Mhandara Tsvene kwazvo, imi makasarudzwa neUtatu Hutsvene hunopfugamirwa, kubvira pakutanga kwenguva kuti muve Amai vakachena kwazvo vaJesu. Chindibvumiraiwo ini muranda wenyu anozvidukupisa uye akazvipira kwamuri, kuti ndikuyeuchidzei mufaro wamakagamuchira pamakaparidzwa zvokuva mhunhu kwaMwari Tenzi wedu; mwedzi mipfumbamwe yamakamutakura mumimba yenyu tsvene kwazvo. Ndinoshuwira nomwoyo wangu wose kuti dai mufaro uyu wavandudzwa kana kuwedzeredzwa nokuda kweminamato yangu.
Amai makapfava, imi makarwadziswa, ndipeiwo dziviriro yenyu yamakavimbisa avo vanonamata vachiyeuka mufaro mukuru wamakava nawo. Pamusana petsitsi dzisina mugumo dzaMwari Mwanakomana wenyu uye chivimbo chokuti vose vanokumbira nomuminamato yenyu inesimba vanowana, ndinokutetererai kuti mundirevererewo. Ndiwanireiwo zvandiri kukumbira muNOVHENA ino kana kuri kuda kutsvene kwaMwari, kana kundikumbirirawo nyasha dzandingade panguva ino.
(Taura chaunoda)
MuNOVHENA ino yandinoita senzira yokukuremekedzai, ndinoshuwira kwazvo kuratidza kuti ndinovimba nokureverera kwenyu. Gamuchirai munamato wangu nokuda kwerudo nomufaro wakava nomwoyo wenyu usine mhaka pakutakura Mwari Mwanakomana mumimba yenyu, iye wandinopfugamira nokuremekedza sezvinofarira mwoyo wangu. Amen.
