …

Muvengi wavadikanwi …

Nzira yedu tose …

 

Misodzi pachitsamiro

Haiverengeki yandasvimha.

Ndirikunzwa kushama zvakaipisisa

Sokunge ndini wacho afa.

 

Ndichasvika riinhi ndichinzwa kushama zvakadai?

Marwadzo aya achapera here?

Ndichamirira kusvika riinhi

Kusvika tasangana kudenga hama neshamwari dzangu?

 

Nenhambo pfupi baba, mbuya vamwe baba, shamwari

mose tsakata

 

Pane zvakawanda zvatisina kutaurirana.

Hurukuro yedu kakadimburwa.

Ndaifunga kuti tine makore akawanda

Ndaifunga kuti tine nguva yakawanda tiri pamwechete.

 

Asi rufu rwakubai

Hapachina zvandinogona kuita

Saka ndongoita mwoyo murefu kusvika tasosangana tichikurukurirana.

13. Makorokoto ezuva rokuzvarwa

Dzimwe nguva ndinoshaya kuti chii chinokukoshesai,

Nyemwerero, ruvimbo kana kuti mwoyochena wamuinawo.

Dzimwe nguva ndinoshaya kuti chii chinofadza pamuri,

Chisungo, ndangariro kana kuti kutambanudza kwenyu.

Nhasi izuva rakanakisa, nhasi chiitiko chinoyevedza.

Nhasi, ndashaya kuti ndokupei?

Mune rutsigiro rwangu, rubatsiro rorudo rwangu nguva dzose

Naizvozvo nomwoyo uzere norufaro ndinoti makorokoto ezuva rokuzvarwa.

14. Yevedza pawadyarwa

Yevedza pawadyarwa

Penya kwawatumwa

Ziva kuti Mwari akushandisa

Sokuda kwake.

 

Ipa rudo paugere

Shandira sezvaanoda

Ziva kuti Mwari ane chinangwa newe

Anochiziva

 

Kura kwauri kuenda

Chema kana uchirwadziwa

Ziva kuti Mwari anodzoreredza mweya wako

Akuzadzisa zvakare

 

Namata uchiri kufema

Seka uchiri kufema

Ziva kuti Mwari ari pedo newe

Haakurasise

 

Koshesa ndangariro dzose

Tanga patsva

Ziva kuti uri mumwoyo maMwari

Zvachose

 
 15. Nyemwerero yomudzimai

Hunganzi hunyengedzi

Asi chakanaka chakanaka

Nyemwerero yomudzimai wangu yakanaka

Inyemwerero inondiendesa nzendo

Inyemwerero inoita zvakawanda kupinda mazwi

 

Handina kuti akaruramisa mudzimai wangu

Inga tose tinokanganisa

Asi anodadisa

 

Dzimwe nyemwerero dzinopfuura

Asi nyemwerero dzavapfuuri dzinodarika

Mufaro wadzo unofurira uchipupurika

Iyi nyemwerero haiendi