(Mudziviriri nomurevereri weSangano Katorike)
Josefa Mutsvene, muri mudziviriri nomurevereri akavimbika wavose vanokuremekedzai. Ndinovimba nemi. Mune hukama hune simba naMwari uye hamukanganwi kana kurasa varanda venyu vakatendeka.
Ndinozvirereka ndichizvipa kwamuri pamwe navadikanwi vangu vose, kuti mutirevererewo. Pamusana perudo rwenyu kuna Jesu naMaria, regai kutirasa asi ivai nesu muupenyu huno, mugozotibatsira panguva yokufa.
Josefa Mutsvene mune mbiri, muteveri waJesu akatendeka, ndinosimudza mwoyo wangu kwamuri, ndichikutetererai kuti mundiisirewo reverero yenyu ine simba kuna Jesu. Mundiwanirewo nyasha dzandinoda dzapamweya napanyama, zvikurusei rufu rwakanaka, uye izvi zvandinokumbira … (Taura chaunoda).
Muchengeti nomudziviriri waIzwi Akava munhu, ndinovimba kuti minamato yamunonditurira inogamuchirwa zvakanakisa pamberi pechigaro chohushe hwaMwari. Amen.
