M: Hama dzinodiwa taungana pano kuzonamatira nokuviga hama yedu [Nhingi] yatisiya. Ngatimunamatirei nemwoyo yedu yose, kuti Mwari akurumidze kumugamuchira.
M: Ngatinamatei:
Mwari, Nyadenga, muridzi wapasi, Baba vane tsitsi, onai taungana pano isu vana venyu, kuzoperekedza mwana wenyu nokumusvitsva kwamuri. Ndimi mamudaidza. Ndimi mamubvisa matiri. Kusave nokumwe kwaandanogara kusina imi. Chimugamuchirai achigara nemi varidzi vake.
Muregererewo zvose zvaakakutadzirai, muchimupinza mumusha wenyu worufaro. Munzwireiwo tsitsi, musamutonge muine hasha, musamurangewo.
Mambo mukatitonga nokutiranga sezvatinofanira kuitwa, ndiani angapunyuke? Mukati murondorodze kutadza kwedu, Mambo, zvichemo zvedu hamungazvinzwi; misodzi yedu mungaishaire hanya.
Maziso edu azere misodzi, asi mwoyo wenyu, imi Mwari, uzere tsitsi. Kudaro, Baba, chipinzai mwana wenyu mumusha wenyu worufaro, achigara nokufara navasande vose, namadzitateguru ake ose, namadzimbuya ake nehama dzake dzose.
Kristo Mambo wedu, tisvitsireiwo chichemo chedu ichi kuna Mwari Baba, imi munogara narini narini. Amen.
Tenzi tinzwireiwo tsitsi. | Tenzi tinzwireiwo tsitsi. |
Kristo Tinzwireiwo tsitsi. | Kristo tinzwireiwo tsitsi. |
Tenzi tinzwireiwo tsitsi. | Tenzi tinzwireiwo tsitsi. |
Mupeiwo zororo risingaperi, Mambo. | Chiedza chisande chimuvhenekere. |
Ngaazorore murugare. | Amen. |
Mariya Musande hoyoi mwana wenyu [Nhingi]. | Endai naye kuna Mwari. |
Iwe musande wake, newe mutumwa wake muchengeti, munhu wenyu uyu. | Endai naye kuna Mwari. |
Imi vangere navasande vose, hama yenyu iyi. | Endai naye kuna Mwari. |
Imi vechizvarwa chokwababa vake makatisiya muri muna Mwari, mwana wenyu uyu. | Endai naye kuna Mwari. |
Imi madzibaba ake namadzitateguru ake ose, navose vokurudzi rwokwababa vake makatisiya, muri muna Mwari, mwana wenyu uyu. | Endai naye kuna Mwari. |
Imi Madzisekuru ake, namadzimbuya ake, navose vokurudzi rwokwaamai vake makatisiya, muri muna Mwari, mwana wenyu uyu. | Endai naye kuna Mwari. |
Imi hama dzake dzose, neshamwari dzake dzose makatisiya, muri muna Mwari, hama yenyu iyi. | Endai naye kuna Mwari. |
M: Ngatinamatei:
Mwari Baba, tsime rorupenyu, Mwanakomana wenyu akativimbisa achiti: rupenyu rusingaperi ndiko kukuzivai, imi munova ndimi Mwari mumwe chete wechokwadi, nokuzivawo Jesu Kristo, Nyakutumwa narini.
Tinokumbira kuti muratidze mbiri yenyu neyuoMwanakomana wenyu kuna [Nhingi] hama yedu, kuti aonane nemi uso nouso. Muregerereiwo zvaakakutadzirai zvose, afare nemi, navangere navakarurama vose, nehama dzake dzose dzakatungamira.
Baba, Nyangoni, mumaoko enyu tinoisa hama yedu [Nhingi] iyi, tiine chokwadi nechitarisiro chekuti iye, pamwechete navose vakafa muna Kristo, vachamuka pamwe naKristo pazuva remhedziso.
Tinokupai Rutendo pamusoro pezvikomborero zvamakapa [Nhingi] achiri pano pasi. Zvikomborero izvi zviratidzo zvorunako rwenyu kwatiri, uyezve zviratidzo zvokubatana kwedu navasande muna Kristo.
Tenzi Nyakunzwira tsitsi, tendeukirai kwatiri munzwe minamato yedu. Vhurirai muranda wenyu musuo wokuparadhiso mubatsire isu tasara kunyaradzana muchitendero kusvikira tazosangana tose nemi naKristo, uye nehama yedu iyi kuupenyu husingaperi. Amen.
2 Kumwaya mvura
M: Ndinokumwaya mvura inoera, kuti ucheneswe naMwari, muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene.
V: Amen.
3 Kupfungaidzira
M: Ndinokupfungaidzira kuti iwe unatswe nokuchendetwa naMwari. Kunhuhwira uku ngakudzinge vavengi vosve nemweya yakaipa, muzita raBaba neroMWanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
4 Maendero okuguva
M: Hama dzadiwa, maitiro edu okunamatira hama yedu apera. Ngatichimuperekedzai kunzvimbo yake yorugare.
Rwiyo rwokupedzisira