(Kunamatira Sangano naVaPristi)
Jesu wangu,
ndinokutetererai ndakamirira Sangano rose;
kuti muripe rudo nechiedza chaMweya wenyu
uye mupe simba kumashoko avapristi
kuti vatadzi vakaoma mwoyo vatendeuke,
vadzoke kwamuri Tenzi.
Tenzi, tipeiwo vapristi vatsvene.
Imi pachenyu mugovachengetedza muutsvene.
Imi Mwari noMupristi mukuru kwazvo,
daiwaro simba retsitsi dzenyu rafamba navo kwosekwose,
nokuvadzivirira kumiteyo nomisungo yasatani
inogaroteya mweya yavapristi.
Tenzi, imi munogona kuita zvose,
dai simba retsitsi dzenyu
raparadza zvose zvinosvibisa utsvene hwavapristi.
Jesu ndinokumbirawo chikomborero chakakosha
uye chiedza pamusoro pavapristi vose
vachagamuchira reururo yangu muupenyu hwangu hwose.
Amen.
