Mweya Mutsvene, ndimi wechitatu muUtatu Hutsvene hwaMwari! Ndimi Mweya wechokwadi nohutsvene, munobva munaBaba noMwanakomana, makangoenzana navo muna zvose! Ndinokupfugamirai ndinokudai nomwoyo wangu wose.
Mweya Mutsvene wadiwa, ndinoisa chivimbo murudo rwenyu kwandiri rwakadzama pandiri kuita NOVHENA iyi, kuti kana kuri kuda kwenyu mundipewo izvi …
(Kumbira chaunoda)
Ndidzidzisei kuziva nokutsvaga Mwari akandisika uye wandakasikirwa. Zadzai mwoyo wangu nokutya Mwari uye rudo kwaari. Itai kuti ndirwadziwe kukutadzirai uye ndive nomwoyo murefu. Musandirega ndichiwira murutadzo.
Wedzerai mandiri kutenda, chitarisiro nerudo ndikure mutsika dzakanaka dzinofambirana nezvandiri pakukurarama.
Ndiitei muteveri waJesu akatendeka, mwana anoteerera sangano uye anobatsirana navamwe. Ndipeiwo nyasha dzokuti ndigone kuchengetedza mirau yenyu uye kugamuchira masakaramende ndakakodzera.
Ndipeiwo zvipo zvenyu zvinoera zvinoti; ungwaru, runzwisiso, zano rakanaka, rutsigo, ruzivo, runamato nokutya Tenzi. Wedzeredzai mandiri michero yenyu inoera inoti; rudo, mufaro, mwoyo murefu, mutsa, unaku, mwoyochena, unyoro, kutendeka, kuzvidukupisa, kuzvibata noutsvene.
Ndisvitsei kuutsvene mukurarama daidzo yamakandishevedzera, mugondisvitsawo kumugumo wakanaka wokuzofara muupenyu husingaperi, nomuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Amen.
