Mitsara

  1. Usadududza

Nyange zvorema sei usadududza nokuti mikana mikurusa muupenyu yakaita hochekoche namatambudziko makukutu.

2. Kupwanyirwa pfungwa
Pawanga wofunga kuti pfungwa yako yakanakisa uchiti hapana chekumhanyira pakuizadzisa, bhosi havana kuzvinzwisisa ndobva vaitsikirira nezitsoka vakaipwanya-pwanya.

3. Kuzviziva

Kuzviziva nokuzvinzwisisa,

Hazvirevi kuva munhu asina zvikanganiso

Asi kuva munhu anokwanisa kudzidza nokugadzirrisa paanenge akanganisa.

4. Sarudzo

Vakundikani ndovanoita sarudzo zvichienderana nepavari

Vabudiriri ndovanoita sarudzo zvichienderana nekwanoda kuva

5. Ruvimbo, ruremekedzo, kuvimbika

Ruvimbo runoshandirwa.

Ruremekedzo runopiwa.

Kuvimbika kunotaridzwa.

Kurasisa chibodzi kurasikirwa nazvose zviri zvitatu.

6. Kuona mberi

Ramangwana rakajeka kune vanoona zviri mberi zvisati zvajeka.

7. Rusununguko

Dzimwe nguva unofanira kungosiyana nazvo kuti usununguke

8. Rusununguko rweNyika

Rusununguko haisinzira inosvitsa kuchinangwa chikuru chezvematongerwo enyika

Rusununguko pacharwo ndochinanga chikuru chezvematongerwo enyika

Makorokoto edu tose eZuva roRusununguko rweNyika yedu tose!

9. Rudo runorwadza

Inosvika nguva yaunoona kuti waitira munhu zvakawandisa, wave kufanira kuchimbomira, kumisiya amire oga. Hazvirevi kuti unenge uchimurasa. Hazvirevi kuti unenge uchimuitira utsinye. Ungenge uchimupa mukana wokudzidza, kukura, nokuzvimirira. Urwu ndorwatinoti rudo rwunorwadza.