Mweya Mutsvene, ndimi wechitatu muUtatu Hutsvene
hwaMwari! Ndimi Mweya wechokwadi nohutsvene,
munobva munaBaba noMwanakomana, makangoenzana navo muna zvose! Ndinokupfugamirai ndinokudai
nomwoyo wangu wose.
Mweya Mutsvene wadiwa, ndinoisa chivimbo murudo
rwenyu kwandiri rwakadzama pandiri kuita novena iyi,
kuti kana kuri kuda kwenyu mundipewo izvi …
(Kumbira chaunoda)
Ndidzidzisei kuziva nokutsvaga Mwari akandisika uye
wandakasikirwa. Zadzai mwoyo wangu nokutya Mwari
uye rudo kwaari. Itai kuti ndirwadziwe kukutadzirai uye
ndive nomwoyo murefu. Musandirega ndichiwira
murutadzo.
Wedzerai mandiri kutenda, chitarisiro nerudo ndikure
mutsika dzakanaka dzinofambirana nezvandiri
pakukurarama.
Ndiitei muteveri waJesu akatendeka, mwana anoteerera
sangano uye anobatsirana navamwe. Ndipeiwo nyasha
dzokuti ndigone kuchengetedza mirau yenyu uye
kugamuchira masakarAmende ndakakodzera.
Ndipeiwo zvipo zvenyu zvinoera zvinoti; ungwaru,
runzwisiso, zano rakanaka, rutsigo, ruzivo, runamato
nokutya Tenzi. Wedzeredzai mandiri michero yenyu
inoera inoti; rudo, mufaro, mwoyo murefu, mutsa, unaku,
mwoyochena, unyoro, kutendeka, kuzvidukupisa,
kuzvibata noutsvene.
Ndisvitsei kuutsvene mukurarama daidzo
yamakandishevedzera, mugondisvitsawo kumugumo
wakanaka wokuzofara muupenyu husingaperi, nomuna
Jesu Kristu Tenzi wedu. Amen