(murevereri wavanoshaya)
Rita Mutsvene, Mwari akakupai kwatiri somuenzaniso worudo nomwoyo murefu, akadazve kuti mugoverana, kutambudzika nokufa kweMwanakomana wake. Ndinotenda Mwari pamusana pamakomborero mazhinji aakadururirai upenyu hwenyu hwose, zvikurusei kushaiwa mufaro mumuchato wenyu, uye urwere hwenyu muri kuvapikiri.
Daiwaro muenzaniso wenyu wandikurudzirawo kutakura muchinjikwa wangu nomwoyo murefu uye kugara upenyu hutsvene. Dai ndagona kufadzawo Mwari nechitendero namabasa kuburikidza nokumuitira sezvamakaita imi.
Ndinokundikana nokuda kwoutera hwangu. Ndireverereiwo kuna Mwari kuti andidzorere murudo rwake kuburikidza nenyasha dzake agonondibatsira munzira yangu yoruponeso.
Norudo nemutsa wenyu, inzwaiwo munamato wangu mundireverere kuna Mwari ndiwanewo izvi zvandinokumbira …
(Taura chaunoda)
Daiwaro minamato yenyu yandibatsira kurarama upenyu hwakatendeka kudaidzo yangu sezvamakaita nokupa rudo rwakadzama kuna Mwari nomumwe wangu kudzamara ndasvika kuupenyu husingaperi kudenga. Amen.
Mimamato
Manovhena
Nzira yomuchinjikwa
Minamato yakasiyana-siyana
Rusariro
(Murevereri wevarasa mwoyo)
Judhi Tadheu Mutsvene mune mbiri, makapiwa zvipo zvikuru zvokudenga zvakashongedza upenyu hwenyu wose. Makaitwa hama yaJesu Kristu yapadyo, mukadaidzwa kuti muve Mupositori wake. Nokuda kwembiri yamakawana yamuinayo kudenga somubairo wokushanda somupositori uye mufiri wechitendero, ndiwanireiwo kubva kunaiye mupi wezvose zvakanaka, mupi wezvipo zvakaruramisa, nyasha dzose dzandingade …
(Taura chaunoda)
Ndibatsirei kuchengeta mumwoyo mangu upfumi hwedzidziso yaMwari yamakapa muTsamba yenyu; ndigonewo kuumba muzinda woutsvene pahwaro hwechitendero chedu chitsvene; ndinamatire kuwana nyasha dzaMweya Mutsvene; ndigare murudo rwaMwari ndichitarisira kutsitsi dzaJesu Kristu kusvika kuupenyu husingaperi; ndishingairire kubatsira nokudzora vose vanorasika.
Daiwaro ndarumbidza mbiri, hukuru, utongi nesimba raiye anogona kundichengeta ndisina rutadzo nokuzondigamuchidza ndakachena nomufaro mukuru pakuuya kwaMwari Muponesi wedu, Tenzi Jesu Kristu. Amen.
(Murevereri wevanorasa zvinhu)
Andoni Mutsvene mune mbiri, makapihwa naMwari simba rakakosha rokuwanazve zvinhu zvinenge zvarasika, ndiwanireiwo tsitsi dzaMwari mune izvi zvandiri kusuwira nokukumbira … (Taura chaunoda).
Sezvo imi makaratidza mutsa norudo kuvatadzi varombo, regai kuringa kushaikwa kwechakanaka mandiri, asi muone mbiri yaMwari inosimudzirwa nokundiwanira zvandiri kukumbira kwamuri ndiri pachokwadi.
Andoni Mutsvene muiti wezvishamiso ane mbiri, baba wavarombo, munyaradzi wavari mumarwadzo, ndibatsireiwo.
Imi munogaro uya kuzondibatsira norudo nehanya zvinondinyaradza kwazvo. Ndinokutendai kubva pasipasi pomwoyo wangu.
Gamuchirai kuzvipira kwangu kwamuri norudo, kuve chitsidzo chechokwadi chandinoita patsva chokurarama murudo kuna Mwari nokune mumwe wangu. Rambai muchindidzivirira norudo rwenyu, mundiwanire nyasha dzinondigonesa kupinda muUmambo Hwekudenga, ndichirumbidza pamwe nemi tsitsi dzaMwari dzisina mugumo. Amen.
(Murevereri wamaPristi eSangano)
Johani Mari Vhiani, mupristi Mutsvene wekuAazi, makadisa Mwari mukamuitira makatendeka somupristi wake. Zvino mavakuonana uso nouso naMwari kudenga. Hamuna kumbotya asi makatirira mukutenda kusvikira mukufa. Ndirangarireiwo munjodzi nezvinotyisa zvakandimomotera, mugondirevererawo mumatambudziko, uyewo izvi zvandinokumbira … (Taura chaunoda).
Johani Vhiani Mutsvene, ini ndinovimba nokureverera kwenyu. Zvino chindirevereraiwo muNOVHENA iyi. Amen.
(Mudziviriri nomurevereri weSangano Katorike)
Josefa Mutsvene, muri mudziviriri nomurevereri akavimbika wavose vanokuremekedzai. Ndinovimba nemi. Mune hukama hune simba naMwari uye hamukanganwi kana kurasa varanda venyu vakatendeka.
Ndinozvirereka ndichizvipa kwamuri pamwe navadikanwi vangu vose, kuti mutirevererewo. Pamusana perudo rwenyu kuna Jesu naMaria, regai kutirasa asi ivai nesu muupenyu huno, mugozotibatsira panguva yokufa.
Josefa Mutsvene mune mbiri, muteveri waJesu akatendeka, ndinosimudza mwoyo wangu kwamuri, ndichikutetererai kuti mundiisirewo reverero yenyu ine simba kuna Jesu. Mundiwanirewo nyasha dzandinoda dzapamweya napanyama, zvikurusei rufu rwakanaka, uye izvi zvandinokumbira … (Taura chaunoda).
Muchengeti nomudziviriri waIzwi Akava munhu, ndinovimba kuti minamato yamunonditurira inogamuchirwa zvakanakisa pamberi pechigaro chohushe hwaMwari. Amen.
(Murevereri wavana Amai)
Ana Mutsvene mune mbiri, ndinoda kukuremekedzai nokuzvipira kwangu kwamuri. Ndinokusarudzai makatevedzana neMhandara Tsvene saamai nomudziviriri womweya wangu. Ndinokupai muviri wangu nomweya wangu nazvose zvandinodisa zvapamweya nezvapanyama uye zvose zvemhuri yangu.
Ana Mutsvene makanaka, ndizere norudo kuna avo vanokukumbirai uye nyasha naavo vari kutambudzika, ndinosuma munamato wangu uyu kwamuri ndiine chivimbo.
(Taura chaunoda)
Ndinokumbira kuti mundisvitsirewo chichemo changu kune mwanasikana wenyu Maria Mhandara Tsvene, kuti muri pamwe mugochisvitsa kuna Jesu. Nomuminamato yenyu, daiwaro chichemo changu chanzwikwa. Asi kana zvandinokumbira zvisiri maererano nekuda kwaMwari, ndiwanireiwo nyasha dzinobatsira mweya wangu.
Mushure mokukudai nokukurumbidzai pano pasi semwana wenyu akazvipira muchokwadi, itai kuti nomuminamato yenyu, ndizova nomufaro wokukudai nokukurumbidzai kudenga pamwe naVaTumwa naVaTsvene, kwemisi isingaperi.
Ana Mutsvene makanaka, Amai vaMaria upenyu hwedu, kunaka nokutarisira kwedu, ndirevererei kwaari mundiwanirewo zvandinokumbira. Amen.
Mhandara Tsvene kwazvo, imi makasarudzwa neUtatu Hutsvene hunopfugamirwa, kubvira pakutanga kwenguva kuti muve Amai vakachena kwazvo vaJesu. Chindibvumiraiwo ini muranda wenyu anozvidukupisa uye akazvipira kwamuri, kuti ndikuyeuchidzei mufaro wamakagamuchira pamakaparidzwa zvokuva mhunhu kwaMwari Tenzi wedu; mwedzi mipfumbamwe yamakamutakura mumimba yenyu tsvene kwazvo. Ndinoshuwira nomwoyo wangu wose kuti dai mufaro uyu wavandudzwa kana kuwedzeredzwa nokuda kweminamato yangu.
Amai makapfava, imi makarwadziswa, ndipeiwo dziviriro yenyu yamakavimbisa avo vanonamata vachiyeuka mufaro mukuru wamakava nawo. Pamusana petsitsi dzisina mugumo dzaMwari Mwanakomana wenyu uye chivimbo chokuti vose vanokumbira nomuminamato yenyu inesimba vanowana, ndinokutetererai kuti mundirevererewo. Ndiwanireiwo zvandiri kukumbira muNOVHENA ino kana kuri kuda kutsvene kwaMwari, kana kundikumbirirawo nyasha dzandingade panguva ino.
(Taura chaunoda)
MuNOVHENA ino yandinoita senzira yokukuremekedzai, ndinoshuwira kwazvo kuratidza kuti ndinovimba nokureverera kwenyu. Gamuchirai munamato wangu nokuda kwerudo nomufaro wakava nomwoyo wenyu usine mhaka pakutakura Mwari Mwanakomana mumimba yenyu, iye wandinopfugamira nokuremekedza sezvinofarira mwoyo wangu. Amen.
(Murevereri wavanorwara nepfungwa)
Dhimpuna Mutsvene muiti wezvishamiso muurwere hwose hwepfungwa nomuviri, ndinozvirereka ndichikumbira reverero yenyu ine simba kuna Jesu nomuna Maria, utano hwavarwere. Makazadzwa norudo mukaitira ngoni zviuru zvizhinji zvevarwere vakakumbira kureverwa nemi. Ndiratidzeiwo rudo rwumwechete ini muranda wenyu akatendeka. Zvishamiso zvizhinji zvokuporeswa kwakaitwa nokuda kwereverero yenyu, zvinondipawo chivimbo chikuru kuti munogona kundibatsira pane dambudziko rangu iri…
(Taura chaunoda)
Ndinovimba kuti ndichawana zvandinokumbira kana zvichipa mbiri kuna Mwari uye zvakanakirawo mweya wangu. Inzwaiwo munamato wangu pamusana paJesu naMaria vamaidisa muchokwadi.
Dhimpuna Mutsvene makanaka, ndinokutetererai kuti muturire chikumbiro changu kuna Maria anova ndiye utano hwavarwere nomunyaradzi wavarikurwadziwa, kuti muri pamwe naMaria, mugosvitsa chichemo ichi kuna Jesu Mwari Nomurapi. Amen.
(Murevereri wokufambisa chitendero)
Franzisi Zevhiya Mutsvene, munodiwa zvikuru uye muzere nerudo, ndinozvibatanidza pamwe nemi kuremekedza nokupfugamira ukuru hwaMwari. Ndinotenda sezvo ndichifara zvakanyanya pamusoro pezvipo zvenyasha zvamakapiwa muupenyu hwenyu.
Ndinokutetererai nomwoyo wakazvipira kuti mufadzwe nokundiwanira nereverero yenyu ine simba, nyasha dzeupenyu utsvene nomugumo wakanaka. Zvakare ndinokumbira izvi zvinoti …
(Taura chaunoda)
Asi kuti kana zvandinokumbira zvisingapi mbiri kuna Mwari kana kubatsira mweya wangu, ndiwanireiwo zvingandibatsira. Amen.
©Musakope munamato uyu nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Maria Mutsvene kwazvo, Mhandara isina mhaka naAmai vedu vapaGomo! Ndinokukwazisai seHosi yangu ndichikutendai pamusana pamakomborero asingaverengeki amunodururira vose vanopotera nokwamuri vachida kubatsirwa nemi …
(Taura chaunokumbira)
Hosi naAmai vokuMumbai, tsitsi dzenyu ngadzirambe dzichitonga pamusoro peguta redu nenharaunda dzaro. Kurudzirai mwoyo wakanaka nokuwirirana pakati pavagarisani; mupe nyaradzo kune vasina chokubata, vanotambudzika vachigara munzvimbo dzisingakodzeri kugarwa navanhu; mupukute misodzi yavose vari kuchema; mudzivirire utsvene hwevechidiki; muchengete mhuri dzedu dzakabatana murudo; mudzivirire misha yedu kumasimba ehuipi.
Muranda akazvidukupisa waTenzi, imi makaitwa Amai vaMwari Mwanakomana vane mbiri nokuti makateerera Shoko rake mukaripfundira mumwoyo. Ndiiteiwo muteereri nomuiti wechokwadi weShoko raMwari. Kutenda kwangu kweChikristu ngakusaperera pakuti ‘Tenzi, Tenzi’, asi upenyu hwangu ngaurarame Shoko rake nokuita kuda kwake. Kana ndararama upenyu hwakanaka pano pasi, muzondiratidzawo Jesu, muchero wemimba yenyu yakakomborerwa. Rukudzo nembiri ndezvake zvino nokusingaperi. Amen.
