(Murevereri wevanorasa zvinhu)
Andoni Mutsvene mune mbiri, makapihwa naMwari simba rakakosha rokuwanazve zvinhu zvinenge zvarasika, ndiwanireiwo tsitsi dzaMwari mune izvi zvandiri kusuwira nokukumbira … (Taura chaunoda).
Sezvo imi makaratidza mutsa norudo kuvatadzi varombo, regai kuringa kushaikwa kwechakanaka mandiri, asi muone mbiri yaMwari inosimudzirwa nokundiwanira zvandiri kukumbira kwamuri ndiri pachokwadi.
Andoni Mutsvene muiti wezvishamiso ane mbiri, baba wavarombo, munyaradzi wavari mumarwadzo, ndibatsireiwo.
Imi munogaro uya kuzondibatsira norudo nehanya zvinondinyaradza kwazvo. Ndinokutendai kubva pasipasi pomwoyo wangu.
Gamuchirai kuzvipira kwangu kwamuri norudo, kuve chitsidzo chechokwadi chandinoita patsva chokurarama murudo kuna Mwari nokune mumwe wangu. Rambai muchindidzivirira norudo rwenyu, mundiwanire nyasha dzinondigonesa kupinda muUmambo Hwekudenga, ndichirumbidza pamwe nemi tsitsi dzaMwari dzisina mugumo. Amen.
