(Murevereri wamaPristi eSangano)
Johani Mari Vhiani, mupristi Mutsvene wekuAazi, makadisa Mwari mukamuitira makatendeka somupristi wake. Zvino mavakuonana uso nouso naMwari kudenga. Hamuna kumbotya asi makatirira mukutenda kusvikira mukufa. Ndirangarireiwo munjodzi nezvinotyisa zvakandimomotera, mugondirevererawo mumatambudziko, uyewo izvi zvandinokumbira … (Taura chaunoda).
Johani Vhiani Mutsvene, ini ndinovimba nokureverera kwenyu. Zvino chindirevereraiwo muNOVHENA iyi. Amen.
Manovhena
(Mudziviriri nomurevereri weSangano Katorike)
Josefa Mutsvene, muri mudziviriri nomurevereri akavimbika wavose vanokuremekedzai. Ndinovimba nemi. Mune hukama hune simba naMwari uye hamukanganwi kana kurasa varanda venyu vakatendeka.
Ndinozvirereka ndichizvipa kwamuri pamwe navadikanwi vangu vose, kuti mutirevererewo. Pamusana perudo rwenyu kuna Jesu naMaria, regai kutirasa asi ivai nesu muupenyu huno, mugozotibatsira panguva yokufa.
Josefa Mutsvene mune mbiri, muteveri waJesu akatendeka, ndinosimudza mwoyo wangu kwamuri, ndichikutetererai kuti mundiisirewo reverero yenyu ine simba kuna Jesu. Mundiwanirewo nyasha dzandinoda dzapamweya napanyama, zvikurusei rufu rwakanaka, uye izvi zvandinokumbira … (Taura chaunoda).
Muchengeti nomudziviriri waIzwi Akava munhu, ndinovimba kuti minamato yamunonditurira inogamuchirwa zvakanakisa pamberi pechigaro chohushe hwaMwari. Amen.
(Murevereri wavana Amai)
Ana Mutsvene mune mbiri, ndinoda kukuremekedzai nokuzvipira kwangu kwamuri. Ndinokusarudzai makatevedzana neMhandara Tsvene saamai nomudziviriri womweya wangu. Ndinokupai muviri wangu nomweya wangu nazvose zvandinodisa zvapamweya nezvapanyama uye zvose zvemhuri yangu.
Ana Mutsvene makanaka, ndizere norudo kuna avo vanokukumbirai uye nyasha naavo vari kutambudzika, ndinosuma munamato wangu uyu kwamuri ndiine chivimbo.
(Taura chaunoda)
Ndinokumbira kuti mundisvitsirewo chichemo changu kune mwanasikana wenyu Maria Mhandara Tsvene, kuti muri pamwe mugochisvitsa kuna Jesu. Nomuminamato yenyu, daiwaro chichemo changu chanzwikwa. Asi kana zvandinokumbira zvisiri maererano nekuda kwaMwari, ndiwanireiwo nyasha dzinobatsira mweya wangu.
Mushure mokukudai nokukurumbidzai pano pasi semwana wenyu akazvipira muchokwadi, itai kuti nomuminamato yenyu, ndizova nomufaro wokukudai nokukurumbidzai kudenga pamwe naVaTumwa naVaTsvene, kwemisi isingaperi.
Ana Mutsvene makanaka, Amai vaMaria upenyu hwedu, kunaka nokutarisira kwedu, ndirevererei kwaari mundiwanirewo zvandinokumbira. Amen.
Mhandara Tsvene kwazvo, imi makasarudzwa neUtatu Hutsvene hunopfugamirwa, kubvira pakutanga kwenguva kuti muve Amai vakachena kwazvo vaJesu. Chindibvumiraiwo ini muranda wenyu anozvidukupisa uye akazvipira kwamuri, kuti ndikuyeuchidzei mufaro wamakagamuchira pamakaparidzwa zvokuva mhunhu kwaMwari Tenzi wedu; mwedzi mipfumbamwe yamakamutakura mumimba yenyu tsvene kwazvo. Ndinoshuwira nomwoyo wangu wose kuti dai mufaro uyu wavandudzwa kana kuwedzeredzwa nokuda kweminamato yangu.
Amai makapfava, imi makarwadziswa, ndipeiwo dziviriro yenyu yamakavimbisa avo vanonamata vachiyeuka mufaro mukuru wamakava nawo. Pamusana petsitsi dzisina mugumo dzaMwari Mwanakomana wenyu uye chivimbo chokuti vose vanokumbira nomuminamato yenyu inesimba vanowana, ndinokutetererai kuti mundirevererewo. Ndiwanireiwo zvandiri kukumbira muNOVHENA ino kana kuri kuda kutsvene kwaMwari, kana kundikumbirirawo nyasha dzandingade panguva ino.
(Taura chaunoda)
MuNOVHENA ino yandinoita senzira yokukuremekedzai, ndinoshuwira kwazvo kuratidza kuti ndinovimba nokureverera kwenyu. Gamuchirai munamato wangu nokuda kwerudo nomufaro wakava nomwoyo wenyu usine mhaka pakutakura Mwari Mwanakomana mumimba yenyu, iye wandinopfugamira nokuremekedza sezvinofarira mwoyo wangu. Amen.
(Murevereri wavanorwara nepfungwa)
Dhimpuna Mutsvene muiti wezvishamiso muurwere hwose hwepfungwa nomuviri, ndinozvirereka ndichikumbira reverero yenyu ine simba kuna Jesu nomuna Maria, utano hwavarwere. Makazadzwa norudo mukaitira ngoni zviuru zvizhinji zvevarwere vakakumbira kureverwa nemi. Ndiratidzeiwo rudo rwumwechete ini muranda wenyu akatendeka. Zvishamiso zvizhinji zvokuporeswa kwakaitwa nokuda kwereverero yenyu, zvinondipawo chivimbo chikuru kuti munogona kundibatsira pane dambudziko rangu iri…
(Taura chaunoda)
Ndinovimba kuti ndichawana zvandinokumbira kana zvichipa mbiri kuna Mwari uye zvakanakirawo mweya wangu. Inzwaiwo munamato wangu pamusana paJesu naMaria vamaidisa muchokwadi.
Dhimpuna Mutsvene makanaka, ndinokutetererai kuti muturire chikumbiro changu kuna Maria anova ndiye utano hwavarwere nomunyaradzi wavarikurwadziwa, kuti muri pamwe naMaria, mugosvitsa chichemo ichi kuna Jesu Mwari Nomurapi. Amen.
(Murevereri wokufambisa chitendero)
Franzisi Zevhiya Mutsvene, munodiwa zvikuru uye muzere nerudo, ndinozvibatanidza pamwe nemi kuremekedza nokupfugamira ukuru hwaMwari. Ndinotenda sezvo ndichifara zvakanyanya pamusoro pezvipo zvenyasha zvamakapiwa muupenyu hwenyu.
Ndinokutetererai nomwoyo wakazvipira kuti mufadzwe nokundiwanira nereverero yenyu ine simba, nyasha dzeupenyu utsvene nomugumo wakanaka. Zvakare ndinokumbira izvi zvinoti …
(Taura chaunoda)
Asi kuti kana zvandinokumbira zvisingapi mbiri kuna Mwari kana kubatsira mweya wangu, ndiwanireiwo zvingandibatsira. Amen.
©Musakope munamato uyu nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Maria Mutsvene kwazvo, Mhandara isina mhaka naAmai vedu vapaGomo! Ndinokukwazisai seHosi yangu ndichikutendai pamusana pamakomborero asingaverengeki amunodururira vose vanopotera nokwamuri vachida kubatsirwa nemi …
(Taura chaunokumbira)
Hosi naAmai vokuMumbai, tsitsi dzenyu ngadzirambe dzichitonga pamusoro peguta redu nenharaunda dzaro. Kurudzirai mwoyo wakanaka nokuwirirana pakati pavagarisani; mupe nyaradzo kune vasina chokubata, vanotambudzika vachigara munzvimbo dzisingakodzeri kugarwa navanhu; mupukute misodzi yavose vari kuchema; mudzivirire utsvene hwevechidiki; muchengete mhuri dzedu dzakabatana murudo; mudzivirire misha yedu kumasimba ehuipi.
Muranda akazvidukupisa waTenzi, imi makaitwa Amai vaMwari Mwanakomana vane mbiri nokuti makateerera Shoko rake mukaripfundira mumwoyo. Ndiiteiwo muteereri nomuiti wechokwadi weShoko raMwari. Kutenda kwangu kweChikristu ngakusaperera pakuti ‘Tenzi, Tenzi’, asi upenyu hwangu ngaurarame Shoko rake nokuita kuda kwake. Kana ndararama upenyu hwakanaka pano pasi, muzondiratidzawo Jesu, muchero wemimba yenyu yakakomborerwa. Rukudzo nembiri ndezvake zvino nokusingaperi. Amen.
Mhandara Tsvene kwazvo, makafadzwa nokushanyira Fatima mukaratidza vana vafudzi, upfumi hwenyasha hwakavigwa mumunamato weRusariro. Ndinokutetererai kuti muise mumwoyo mangu, moto wechido chokunamata rusariro. Kuti nomukurangarira zvakaratidzwa zvokununurwa zviri murusariro, ndiwanewo nyasha netsika dzakanaka dzandiri kukumbira …
(Taura chaunoda)
Ndinokumbira izvi nokuda kwaJesu Kristu Tenzi noMudzikinuru wedu. Amen.
Amai mubatsiri panguva dzose, onai ndinozviwisira patsoka dzenyu ini mutadzi anopotera nokwamuri, ndiine chivimbo mamuri. Amai vetsitsi ndipfavireiwo. Ndinonzwa vanhu vose vachikuzivai sediziro netarisiro yavatadzi. Zvino chivaiwo diziro netarisiro yangu. Napamusana porudo rwaJesu Kristu
Mwanakomana wenyu, ndibatsireiwo pane izvi zvandinokumbira (Isa chikumbiro chako)
Tambanudzai ruoko kwandiri ini mutadzi murombo anozvipa kwamuri, nokuzogarokuitirai nomwoyo wose. Ndinorumbidza nokutenda Mwari, uyo mutsitsi dzake, akandipa chivimbo mamuri sechitsidzo chemazvirokwazvo choruponeso rwangu nokusingaperi.
Chokwadi ndakambotetereka ndichiwira mumatadzo anosemesa nokuti ndakanga ndisina kupotera nokwamuri. Zvino ndave kuziva kuti norubatsiro rwenyu ndinokunda uipi hwangu. Zvakare ndinoziva kuti munondibatsira kana ndikazviturira kwamuri. Asi ndinotyawo kuti kana ndavakuedzwa nerutadzo ndichakanganwa kudana zita renyu, zvinondipinza munjodzi yokurasikazve.
Nokudaro ndinokumbira ndichikutetererai sokuziva uye sokugona kwangu kuti; mukurwiswa kwose nemasimba egehena ndigare ndiine diziro mamuri namashoko okuti;
“Maria ndibatsireiwo, Amai voRubatsiro rusingagumi musabvume kuti ndirase Mwari wangu.” Amen.
Mhandara Tsvene makachena kwazvo, hamuna kana netsvekwa uye makaremekedzwa kupfuura zvisikwa zvose. Ndimi moga mwana pakati pavana vavabereki vedu vokutanga, asina kumbova mhandu yaNyamusiki.
Munotevera mumashure moMwanakomana wenyu Jesu, kuva mufananidzo wakanakisisa wehutsvene hwaMwari. Makasikwa musina chitadzo. Rangarirai amai vadiwa, kuti makadiwa mukadzivirirwa naMwari kumumvuri werutadzo, kwete bedzi kuti mukodzere kuva amai vaMwari, asiwo kuti muve amai vedu vezvomweya, diziro nomurevereri.
Tinovimba zvizere mureverero yenyu isingakundikane. Nechivimbo ichi, tinokutetererai kuti mutiwanire nyasha pane zvatinokumbira muNOVHENA iyi, zvinoti …
(Isa mikumbiro)
Amai makasikwa musina mhaka, munoziva kuti nguva nenguva tinosvibisa mwoyo yedu inova ndiyo chigaro chaMwari. Tipeiwo mwoyo yakachena inotigonesa kuva nohukama naMwari oga uye zvinangwa zvakachena zvinovavarira kuita kuda kwake bedzi.
Amai vadiwa kwazvo, tiwanireiwo zvimwe zvipo zvakakosha; chipo chorunamato nechipo chokushandisa nyika ino savapfuuri vasina musha pano, asi vane musha kwamuri ikoko pamwe naVaTumwa naVaTsvene vose, kwamakamirira kutigamuchira isu vana venyu vadikanwi. Amen.
