Uri woga nokuti kana uchifamba mutaundi unenge uchingomhanya mhanya. Vanhu vanofungaka kuti uri kugadzirira muchato.
Nyambo
Pamusangano wemhuri wosimudzawo ruoko kuti utaure, wonzwa mumwe achiti “Chimbomirai sekuru hatisati takuita zvedoro.”
Paunoti wakuda kurara nhamo dzako dzinobva dzati “Tine musangano kusvika na4 dzemangwanani!”
Munenge muri panhamo, mai vako vakapfeka mashutazi, wonzwa varoora vachiti “Adya here Ronaldo?”
“Siyana neni!Ndine mukadzi wangu ini hauzvizive here?” Ndini hangu uyo ndichinyepera kuvhumuka ndiri kuhope kuti mukadzi wangu afare.
Veduwee kana mafunga kufona tangai majusa mari inokwana kutaura zvamurikuda. Pamba pandinogara vafonerwa kubva kumusha nemuzukuru wavo anogara nagogo, mai vababa zvikanzi “haro haro haro haro muri kundinzwa here?” Vabva vaisa foni paruzha. “Eeeeeh tiri kukunzwa.” Zvikanzi,”Kuno gogo vakafa. ” Ndobva foni yakata. Kubva mangwanani vanhu vanga vachingochema, apa foni yacho kumusha yanga isisapinde. Masikati ano, azofona futi zvikanzi, “haro kuno gogo vakafara negirosa ramakavatumira. Paye foni yakata nokuti mari yanga yapera uye nemoto wacho wanga wapera mufoni.”
😎kapedza hako jonasi apa kazvimbisa vanhu maziso nekuchema
Mudzidzisi: Tapiwa kana ukadzingirirwa neshumba unoitasei?
Tapiwa: Ndotiza.
Mudzidzisi: Ko kana ikatevera?
Tapiwa: Ndkwira mumuti.
Mudzidzisi: kokana ikakwirawo?
Tapiwa : Ndinojambira mumvura.
Mudzidzisi: Kokana ikajambawo?
Tapiwa: Mudzidzisi muri kudivi rangu here kana kuti reshumba?
Mudzidzisi : Ko iwe sei uchirara ndichidzidzisa?
Mwana: Ko iwe sei uchidzidzisa ndakarara?
Watengera tsano vako doro vadhakwa onzwa vavakuti “Hazvina hazvo mhosva rimwe zuva hanzvadzi yangu ichawanawo murume ari nani.”
Ndagaya! Ndinoda kuroora mukadzi mbeveve wokuti nyange ndikanonoka kuuya kumba akada kupopota ne sign language ndinodzima mwenje.
