Amai mubatsiri panguva dzose, onai ndinozviwisira patsoka dzenyu ini mutadzi anopotera nokwamuri, ndiine chivimbo mamuri. Amai vetsitsi ndipfavireiwo. Ndinonzwa vanhu vose vachikuzivai sediziro netarisiro yavatadzi. Zvino chivaiwo diziro netarisiro yangu. Napamusana porudo rwaJesu Kristu
Mwanakomana wenyu, ndibatsireiwo pane izvi zvandinokumbira (Isa chikumbiro chako)
Tambanudzai ruoko kwandiri ini mutadzi murombo anozvipa kwamuri, nokuzogarokuitirai nomwoyo wose. Ndinorumbidza nokutenda Mwari, uyo mutsitsi dzake, akandipa chivimbo mamuri sechitsidzo chemazvirokwazvo choruponeso rwangu nokusingaperi.
Chokwadi ndakambotetereka ndichiwira mumatadzo anosemesa nokuti ndakanga ndisina kupotera nokwamuri. Zvino ndave kuziva kuti norubatsiro rwenyu ndinokunda uipi hwangu. Zvakare ndinoziva kuti munondibatsira kana ndikazviturira kwamuri. Asi ndinotyawo kuti kana ndavakuedzwa nerutadzo ndichakanganwa kudana zita renyu, zvinondipinza munjodzi yokurasikazve.
Nokudaro ndinokumbira ndichikutetererai sokuziva uye sokugona kwangu kuti; mukurwiswa kwose nemasimba egehena ndigare ndiine diziro mamuri namashoko okuti;
“Maria ndibatsireiwo, Amai voRubatsiro rusingagumi musabvume kuti ndirase Mwari wangu.” Amen.
