Wonzwa mhururu nemuridzo pamba pemuvakidzai woti rega ndidongorere wonzwa mwana wako achinzi “tamba ndikupe tii.”
Archives
All posts for the month July, 2020
Chiverengo choKutanga
Vana veIziraeri vaiva muhutapwa kuBhabhironi kwamakore akawandisa zvokuti vakatanga kufunga kuti havafi vakadzokera kunyika yavo yechizvarwa. Vaive vaneta nokunamata uye vaive vave kuodzwamwoyo. Rimwe zuva Mwari akamutsa muporofita pakati pavo uyo akaparidza shoko rokuti rusununguko rwava pedyo. Vanhu vachinzwa shoko iri vakatanga kumirira nechitarisiro asi mamwe makore akadarika vimbiso iyi isina kuzadziswa. Vakaodzwa mwoyo zvekare.
Panguva iyi muporofita akasimbisa vanhu vachivataurira kuti Shoko raMwari rinozadzisa vimbiso dzaro. Hapana mhingidzo initadzisa kuzadziswa kwevimbiso yaMwari. Mushure memamwe makore vimbiso yaMwari yakatanga kuzadziswa apo vana veIziraeri vakavamba kudzokera kunyika yavo vachibva Bhabhironi.
Vadiwa, muhupenyu mune nguva dzokuti tinotadza kuvimba neShoko raMwari zvikuru kana takatarisana nematambudziko makukutu, kana tisingaone shanduko muhupenyu hwedu. Asi nhasi zviri kunzi shoko raMwari hariwiri pasi, rinozadziswa.
Chiverengo cheChipiri
Tikacherechedza tinoona kuti takakomberedzwa nokutambura kukuru. Vanhu vazhinji havasisina chitarisiro nohupenyu, vazere nokusurikirwa. Muedzo ndewekuona izvi sedambudziko risingagadzirisiki, risingaperi. Zvinoita sokunge tangomirira kuparadzwa.
Pauro ari kuti hatifaniri kushaya chitarisiro. Ari kushandisa mufananidzo womudzimai ave kubara. Mudzimai uyu anotambudzika, azere namarwadzo, anochema. Vanomunzwa vanoti zvimwe ava kufa, asi handizvo. Kuchema kwake ndekunopa hupenyu. Ave padyo nokutipa upenyu utsva, munhu mutsva. Nenguva pfupi misodzi yamaradzo ake inova misodzi yomufaro.
Pauro ari kuti kwatiri tose ivai nechitarisiro. Ichokwadi kuti munyika mune kutambudzika kukuru. VaKristo havagoni kuita sokunge nyika haisi kugomera namatambudziko. Asiwo havafaniri kushaya chitarisiro. Vanofanira kuziva kuti nyange zvinhu zvichiita sokunge zvisingafi zvakanaka zvichanaka chete.
Dama Rakanaka
MuDama Rakanaka Jesu anotaura rungano rwomukushi. Anotaura rungano urwu panguva yaanenge achangodzingwa mumusha maakakurira, panguva yaanenge achangobva mukubatwa sesasikamu muKepanaume. Panguva iyi vaFarisiya vaida kumupfuudza, vadzidzi vake vainge vachimutiza mumwe nomumwe. Kushumira kwake kwaiita sokunge kuri kuwira pamatsi. Zvinhu zvaive zvisina kumira zvakanaka uye shoko rake raiita sokunge rave padyo nokuparara.
Zvisinei, Jesu akaramba achidzidzisa kunyange aisangana nezvidingamupini. Aiziva kuti shoko rake richabereka michero nokuti rine simba risingadziviswe nomunhu wenyama.
Kuuya kwaMesiya kwaisava nemheremhere. Paiva panyika haana kumboita mukurumbira unoshamisira. Jowani mubhabhatidzi akatova nemukurumbira kudarika Jesu. Jesu aiita ekatsanga kemasitadhi, adukuduku, kasina kukosha, kasinganyatsooneki asi kanokura kusvika kavakushamisa vanhu. Dama rake rakapinda munyika zvinyoronyoro uye nhasi uno mazwi emurungao rwemukushi ari kuzadziswa. Shoko ratekeshera.
Dzimwe nguva tinozvibvunza kuti zvinobatsirei kuparidzira Dama Rakanaka kunyika iino izere nohuori. Tinotaurirei nevanhu vasingadi kuteerera, vanhu vakaoma mwoyo, vanhu vanongozvifunga? Hatisi kutambisa nguva here? Nhasi rangarira kuti Shoko raMwari rakafanana netsanga yemasitadhi inesimba risingakurumbidzi raonekwa!
Hama, pakati pedu pane mwoyo yanzwa nekutsokodzerwa: mwoyo isisakwanise kuchengeta mbeu yeShoko raMwari. Vanhu vanonzwa Shoko vasingarinzwisisi nokuritendera. Tine mwoyo inebvepfe asi isingatani kudzokera shure. Shoko rinomera mavari asi hatirani kusvava. Tinewo mwoyo inotambudzika inokuriraw nezvepasi zvakaita semari. Zvinhu izvi zvinoita kunge minzwa inovhunga shoko raMwari. Asiwo tine vanhu pakati pedu vanemwoyo yakanaka inobvumidza Shoko raMwari kubereka michero yakawanda.
Saka tine mhando ina dzevhu dziri mumwoyo memumwe nemumwe wedu. Mune mumwe nemumwe wedu mune minzwa, matombo, nzira dzakatsokodzerwa nevhu rakanaka. Tinofanira kuziva izvi toedza kuzviumba kuti tive ivhu rakanaka tinochengeta, kurera nokukudza Shoko raMwari.
Uri woga nokuti kana uchifamba mutaundi unenge uchingomhanya mhanya. Vanhu vanofungaka kuti uri kugadzirira muchato.
Chinhu chikuru muhupenyu hwemumwe nemumwe wedu mubvunzo wokuti INI NDINI ANI? Kana zvimwe zvose zvinoshanduka, zvichipfuura zvabviswa ini NDINI ANI. Mukuzvipoda-poda kwedu, mukuzvishongedza kwedu nezvimwe zvose tinotambudzwa nomubvunzo wokuti INI NDINI ANI?
Mubvunzo Uyu unopindurwa napakasiyana-siyana. Unogona kuti NDIRI ZVANDINOITA. Ichi ichokwadi. Kana ndichiita zvine pundutso ndinodada nazvo. Asi kana ndikati ndiri zvandinoita hapaite dambudziko here kana ndikakundikana munezvandinoita? Hapaite dambudziko here ndikachembera ndisisakwanise kuzviitira kana kuti ndikarwara? Hapasiripo here pandinozosurikirwa nekusavimba nezvandiri?
Vamwe vanopindura mubvunzo wokuti ndini ani vachiti NDIRI ZVINOTAURWA NAVAMWE PAMUSORO PANGU. Iyi ipfungwa yakanaka uye yakakosha pane dzimwe nguva. Kana vanhu vachitaaura zvakanaka pamusoro pangu ndinonzwa kufara nekusununguka. Asi chii chinozoitika kana vanhu vakatanga kutaura zvakaipa pamusoro pangu? Hapasiripo here pandinotanga kusurikirwa nekunyunyuta kugona kwangu? Ukafunga kuti uri zvinotaurwa navamwe pamusoro pako unogona kupedzisira wava nehunhu hunoshanduka-shanduka uchieddza kufadza vanhu. Asi kana ukadai unenge wavakutorarama manyepo.
Vamwewo vanhu vanopindura vachiti NDIRI ZVANDIINAZVO. Mumwe anogona kuti ndakakomborerwa nekuti ndiri muSouth African handisi muZimbabwean. Ndine vabereki vane mari. Ndakadzidza. Ndine hutano handina shuramatongo kana kuti Covid 19. Ndine hembe dzakawanda. Ndine Midziyo yemumba yakawanda. Ndine motokari dzakanaka. Asi kana ukazviona sezvizvi paunorasikirwa nezvinhu zvose – nemudikani, nehutano upenyu hwako – hunotibikirwa nerima. Kana ukarasikirwa nezvinhu iwe uchifunga kuti ndozvauri vanhu havazokuona sechinhu, vaikuremekedza vanogona kutanga kukutarisira pasi.
Nguva zhinji tinopedzera simba pakuda kunzi ndiri zvandinoita, ndiri zvinotaurwa navamwe, ndiri zvandiinazvo. Asi kana vanhu vakataura zvakanaka pamusoro pako, ukava nezvinhu zvaunoshuvira, ukaita basa rinokufadza unogona kunzwa zvakanaka ugozadzwa nomufaro. Dambudziko rinouya paunorasikirwa nezvinhu zvose izvi, vanhu pavanenge vasingatauri zvakanaka pamusoro pako nepaunorasikirwa neshamwari. Upenyu hwako hunotanga kurema uye hunoshaya chirevo.
Nhasi ndinoda kuti tizive kuti mafungiro ose aya haana kunaka. Dhimoni rakamboedza Jesu kuti azvione nemaonere iwaya. Rakauya kwaari rikati “Shandura matombo aya ave chingwa uratidze nyika kuti pane zvaunogona kuita.” “Svetuka kubva pamusoro petemberi kuti vanhu vakugamhe vagotaura zvakanaka pamusoro pako.” “Ndipfugamire ndigokupa zvose zvaunoshuvira muhupenyu.” Asi Jesu akati “Uri kutaura manyepo. Ndinoziva zvandiri nekuti mweya ndiwo wandituma kuti ndiyedzwe newe. Mweya waMwari wauya kwandiri ukati ‘Uri mwanakomana wangu wadiwa anondivadza.’”
Tinoona kuti Jeesu akaedzwa asi akaramba akabatiriria pachokwadi chezvaari. Vanhu vaimurumbidza vamwe vachimuramba vamwe vaimbuimbira “Hosana” vamwe vachisheedzera “Ngaarovererwe.” Zvose izvi zvaisava nebasa nekuti aiziva chokwadi chekuti chero zvaitika NDIRI MWANA WADIWA WAMWARI. Izvi ndizvo zvandichava nguva dzose. Chokwadi ichi ndicho chinokugonesa kurarama munyika ino ine hunyengedzi ine vanhu vanosekerera, vanopemberera nokuimbira asi vazere noruvegno muhana dzavo. Uri mudiwa kwete nokuti vanhu vanokurumbidza asi nokuti Mwari baba ndivo vanodaro.
Hama, chinhu chandinoda kuti ubatisise ndechekuti uri mwanakomana kana mwanasikana wadiwa waMwari. Izvi ndizvo chaizvo-izvo zvauri. Izvi ngazvipinde munzeve dzako, mumwoyo mako nemuhupenyu hwako hwose. Zvimwe zvinhu zvose zvinoshanduka asi chokwadi chokuti uri mudiwa waMwari hachichinje. Nhaizvozvo nguva dzose dzaunofunga kudzokera kumashure, dzaunoshatiriswa, zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka ziva kuti uri waMwari.
Rungano
Rimwe zuva vanhu vazhinji vaive mumutsara webhanga wakakurisa. Mumwe murume aiva shure kwemutsara akatanga kupopota achiti anoda cheya yekumbogara pasi nekuti aive amira kwenguva yakareba. Akati “mudenge ndinokwira first class ini.” Mahobho aironganisa vanhu akaedza kutsanangura kuti paive nedambudziko raive rava padyo nekugadziriswa asi baba vaya vakaramba vachipopota vakati “Unomboziva kuti ndinonzi ani here iwe?” Mahobho akabva ati kune vamwe vose “Pamusoroi vabereki pana baba vasiri kuziva kuti vanonzi ani. Kana paine anovaziva huyai mberi mutibatsire!”
Unombonzi ani iwe? Usavimba nezvinopfuura.
Pamusangano wemhuri wosimudzawo ruoko kuti utaure, wonzwa mumwe achiti “Chimbomirai sekuru hatisati takuita zvedoro.”
Paunoti wakuda kurara nhamo dzako dzinobva dzati “Tine musangano kusvika na4 dzemangwanani!”
Munenge muri panhamo, mai vako vakapfeka mashutazi, wonzwa varoora vachiti “Adya here Ronaldo?”
“Siyana neni!Ndine mukadzi wangu ini hauzvizive here?” Ndini hangu uyo ndichinyepera kuvhumuka ndiri kuhope kuti mukadzi wangu afare.
Veduwee kana mafunga kufona tangai majusa mari inokwana kutaura zvamurikuda. Pamba pandinogara vafonerwa kubva kumusha nemuzukuru wavo anogara nagogo, mai vababa zvikanzi “haro haro haro haro muri kundinzwa here?” Vabva vaisa foni paruzha. “Eeeeeh tiri kukunzwa.” Zvikanzi,”Kuno gogo vakafa. ” Ndobva foni yakata. Kubva mangwanani vanhu vanga vachingochema, apa foni yacho kumusha yanga isisapinde. Masikati ano, azofona futi zvikanzi, “haro kuno gogo vakafara negirosa ramakavatumira. Paye foni yakata nokuti mari yanga yapera uye nemoto wacho wanga wapera mufoni.”
😎kapedza hako jonasi apa kazvimbisa vanhu maziso nekuchema