“Charisma” zvinoreva kuti “Zvipo zvinobva kuna Mwari.” Chiverengo chokutanga chinotiudza kuti muboka ravaKorinde zvipo izvi zvaisakisa kuti pave nenyonga-nyonga. Kunze kwekuti zvipo zvishandiswe kuitira sangano zvaishandiswa kuonererwa zvichizobva zvakonzera shanje, godo neruvengo.
Chipo chaiyemurwa navazhinji chaiva chekutaura nendimi. Pane vamwe vaikwanisa kutaura nemutauro usinganzwikwi panguva yemunamato. Vamwe vaiedza kuteedzera izvi zvichiramba votanga kuzvitarisira pasi. Avowo vaigona kutaura nendimi vaizvitutumadza.
Pauro anoti pane zvipo zvakawanda. Zvipo izvi zvinobva kuna Mwari. Anoti kana zvipo izvi zvichikonza kupesana nekurwisana, zvinenge zvava midziyo yohuipi.
Munhu wose ane chipo chake chaainacho. Zvipo zvedu hazvifanane. Zvingaita here kuti pachechi tive navatenderi vane chipo chimwechete chekuridza ngoma pasina anogona kuimba? Ingava nyika inofadza here ine miti yemumango chetechete pasina imwe miti?
Kukosha kwechipo hakuonekwe nembiri yachiinacho asi nekubatsira kwachinoita boka ravatenderi. Pauro anodoma zvipo zvakawanda zvakasiyana-siyana pana 1 Vakorinde 12:8-10. Zvipo izvi zvaanodoma handizvo zvega asi kuti akangotaura zvaienderana nevanhu vaaitaura navo. Pane zvipo zvinosvitsa paruzivo rwaMwari, uchenjeri noruzivo rwunoita kuti munhu agone kunzwisisa chitendero. Pane chitendero chinogona kufambisa makomo nokuita minana. Pane zvipo zvokurapa nokuporofita. Panewo chipo chekutaura nendimi dzakasiyana-siyana. Muchidimbu kune zvipo zvakawanda. Munhu wose ane chipo chake. Zvipo zvedu hazvifanani.