(Murevereri wevarasa mwoyo)
Judhi Tadheu Mutsvene mune mbiri, makapiwa zvipo zvikuru zvokudenga zvakashongedza upenyu hwenyu wose. Makaitwa hama yaJesu Kristu yapadyo, mukadaidzwa kuti muve Mupositori wake. Nokuda kwembiri yamakawana yamuinayo kudenga somubairo wokushanda somupositori uye mufiri wechitendero, ndiwanireiwo kubva kunaiye mupi wezvose zvakanaka, mupi wezvipo zvakaruramisa, nyasha dzose dzandingade …
(Taura chaunoda)
Ndibatsirei kuchengeta mumwoyo mangu upfumi hwedzidziso yaMwari yamakapa muTsamba yenyu; ndigonewo kuumba muzinda woutsvene pahwaro hwechitendero chedu chitsvene; ndinamatire kuwana nyasha dzaMweya Mutsvene; ndigare murudo rwaMwari ndichitarisira kutsitsi dzaJesu Kristu kusvika kuupenyu husingaperi; ndishingairire kubatsira nokudzora vose vanorasika.
Daiwaro ndarumbidza mbiri, hukuru, utongi nesimba raiye anogona kundichengeta ndisina rutadzo nokuzondigamuchidza ndakachena nomufaro mukuru pakuuya kwaMwari Muponesi wedu, Tenzi Jesu Kristu. Amen.
