Jesu muzere tsitsi kwazvo, munogarotinzwira ngoni uye munotiregerera, musaringe matadzo edu, asi ringai chete chivimbo chatinoisa muUnaku hwenyu husingaperi. Tigamuchirei mukatikati memwoyo wenyu uzere rudo netsitsi. Pasawanezve anosuduruka pamwoyo wenyu.
Ndinokutetererai izvi kuburikidza nomurudo rwunokubatanidzai naBaba naMweya Mutsvene…
(Taura chaunokumbira)*
Namatirawo vatadzi: Baba musina mugumo, tarirai nameso etsitsi marudzi ose pasi pose, anotarisira kuMwoyo werudo netsitsi weMwanakomana wenyu Tenzi wedu Jesu Kristu. Nomukutambudzika kwake kunoisvosuwisa, ndiitireiwo tsitsi kuti ndigogonawo kupa mbiri kuukuru hwenyu kwemisi isingaperi. Amen.
Zuva 2: Vapristi navapikiri
Zuva 3: Vakatenda vose
Zuva 4: Vasingatendi
Zuva 5: Kubatana kwamakristu
Zuva 6: Vanozvidukupisa navarombo
Zuva 7: Vana
Zuva 8: Mweya iri mupurigatori
Zuva 9: Vakarukutika
