©Musakope munamato uyu nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
Munamato wokukumbira nyasha
Mudikani Jesu, Mwanakomana wechokwadi waMwari uye waMaria Mhandara Tsvene, kutambudzika nokufa kwenyu kwakati dzikinura kubva kuuipi nouranda, uye nomuchishamiso choMuchinjikwa wenyu makapa mbiri kumuranda wenyu Bhenedhiki, sezvo makamupa simba risina mugumo pamusoro pemasimba erima. Zvino tichirevererwa nomutsvene uyu, tinokumbira kukunda uye kutirira mukurwisa mweya yakaipa anova muvengi wedu mukuru, dzidziso dzounyengedzi nemienzaniso youpenyu hunonyadzisa, mashoko nokupfeka kusina unhu uye vanhu vakaipa vanogaroedza kukanganisa mweya nomiviri yedu. Bhenedhiki Mutsvene, murevereri wedu akakosha, tibatsirei kuti Jesu atipewo nyasha dzinodikanwa nomweya nemiviri yedu.
Baba vedu … (kamwechete) Kwaziwai Maria … (kagumi) Vakudziwe … (kamwechete)
Munamato wokuzvipira kuna Bhenedhiki Mutsvene
Bhenedhiki Mutsvene, mubatsiri wavose vanochema nokwamuri, ndigamuchireiwo mundiise pasi pedziviriro yenyu, nokuchengetedza upenyu hwangu hwakatwasuka. Ndiwanireiwo nyasha kuti ndigone kuita rupinduko nokutendeuka zvechokwadi kuti ndigadzirise kutadza kwangu nokupa rumbi-dzo nembiri kuna Mwari zuva roga-roga roupenyu hwangu. Somunhu, maitiro anguwo ave anofadza mwoyo waMwari. Ndiyeukei pamberi paNyakumusorosoro, kuti kana ndichinge ndadzikinurwa, nditsi-ge murunako. Iye ngaasandibvumira kutaramuka kubva paari. Azondigamuchira muboka ravasarudzwi rokuimba pamwe navatsvene vose vanokuteverai kumifaro isina mugumo. Mwari Samasimbaose musina mugumo, vandudzai Mweya Mutsvene wenyu mandiri sezvakafanira uye zvinopiwa nomuen-zaniso waBhenedhiki Mutsvene navamwe vatsvene vose. Ndipeiwo simba mukurwisa miedzo yasa-tani, mwoyo murefu mumatambudziko oupenyu nokuchenjerera njodzi. Wedzerai mandiri rudo rwokuitira vamwe, urombo nomweya wokuteerera, kuzvininipisa nokutendeka mukurarama sez-vinodikanwa paMukristu. Ndichibatsirwa nemi uye nechido chehama dzangu, daiwaro ndakuitirai ndi-ine mufaro, ndigozosvikawo nokukunda kumusha wokudenga pamwe navatumwa navatsvene vose, nomuna Kristu Tenzi wedu. Amen.