(Murevereri wavana Amai)
Ana Mutsvene mune mbiri, ndinoda kukuremekedzai nokuzvipira kwangu kwamuri. Ndinokusarudzai makatevedzana neMhandara Tsvene saamai nomudziviriri womweya wangu. Ndinokupai muviri wangu nomweya wangu nazvose zvandinodisa zvapamweya nezvapanyama uye zvose zvemhuri yangu.
Ana Mutsvene makanaka, ndizere norudo kuna avo vanokukumbirai uye nyasha naavo vari kutambudzika, ndinosuma munamato wangu uyu kwamuri ndiine chivimbo.
(Taura chaunoda)
Ndinokumbira kuti mundisvitsirewo chichemo changu kune mwanasikana wenyu Maria Mhandara Tsvene, kuti muri pamwe mugochisvitsa kuna Jesu. Nomuminamato yenyu, daiwaro chichemo changu chanzwikwa. Asi kana zvandinokumbira zvisiri maererano nekuda kwaMwari, ndiwanireiwo nyasha dzinobatsira mweya wangu.
Mushure mokukudai nokukurumbidzai pano pasi semwana wenyu akazvipira muchokwadi, itai kuti nomuminamato yenyu, ndizova nomufaro wokukudai nokukurumbidzai kudenga pamwe naVaTumwa naVaTsvene, kwemisi isingaperi.
Ana Mutsvene makanaka, Amai vaMaria upenyu hwedu, kunaka nokutarisira kwedu, ndirevererei kwaari mundiwanirewo zvandinokumbira. Amen.
