Mhandara Tsvene makachena kwazvo, hamuna kana netsvekwa uye makaremekedzwa kupfuura zvisikwa zvose. Ndimi moga mwana pakati pavana vavabereki vedu vokutanga, asina kumbova mhandu yaNyamusiki.
Munotevera mumashure moMwanakomana wenyu Jesu, kuva mufananidzo wakanakisisa wehutsvene hwaMwari. Makasikwa musina chitadzo. Rangarirai amai vadiwa, kuti makadiwa mukadzivirirwa naMwari kumumvuri werutadzo, kwete bedzi kuti mukodzere kuva amai vaMwari, asiwo kuti muve amai vedu vezvomweya, diziro nomurevereri.
Tinovimba zvizere mureverero yenyu isingakundikane. Nechivimbo ichi, tinokutetererai kuti mutiwanire nyasha pane zvatinokumbira muNOVHENA iyi, zvinoti …
(Isa mikumbiro)
Amai makasikwa musina mhaka, munoziva kuti nguva nenguva tinosvibisa mwoyo yedu inova ndiyo chigaro chaMwari. Tipeiwo mwoyo yakachena inotigonesa kuva nohukama naMwari oga uye zvinangwa zvakachena zvinovavarira kuita kuda kwake bedzi.
Amai vadiwa kwazvo, tiwanireiwo zvimwe zvipo zvakakosha; chipo chorunamato nechipo chokushandisa nyika ino savapfuuri vasina musha pano, asi vane musha kwamuri ikoko pamwe naVaTumwa naVaTsvene vose, kwamakamirira kutigamuchira isu vana venyu vadikanwi. Amen.
Archives
All posts for the month January, 2016
Mweya Mutsvene, ndimi wechitatu muUtatu Hutsvene hwaMwari! Ndimi Mweya wechokwadi nohutsvene, munobva munaBaba noMwanakomana, makangoenzana navo muna zvose! Ndinokupfugamirai ndinokudai nomwoyo wangu wose.
Mweya Mutsvene wadiwa, ndinoisa chivimbo murudo rwenyu kwandiri rwakadzama pandiri kuita NOVHENA iyi, kuti kana kuri kuda kwenyu mundipewo izvi …
(Kumbira chaunoda)
Ndidzidzisei kuziva nokutsvaga Mwari akandisika uye wandakasikirwa. Zadzai mwoyo wangu nokutya Mwari uye rudo kwaari. Itai kuti ndirwadziwe kukutadzirai uye ndive nomwoyo murefu. Musandirega ndichiwira murutadzo.
Wedzerai mandiri kutenda, chitarisiro nerudo ndikure mutsika dzakanaka dzinofambirana nezvandiri pakukurarama.
Ndiitei muteveri waJesu akatendeka, mwana anoteerera sangano uye anobatsirana navamwe. Ndipeiwo nyasha dzokuti ndigone kuchengetedza mirau yenyu uye kugamuchira masakaramende ndakakodzera.
Ndipeiwo zvipo zvenyu zvinoera zvinoti; ungwaru, runzwisiso, zano rakanaka, rutsigo, ruzivo, runamato nokutya Tenzi. Wedzeredzai mandiri michero yenyu inoera inoti; rudo, mufaro, mwoyo murefu, mutsa, unaku, mwoyochena, unyoro, kutendeka, kuzvidukupisa, kuzvibata noutsvene.
Ndisvitsei kuutsvene mukurarama daidzo yamakandishevedzera, mugondisvitsawo kumugumo wakanaka wokuzofara muupenyu husingaperi, nomuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Amen.
Jesu muzere tsitsi kwazvo, munogarotinzwira ngoni uye munotiregerera, musaringe matadzo edu, asi ringai chete chivimbo chatinoisa muUnaku hwenyu husingaperi. Tigamuchirei mukatikati memwoyo wenyu uzere rudo netsitsi. Pasawanezve anosuduruka pamwoyo wenyu.
Ndinokutetererai izvi kuburikidza nomurudo rwunokubatanidzai naBaba naMweya Mutsvene…
(Taura chaunokumbira)*
Namatirawo vatadzi: Baba musina mugumo, tarirai nameso etsitsi marudzi ose pasi pose, anotarisira kuMwoyo werudo netsitsi weMwanakomana wenyu Tenzi wedu Jesu Kristu. Nomukutambudzika kwake kunoisvosuwisa, ndiitireiwo tsitsi kuti ndigogonawo kupa mbiri kuukuru hwenyu kwemisi isingaperi. Amen.
Zuva 2: Vapristi navapikiri
Zuva 3: Vakatenda vose
Zuva 4: Vasingatendi
Zuva 5: Kubatana kwamakristu
Zuva 6: Vanozvidukupisa navarombo
Zuva 7: Vana
Zuva 8: Mweya iri mupurigatori
Zuva 9: Vakarukutika
Mwana Jesu, ndimi diziro rangu nokuna amai venyu VaTsvene. Ndinokutetererai kuti mundibatsire pane zvandinokumbira nokuti ndinotendera zvizere kuti Umwari hwenyu hunogona kundibatsira. Ndinotarisira nechivimbo kuwana nyasha dzenyu. Ndinokudai nomwoyo wangu wose nomweya wangu wose. Ndiregerereiwo pane zvandakakutadzirai. Jesu makanakisa, ndinokumbira kuti mundipe simba rokukunda matadzo.
Ndinotsidza kusakutadzirai zvakare kana kuita zvose zvisingakufadzei. Ndinoda kukuitirai ndakatendeka. Pamusana porudo rwangu kwamuri Mwari Mwana Mucheche, ndinodawo mumwe wangu sokuda kwandinozviita.
Jesu, Mucheche ane simba kwazvo ndinokutetererai zvakare kuti mundibatsire neizvi… (Kumbira chaunoda)
Mucheche Mwari muna masimba ose, ndinokutetererai nomureverero ine simba yaAmai Vatsvene venyu uye nomutsitsi dzenyu saMwari dzisingaperi, kuti mundipewo mhinduro yakandinakira kumunamato wangu muNOVHENA iyi.
Ndipeiwo nyasha dzokuva nemi kwemisi isingaperi pamwe naMaria naJosefa uye ndizokupfugamirai pamwe naVaTumwa naVaTsvene venyu. Amen.
Novhena kuMwoyo Mutsvene waJesu
Jesu Mwari makati, “Kumbirai muchapihwa; tsvagai muchawana; gogodzai muchazarurirwa.” Onai ndinopfugama patsoka dzenyu, ndakazara nechitendero chipenyu uye chivimbo mune zvakatsidzirwa noMwoyo Mutsvene wenyu. Ndinouya
kuzokumbira izvi…
(Kumbira chaunoda)
Ndinotizira kwamuri Mwoyo waJesu, nokuti mamuri ndinowana nyaradzo pandinorwadziwa, dziviriro pandinoshungurudzwa, simba pandinoremerwa nemiedzo, chiedza pandinokahadzika kana kutibikirwa nerima.
Jesu wadiwa, ndinotenda zvakasimba kuti munogona kundipa nyasha dzezvandinokukumbirai. Muri Mwari wetsitsi uye mwoyo wakatyoka uri pachokwadi hamuurambi. Nditariseiwo nameso etsitsi. Ndinokutetererai kuti mwoyo wenyu wakanaka uone marwadzo noundonda hwangu, sechikonzero chokunzwa munamato wangu.
Mwoyo Mutsvene, ndinogamuchira mhinduro yose yamuchapa kune zvandinokumbira. Ndinotsidza kuti ndicharamba ndichikupfugamirai, ndichikudai, ndichikurumbidzai uye ndichikuitirai. Jesu wangu, fadzwai nokugamuchira izvi sokuzvipira kwangu kwakaruramisa kuita zvinodikanwa noMwoyo wenyu unopfugamirwa. Izvi ndizvowo zvandinoshuwira kuti zvizadziswe mandiri uye nezvisikwa zvenyu zvose nokusingaperi.
Ndipeiwo nyasha dzandinokumbira ndakazvirereka kuburikidza nomuMwoyo Usina mhaka waAmai venyu. Amen.
