Mhandara Tsvene makachena kwazvo, hamuna kana netsvekwa uye makaremekedzwa kupfuura zvisikwa zvose. Ndimi moga mwana pakati pavana vavabereki vedu vokutanga, asina kumbova mhandu yaNyamusiki.
Munotevera mumashure moMwanakomana wenyu Jesu, kuva mufananidzo wakanakisisa wehutsvene hwaMwari. Makasikwa musina chitadzo. Rangarirai amai vadiwa, kuti makadiwa mukadzivirirwa naMwari kumumvuri werutadzo, kwete bedzi kuti mukodzere kuva amai vaMwari, asiwo kuti muve amai vedu vezvomweya, diziro nomurevereri.
Tinovimba zvizere mureverero yenyu isingakundikane. Nechivimbo ichi, tinokutetererai kuti mutiwanire nyasha pane zvatinokumbira muNOVHENA iyi, zvinoti …
(Isa mikumbiro)
Amai makasikwa musina mhaka, munoziva kuti nguva nenguva tinosvibisa mwoyo yedu inova ndiyo chigaro chaMwari. Tipeiwo mwoyo yakachena inotigonesa kuva nohukama naMwari oga uye zvinangwa zvakachena zvinovavarira kuita kuda kwake bedzi.
Amai vadiwa kwazvo, tiwanireiwo zvimwe zvipo zvakakosha; chipo chorunamato nechipo chokushandisa nyika ino savapfuuri vasina musha pano, asi vane musha kwamuri ikoko pamwe naVaTumwa naVaTsvene vose, kwamakamirira kutigamuchira isu vana venyu vadikanwi. Amen.
