- Usadududza
Nyange zvorema sei usadududza nokuti mikana mikurusa muupenyu yakaita hochekoche namatambudziko makukutu.
3. Kuzviziva
Kuzviziva nokuzvinzwisisa,
Hazvirevi kuva munhu asina zvikanganiso
Asi kuva munhu anokwanisa kudzidza nokugadzirrisa paanenge akanganisa.
4. Sarudzo
Vakundikani ndovanoita sarudzo zvichienderana nepavari
Vabudiriri ndovanoita sarudzo zvichienderana nekwanoda kuva
5. Ruvimbo, ruremekedzo, kuvimbika
Ruvimbo runoshandirwa.
Ruremekedzo runopiwa.
Kuvimbika kunotaridzwa.
Kurasisa chibodzi kurasikirwa nazvose zviri zvitatu.
6. Kuona mberi
Ramangwana rakajeka kune vanoona zviri mberi zvisati zvajeka.
7. Rusununguko
Dzimwe nguva unofanira kungosiyana nazvo kuti usununguke
8. Rusununguko rweNyika
Rusununguko haisinzira inosvitsa kuchinangwa chikuru chezvematongerwo enyika
Rusununguko pacharwo ndochinanga chikuru chezvematongerwo enyika
Makorokoto edu tose eZuva roRusununguko rweNyika yedu tose!
9. Rudo runorwadza
Inosvika nguva yaunoona kuti waitira munhu zvakawandisa, wave kufanira kuchimbomira, kumisiya amire oga. Hazvirevi kuti unenge uchimurasa. Hazvirevi kuti unenge uchimuitira utsinye. Ungenge uchimupa mukana wokudzidza, kukura, nokuzvimirira. Urwu ndorwatinoti rudo rwunorwadza.