- Ushamwari
Zvakanaka kuva neshamwari
Waunoseka naye, kutaura naye, kuchema naye.
Ushamwari hunokudzwa nokugoverana nguva dzakanaka, kubatsirana panguva dzakaoma, nokuitirana hanya.
Shamwari ibendekete rokuzembera, ruoko runotusa panodiwa maoko maviri, inzeve inoteerera chinyararire rungano runoshuvira kutaurwa.
Ushamwari hunoshandirwa haunyuke.
Ushamwari hunotora nguva, hunoda hanya, hunoda kuvimbika.
Ushamwari chipo.
Zvakanaka kuva neshamwari.
Ndinokutendai shamwari dzangu
2. Kurera vana
Kurera vana hakusi nyore
Kunogona kunyorovesa muviri, pfungwa nomwoyo nedikita
Asi pakupera kwezuva kurera vana kunotidzidzisa kuva vanhu vari nani
Uye dzimwe nhambo kuva nouchenjeri nokuzadziswa.
Nyange parizvino pfungwa yokukudza vana zvakanaka ichiita sechiroto chisingazadzisiki, zvichapfuura.
Asi panguva yacho unenge usisina mwana anokutambudza zuva rose!
Pada ipapo ndopauchatanga kurera vana.
3. Upenyu Mukana
Upenyu mukana, ushandise.
Upenyu runako, ruyemure.
Upenyu inhapitapi, iraidze.
Upenyu chiroto, chizadzise.
Upenyu icharenji, sangana nayo.
Upenyu ibasa, ripedzise.
Upenyu mutambo, utambe.
Upenyu chivimbiso, chizadzise.
Upenyu kusuruwara, kukunde.
Upenyu rwiyo, ruimbe.
Upenyu ihondo, igamuchire.
Upenyu inyatwa, irwise.
Upenyu zvipingidzo, zviitire chivindi.
Upenyu irombo rakanaka, ritore.
Upenyu hwakakosha, usauputsa.
Upenyu upenyu, urwire.
Ndine nhamo asi ndine upenyu.
4. Kuda upenyu hwako
Shamwari dzinouya dzichienda
Upenyu hunobhururuka wakatarisa
Unorasikirwa navadikani
Nyange zvakadaro unoramba uchida upenyu
Vanhu vanokusiya uchirwa woga
Unonyepera kusekerera uchiviga marwadzo ako
Asi pane mumwewo anoziva ronda riri muhana
Munazvose unonyepera kunge zvakaringana kuti ufadze vakakukomberedza
Unokiira zviri mumwoyo kuti uone kuti ndiani ane hanya dzokutsvaga makii
Munazvose vashoma vanokukurudzira kuti usununguke kuburitsa zviri mupfimbi
Nyange zvakadaro unoramba uchida upenyu
Hondo dzinosangana newe pameso dzichikuyeva kusvika warara
Nyange zvakadaro hapana chaunoshandura
Munazvose hapana chaungachinja
Munazvose haungatengese upenyu hwako nokuda mbiri.
Zvakaoma sei
Unoda upenyu hwako!
5. Mudzidzisi
Muri mudzisisi wangu
Makandidzidzisa zvoupenyu
Zvandiri ndimi
Ndimi munondikurudzira
Ndimi munondipa chitendero
Chokuvimba nezvandiri
Nyange pandinowa
Dzimwe nhambo makandipanicha
Dzimwe nguva makandituka
Pamwe pacho zvaindibata
Asi ndavakuona
Kuti maizviitira ini
Handifi ndaka kwanisa chikwereti
Chezvamakandiitira
Asi zvino ndinovimbisa
Kuti uchenjeri hwamakandipakurira
Nounhu hwamakandigamuchidza
Ndichazvishandisa kuumba
Ramangwana rakajeka
Maita basa mudzidzisi wangu
Ndavakuenda asi ndinotenda
Gamba rangu …
6. Kusuwira nguva
Nguva,
Ndochete zvandinoshuvira.
Nguva yokuda
Nguva yokutamba
Nguva yokuva
Mazuva paanopindana
Nenguva tichirasana
Ndinoda nguva
Kuti ndive.
7. Zvaunoona handizvo
Maruva matsvuku haasi matsvuku nguva dzose
Maruva mapfumbi haasi mapfumbi nguva dzose
Matigere munoita semusisina chokwadi
Dzimwe nyemwerero hadzisi mufaro
Kumwe kufinyama hakusi kutsanwa
Chimwe chokwadi hachisi chokwadi
Usakasira kufungira
Teerera
8. Rufu – hatina kuonekana
Hapana kuita mazwi okuonekana
Hapana kuita nguva yokuonekana
Makaenda takarivara,
takavarairwa
Mwari ndiye anoziva chikonzero
Ndiye ane mhinduro
Mwoyo yedu ichiri kudzimbikana
Iri kurwadziwa
Misodzi ichiri kuerera muchivande
Tichiri kusvimha misodzi
Hapana anofa akanyatsoziva
Kurasikirwa kwedu …
9. Kutyei
Ndirere ndinozvitongesa
Ko ndinotyei?
Zvikanganiso zvandakaita?
Kumhanya kwenguva?
Kushaya rudo kwangu?
Ko ndinotyei?
Vandakarwadzisa?
Vakandirwadzisa?
Zvandisingaoni?
Ko ndinotyei?
Kubatiswa pasi neshamwari?
Kurasiswa nemhuri?
Kukundikana?
Ko ndinotyei?
Kufa kwezvitarisiro zvangu?
Zvandinotarisirwa kuva?
Zvandisinganzwisisi?
Haiwa, kutya kuzvitya
Nokuti kutyisa hakutyisi!
10. MwoyoDai mwoyo uri pachokwadi
taiita zvakawandisa.
Asi kazhinji mwoyo hauna chinhu.
Kazhinji wakatonhora haugamuchiri.
Kazhinji wakaomarara haunzwi.
Kazhinji wakaremerwa nekushushikana.
Kazhinji wakasuwa nokusurikirwa.
Kazhinji uri murima.
Kazhinji uneronda.
Uye dzimwe nguva wakameduka.
Tinofanira kurapa maronda omwoyo
Kuti tigone kuda.
Tenzi batai mwoyo yedu muirape
Kuti tigone kubereka michero yorudo.
11. Mharadzano
Dzimwe nguva tinosvika pamharadzano
Toona atinofunga kuti magumo
Asi Mwari ane muono wakapamhama
Anoziva kuti ringori gonyo
Nzira ichaenderera mberi yakarurama
Uye patinenge tamira kuti tizorore
Nzira yakavandika mberi kwedu
Kanzinji yakanakisa
Saka zorora, dekara, simba
Siya, siyira Mwari agoverane newe mutoro wako
Tendera muneremangwana rakajeka
Wangosvika chete pagonyo mumugwagwa …
12. Rufu – shamhu inorwadza
Ndarohwa neshamhu yorufu
Mutori woupenyu …
Muunzi wokusuwa …
Muvengi wavadikanwi …
Nzira yedu tose …
Misodzi pachitsamiro
Haiverengeki yandasvimha.
Ndirikunzwa kushama zvakaipisisa
Sokunge ndini wacho afa.
Ndichasvika riinhi ndichinzwa kushama zvakadai?
Marwadzo aya achapera here?
Ndichamirira kusvika riinhi
Kusvika tasangana kudenga hama neshamwari dzangu?
Nenhambo pfupi baba, mbuya vamwe baba, shamwari
mose tsakata
Pane zvakawanda zvatisina kutaurirana.
Hurukuro yedu kakadimburwa.
Ndaifunga kuti tine makore akawanda
Ndaifunga kuti tine nguva yakawanda tiri pamwechete.
Asi rufu rwakubai
Hapachina zvandinogona kuita
Saka ndongoita mwoyo murefu kusvika tasosangana tichikurukurirana.
13. Makorokoto ezuva rokuzvarwa
Dzimwe nguva ndinoshaya kuti chii chinokukoshesai,
Nyemwerero, ruvimbo kana kuti mwoyochena wamuinawo.
Dzimwe nguva ndinoshaya kuti chii chinofadza pamuri,
Chisungo, ndangariro kana kuti kutambanudza kwenyu.
Nhasi izuva rakanakisa, nhasi chiitiko chinoyevedza.
Nhasi, ndashaya kuti ndokupei?
Mune rutsigiro rwangu, rubatsiro rorudo rwangu nguva dzose
Naizvozvo nomwoyo uzere norufaro ndinoti makorokoto ezuva rokuzvarwa.
14. Yevedza pawadyarwa
Yevedza pawadyarwa
Penya kwawatumwa
Ziva kuti Mwari akushandisa
Sokuda kwake.
Ipa rudo paugere
Shandira sezvaanoda
Ziva kuti Mwari ane chinangwa newe
Anochiziva
Kura kwauri kuenda
Chema kana uchirwadziwa
Ziva kuti Mwari anodzoreredza mweya wako
Akuzadzisa zvakare
Namata uchiri kufema
Seka uchiri kufema
Ziva kuti Mwari ari pedo newe
Haakurasise
Koshesa ndangariro dzose
Tanga patsva
Ziva kuti uri mumwoyo maMwari
Zvachose
Hunganzi hunyengedzi
Asi chakanaka chakanaka
Nyemwerero yomudzimai wangu yakanaka
Inyemwerero inondiendesa nzendo
Inyemwerero inoita zvakawanda kupinda mazwi
Handina kuti akaruramisa mudzimai wangu
Inga tose tinokanganisa
Asi anodadisa
Dzimwe nyemwerero dzinopfuura
Asi nyemwerero dzavapfuuri dzinodarika
Mufaro wadzo unofurira uchipupurika
Iyi nyemwerero haiendi