KANA USINGAKWANISE KUENDA KUMISA
KUGAMUCHIRA PAMWEYA
Kugamuchira Pamweya kudokwairira kugamuchira Tenzi kunyange usingakanise nokuda kwenhambwe kana chimwewo chikonzero. Chido ichi chokumutambira nokuGamuchira Pamweya chiito chorudo chinotambanudza kutenda kwedu kunyange tirisi paMatendo (paYukaristiya) aTenzi wedu.Chishuvo chokurarama nguva dzose muuvepo hwake chinokwichidzirwa nezviito zvorudo nekupanga kubatanidzwa naye uye inzira yokuchera zvizere muupenyu hwaMweya anogara matiri panguva yenyasha. ‘Zviguro zvamasakaramende zvinogona kugamuchirwa nokupanga. kunyange sakaramende risingagamuchirwe pacharo nenzira iyi … kugamuchira sakaramende pacharo kunouisa zviguro zvizere pane kugamuchira nokupanga bedzi’ (Tomai Akwayinasi). Vinyorwa zvaVaTsvene zvinoratidza nzira dzakawanda dzoKugamuchira Pamweya:
Chiito Chokugamuchira Pamweya
Jesu, ndinotendeukira kuUgaro Hunoera kwamugere makazvivanza pamusana porudo rwenyu kwandiri. Ndinoda kukudai Mwari wangu uye ndinoda kukudai nomwoyo uzere rudo. Ndinoshuvira kukugamuchirai, asi zvino handisikukwanisa kukugamuchirai muchidyiro chinoera. Tenzi, uyai pamweya mupinde mumwoyo mangu, mugare mandiri nokusingaperi. Ndicheneseiwo uye muite kuti mwoyo wangu ufanane nomwoyo wenyu. Amen. (Arifondo Mutsvene).
Tenzi ndinoshuvira kukugamuchirai noutsvene, kuzvininipisa nokuzvipira sokugamuchirwa kwamakaitwa naMai Venyu Vatsvene Zvikuriu; nomweya nekuzvipira kwaVaTsvene.Uyai Tenzi Jesu.
Tenzi makanaka, itai kuti ndidokwairire kuva nemi … ndipei madziya, mufaro nokuchimbidzofunga imi. Kristu Mununuri Makanaka, ndipei nyasha dzokudokwairira masakaramende enyu matsvene zvikuru kupembera ndiri muuvepo hwemuviri wenyu chaiwo, muSakaramende Dzvene reBisiro. (Thomas More).
MINAMATO YOKUGAMUCHIRA KOMUNIONE TSVENE
Ita minamato iyi zvishona nezvishoma uchiita mazvi mashoma panguva imwechete. Zvinenge zvakanaka kumira mushure memashoko mashomanana kuitira kuti anyure mumwoyo. Munamato woga woga unogona kuitwa kakawanda.
Munamato pamberi peMisa
Mwari munoziva zviri mumwoyo yose, zvipango zvose uye hapana chakavanzika kwamuri; chenesai pfungwa dzemwoyo yedu nekurudziro yaMweya wenyu Mutsvene kuti tinyatsokudai, nokunyatsorumbidza zita renyu rinoera. Amen.
MUSHURE MOKUGAMUCHIRA
Munamato woRubatsiro
Mwari ndibatsirei kugamuchira zvakanaka. Maria amai vadiwa zvikuru, ndinamatireiwo. Mudiwa Mutumwa Muchengeti wangu, nditungamirirei pabisiro raMwari.
Munamato mushure mokugamuchira
Jesu wadiwa, tibatsirei kuparadzira kunhuwirira kwenyu kwose kwatinoenda. Zadzaimwoyo yedu noMweya wenyu woupenyu. Pindai nokugara matiri zvizere kuti upenyu hwedu hubwinye noupenyu hwenyu. Vhenekai nomatiri kuti nomatiriwo munhu wose watinosangana naye anzwe uye aone uvepo hwenyu. Pavanotarisa, ngavarege kuona isu asi imi bedzi Jesu! Garai nesu kuti tigobwinyawo sokupenya kwenyu tichivawo chiedza kune vamwe. Hapana chedu, zvose zvinobva kwamuri, nokuti imi ndimi chiedza chavo chinovheneka nomatiri. Saka regai tikurumbidzei nenzira inonyanyokufadzai yokuvhenekera avo vatinosangana navo. Itai kuti tikuparidzei, kwete namanzwi chete asi nomuenzaniso unoratidza rudo kwamuri ruzere mumwoyo yedu. Amen.