Munamato kuna Kristu Mambo wazvose
Imi Kristu Jesu, ndinokuzivai nokukugamuchirai samambo wedenga napasi. Zvose zvakasikirwa imi. Tongai pamusoro pangu.
Ndinodzokorora patsva mhiko dzangu dzokuombekwa; Ini ndinorasa satani, mabasa nokunyengedza kwake kwose. Ndinovimbisa kugara upenyu sezvinodiwa neshoko renyu uye kusakisa nokukurudzira sokugona kwangu kwose ruenzaniso, rudo muna zvose zvandinotaura kana kuita mukushanda kwangu.
Ndifemereiwo Mweya wenyu Mutsvene; Ndishandisei kuunza rugare, mufaro norudo panyika yava dongo nokuda kwamakaro, ruvengo nokurwisana. Onai ndauya kuzoita kuda kwenyu. Ndibatsirei kukuita. Amen.
Munamato wechiposhi chomwedzi
(Munamato uyu unogona kuitirwa vatendi nomupristi, kana kuitirwa mhuri nomusoro wemba kana boka nomutungamiri waro. Unogonazve kushandiswa nomunhu ari oga)
Mwoyo Mutsvene kwazvo waJesu, tinozvipira patsva mukukuremekedzai nokukuitirai nomwoyo wose pazuva rino rakateketerwa kuti muremekedzwe. Tibatsirei kurarama zuva roga-roga nomweya wekuva nehanya navamwe muchokwadi uye wokukutendai zvakadzama pamusoro pavanhu vamakada kushanda nemavari kuitira isu.
Mukati mokuedzwa uye matambudziko, tinoyeuka kuti munesu nguva dzose sokuvapo kwamaiva navapositori venyu apo igwa rakaitwa sukunasai nedutu guru remhepo. Tinotsidza patsva kutenda kwedu uye chivimbo chedu mamuri.
Hatichazombokahadzikazve kuti muri shamwari yedu inogara nesu nguva dzose, inofamba nesu nokutishingisa kana tarukutika uye kutidzivirira kumanyepo nounyengedzi hwewakaipa.
Tenzi Jesu, komborerai umwe nomumwe wedu, mhuri dzedu, sangano nedunhu redu, nyika yedu nepasi rose. Komborerai mabasa edu, zvose zvatinozvipira kuita uye zvose zvinotivaraidza. Itai kuti zvose zvibve kwamuri.
Munazvose, tiiteiwo mudziyo worudo rweMwoyo wenyu Mutsvene kuti tirwusvitse kune vose vatinosangana navo. Nyaradzai ava vanorwara (… zita …), avo varikutambudzika pamwoyo nomupfungwa, neavowo vakatakura mitoro iri kuvakurira (… zita …).
Nhasi tinonyanyo kumbira zvinhu zviviri; kukuzivai zvakadzama, nokudawo zvose zvinodiwa noMwoyo wenyu Mutsvene; zadzai matiri maitiro oMwoyo Mutsvene wenyu tigoaratidza muupenyu hwedu.
Chokupedzisira, tinokumbira kuti chivimbo chedu mamuri chirambe chichikura zuva nezuva uye kuzvipira kwedu kune zvinodikanwa noMwoyo wenyu Mutsvene kuwedzeredzwe.
(Kuti udzidze zvinoda Mwoyo Mutsvene waJesu kuna Baba vake, kune vanhu, zvavanoda kana kushuvira, uye kukundikana kwavo, ita tsika yokuverenga Bhaibhiri zuva roga-roga. Zvirokwazvo uchasvika pakuziva pfungwa dzaMwoyo Mutsvene).
Kuteketera mhuri kuMwoyo Mutsvene waJesu
Mwoyo Mutsvene waJesu, makaratidza chishuvo chenyu chokuda kutonga mumhuri yose yeChiKristu. Nhasi tinouya kuzokukumbirai kuti mutore musha wedu wose. Tinoshuvira kuti nomukutendeka kwamuri muchokwadi, musha wedu uonekwe kutekeshera kworudo, rugare nomufaro.
Sudurudzai kure nesu zvose zvingatiparadzanisa nemi; bvisai mweya webopoto; muise kuregererana pane ruvengo; musabvume kuti ruvengo namarwadzo zvipinde mune zvatinotaura; daiwaro moto wechokwadi norunzwisiso waririma matiri zuva nezuva nomukugaropinda Muteuro weMisa tichigamuchira Yukaristia uye tsika yokunamata semhuri zuva roga-roga.
Mwoyo Mutsvene waJesu, tongai nokutungamira makungano edu ose uye zviitiko. Ivai nesu mukufara nomukusuwa. Kana paine anotetereka kubva pamuri kana patiri, daiwaro Mwoyo wenyu wetsitsii wamudzosa kuti akuteererei imi uye abatanazve nesu. Itai kuti nhengo yoga-yoga yemhuri yedu ive muKristu akazvipira, akatendeka kunzira youpenyu yamakadzidzisa neshoko nomuenzaniso wenyu.
Pakuguma, kana rufu rwazouya kuzotora mumwe wedu, tigamuchire nomufaro wechitarisiro chokumuka kwenyu nokuzobatana zvakare nemhuri yedu kudenga, kwamunotipukuta misodzi yose.
Maria, amai vaJesu, ivai amai vemhuri ino. Josefa Mutsvene, chengetedzai nhengo yose yemhuri ino, sokuchengeta kwamakaita Mhuri Tsvene yokuNazareti.
Dai nyasha nechikomborero choMwoyo Mutsvene waJesu chagara patiri; rugare rweMwoyo Mutsvene waJesu rwatitibikira; zvinofanirwa noMwoyo Mutsvene waJesu zvatireverera; shungu dzokudisa kwoMwoyo Mutsvene waJesu dzatitodzanisa naye; tsika dzakanaka dzeMwoyo Mutsvene waJesu dzabwinya mukutaura nomukuita kwedu; muono wakanakisisa woMwoyo Mutsvene waJesu wava mufaro wedu kwemisi isingaperi.
Mwoyo Mutsvene waJesu ivai mambo wemusha wedu. Daiwaro makudzwa nokupiwa mbiri nhasi nemazuva ose mumusha wedu. Amen.
Ritani kuMwoyo Mutsvene waJesu
Tenzi tinzwireiwo tsitsi … Tenzi tinzwireiwo tsitsi
Kristu tinzwireiwo tsitsi … Kristu tinzwireiwo tsitsi
Tenzi tinzwireiwo tsitsi … Tenzi tinzwireiwo tsitsi
Kristu tinzweiwo … Kristu tidavireiwo
Mwari Baba muri kudenga … Tinzwireiwo tsitsi
Mwari Mwanakomana mununuru wapasi …
Mwari Mweya Mutsvene …
Utatu Hutsvene hwaMwari mumwechete …
Mwoyo waJesu Mwanakomana waBaba Nyakugara nariinhi …
Mwoyo waJesu wakaumbwa naMweya Mutsvene mumimba maAmai Mhandara Tsvene …
Mwoyo waJesu makabatana zvizere naMwari muShoko Rake …
Mwoyo waJesu muno ukuru husingagumi …
Mwoyo waJesu imba inoera yaMwari …
Mwoyo waJesu ugaro hwaNyakumusoro-soro …
Mwoyo waJesu imba yaMwari, musuo wedenga …
Mwoyo waJesu choto chinotsva nechido …
Mwoyo waJesu ugaro hwoururami norudo …
Mwoyo waJesu muzere unyoro norudo …
Mwoyo waJesu chitubu chisingapwi chetsika dzakanaka dzose …
Mwoyo waJesu makakodzera kuimbirwa kwazvo …
Mwoyo waJesu Mambo anokokorodza mwoyo yavose …
Mwoyo waJesu mune pfuma youngwaru noruzivo rwose …
Mwoyo waJesu munogara nouMwari hwose …
Mwoyo waJesu munofadza Baba zvikuru …
Mwoyo waJesu matakagamuchira tose upfumi uzere …
Mwoyo waJesu chishuwo chezvikomo zvinogara narinhi wose …
Mwoyo waJesu makadzikama, mune netsitsi dzakanyanya …
Mwoyo waJesu munopfumisa vose vanokumbira kunemi …
Mwoyo waJesu tsime rorupenyu norunako …
Mwoyo waJesu makaripira mhosva dzedu dzose …
Mwoyo waJesu makazadzwa noruzvidzo …
Mwoyo waJesu makaponderwa matadzo edu …
Mwoyo waJesu makateerera kusvika murufu …
Mwoyo waJesu makabaiwa nepfumo …
Mwoyo waJesu tsime renyaradzo yose …
Mwoyo waJesu rupenyu rwedu nokumuka kwedu …
Mwoyo waJesu rugare rwedu nokuwadzaniswa kwedu …
Mwoyo waJesu makapirwa matadzo edu …
Mwoyo waJesu ruponeso rweavo vanovimba nemi …
Mwoyo waJesu chitarisiro chaavo vanofira munemi …
Mwoyo waJesu mufaro waVatsvene vose …
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … Tiregerereiwo Tenzi
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … Tinzweiwo Tenzi
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi … Tinzwireiwo tsitsi Tenzi
Jesu mune mwoyo munyoro unokotama … Itai kuti mwoyo yedu ifanane nowenyu.
Ngatinamatei:
Mwari Munamasimba ose musina mugumo, tarirai Mwoyo woMwanakomana wenyu wadiwa kwazvo, muone nokufadzwa nekukurumbidzai uye kukuripira kwaakakuitirai panzvimbo pavatadzi. Isu vatadzi tinokumbira tsitsi dzenyu, mubvume kutiregerera muzita rouyo Mwanakomana wenyu Jesu Kristu, anogara noumambo pamwe naMweya Mutsvene kwemisi isingaperi. Amen.
Kuteketera pasi rose kuMwoyo Mutsvene kwazvo waJesu
(Kwakaitwa naPapa Pius XI pamhemberero yokutanga yaKristu Mambo wazvose mugore ra1925)
Jesu makanakisa, mudzikinuri wevanhu vose, titarireiwo isu tinozvivanzaridza mukuzvidukupisa pamberi peatari yenyu. Tiri venyu uye tinodisa kuva venyu, asi kuti tive nechokwadi chokunyatsobatana nemi, tinokumbira kuti nhasi mutore mumwe nomumwe wedu muchimuteketera kuMwoyo wenyu Mutsvene kwazvo. Pane vazhinji vasina kumbokuzivai; zvakare pane vazhinji vakasvora mirau yenyu vachikurambai. Jesu Nyatsitsi, nzwirai ava vose tsitsi muvakwezvere kuMwoyo wenyu Mutsvene. Tenzi ivai mambo, kwete kune avo vakatendeka vasinakumbokurasai bedzi, asiwo kune vana vakarasika vakatetereka kubva pamuri. Itai kuti vakurumidze kudzoka kuimba yaBaba vavo, vasafire muushai nenzara. Tenzi ipai sangano renyu rusununguko nedziviriro kunjodzi. Ipai rugare nokugarisana pakati pamarudzi; pasi rose kusvika papakaperera, ngapatinhimire nemashoko okuti: Rumbidzwai Mwoyo waMwari waJesu makaunza ruponeso rwedu; mbiri norukudzo ngazvipiwe kunemi zvino nokusingaperi. Amen