Munamato waPadre Piyo Mutsvene wokukunda uipi
Burukirai pandiri imi Mweya waMwari baba vedu, Mwanakomana naMweya Mutsvene, Utatu hutsvene, Maria Mhandara Tsvene isina mhaka, vatumwa navatsvene vose.
Tenzi, ndichenesei mundiumbe uye zvizadzei pachenyu mandiri, kuti mugondishandisa sokuda kwenyu.
Tandirai kure neni masimba ose ouipi, muaparadze nokukunda pamusoro pawo, kuti ndive noutano uye ndikwanise kuita mabasa akanaka. Tandirai kure neni mweya youroi, kushereketa kwokuteketera uipi, ruchiva, godo nemaitiro ose anosvibisa muviri, mwoyo nomweya.
Ririmisai nomoto uipi hwose kuti usazonyangadzazve ini kana chimwe chisikwa chose chiri pano panyika. Nesimba raMwari samasimbaose, nomuzita raJesu Kristu muponesi wedu uye nomureverero yaMaria Mhandara Tsvene isina tsvekwa, ndinodzinga masimba ose omweya yakaipa anonditambudza. Ndinoti ngaabve pandiri zvachose, atandirwe kugehena, anogara akasungirirwa ikoko navatumwa Mikaeri naGabhureiri naRafaeri vatsvene pamwe navatumwa vachengeti vedu. Masimba akaipa ngaaparadzwe pasi petsoka dzaMaria Mhandara Tsvene isina mhaka. Amen.
