(Murevereri webasa rokuparidza)
Teresa Mutsvene weMwana Jesu, munguva pfupi youpenyu hwenyu panyika, makava chiringiro choutsvene hwaVaTumwa, rudo rwakasimba sorufu, mwoyo wokuzviturira zvizere kuna Mwari. Zvino mava mumufaro wemubairo wokurarama mutsika dzakanaka, tendeutsirai meso enyu etsitsi pandiri nokuti ndinovimba zvizere mamuri.
Ndiwanireiwo nyasha dzinondigonesa kuchengeta mwoyo nehana yangu zvakachena noutsvene sezvamakaita. Ndiseme zvemazvirokwazvo zvose zvingasvibise tsika ine mbiri yokuchena iyo inodisiswa naTenzi wedu.
Ndizere nechivimbo musimba renyu mukureverera kuMwoyo Mutsvene, ndinokutetererai kuti mundireverere ndigowanawo zvandinoshuwira nokukumbira izvi…
(Taura chaunoda)
Vadiwa Ruva Diki, ndiwanireiwo kubva kuna Mwari nyasha dzandinotarisira dziri muunaku hwake husingaperi. Itai kuti ndione nokunzwa simba rominamato yenyu mune zvose zvandinokumbira. Ndipeiwo nyaradzo muna zvose zvinorwadza zvoupenyu, zvikurusei panguva yokufa. Ndigokodzera kugoverana mufaro usina mugumo nemi kudenga. Amen.
