Munamato waTeresa wokuRizu
Mwari wangu, ndinokupai mabasa angu anhasi, kuti azadzise zvinodikanwa noMwoyo Mutsvene waJesu. Ndinodisa kunatsa femo rose remwoyo wangu, pfungwa yangu yose namabasa, nokuzvibatanidza kune zvinofanirwa nomwoyo waJesu. Ndinoda kuripira zvitadzo zvangu nokuzvikanda murimi romoto weTsitsi norudo rweMwoyo Mutsvene waJesu.
Mwari wangu, ndinozvikumbirira uye ndinokumbirira vadikani vangu kuti mutipewo nyasha dzokunyatsozadzisa kuda kwake kutsvene. Rudo rwedu kwamuri, rwutigonese kugamuchira mifaro namatambudziko oupenyu huno huri kupfuura, kuti rimwe zuva tigozofara takabatana nemi kudenga kwemisi isingaperi. Amen.
