Nhai kana uchida kuenda kwaGutu ukakwira bhazi rakanzi Chegutu ungatadze kusvika here?
Ka ‘Che’ ako kane basa here?
Nhai kana uchida kuenda kwaGutu ukakwira bhazi rakanzi Chegutu ungatadze kusvika here?
Ka ‘Che’ ako kane basa here?
Siyai katsika kenyu kegudziisira mvura yekugeza mupoto yekubikira. Kutaura kuno ndigere mukombi padivi pemunhu arikunhuwa makuru.
Kuvenga munhu asina basa newe zvakangofanana nekutsonya bofu!
Unenge uri panhamo uchisvimha misodzi wobva watarisa tsoka dzemuvakidzani wako woona akapfeka babana!
Uyai Mweya Mutsvene pindai muzare mandiri. (Unogona kunamata nechemumwoyo muchokwadi uchikutenda kuti Tenzi ari kutokupa.)
Baba vazere norudo,
ndinobvuma nokupfidza
kukutadzirai kwandakaita kwose,
mukuziva kana kusaziva.
Ndiregerereiwo ndakatadza nokungozvifunga.
Hongu Tenzi, kungozvifunga kwangu
ndiko kwandipinza mukupara rutadzo.
Ndisunungurei Tenzi kubva mukungozvifunga pachangu
uye undingoveni.
Ndibatsireiwo kukunda uipi
nesimba raMweya Mutsvene wenyu.
Baba muzere rudo, panguva ino ndinoda kuregerera munhu wose. Ndinokutendai Tenzi nokuti imi makandiregerera.
Tenzi Jesu, iye zvino ndinoda kuregerera baba namai vangu nokundishaira hanya kuti ndive munhu zvizere uye ane utano. Tenzi vetsitsi, pfaviraiwo vabereki vangu kukundikana kwavo, muvazadze noMweya Mutsvene wenyu.
(Namata zuva roga-roga kwemaminetsi mashanu)
Tenzi ndinoda kuregerera murume wangu/mukadzi wangu, kundirwadzisa kwose kwaakandiita panyama napamweya, uye mavanga ose aakasakisa, zvikurusei…
(Namata kwemaminetsi mashanu pamwe nomumwe wako kana zvichikwanisika, kuti muzadzwe naMweya Mutsvene).
Tenzi ndinoda kuregerera vana vangu mukusava neshungu kwavo uye undingoveni hwavo, zvikurusei…
(Nenzira imwecheteyo, regerera munhu wose uye uchimunamatira. Usarambe wakachengeta marwadzo. Kuyananiswa kunotanga nokuregerera. Ukagona kutenda kuti Jesu akakutambudzikira nokuripira zvitadzo zvako zvose, Iye Tenzi akarovererwa uyu, anobva ava mupenyu kwauri achikupa simba rokuti ukwanise kuregerera vose).
Mudzimai anoregerera murume wake chidhakwa kuburikidza nomunamato uye reururo:
Gamuchira murume wawakapiwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza murume wako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Mhuri isina rugare, iri kuparara.
Gamuchira mhuri yawakapiwa naTenzi.
Iturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza mhuri yako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti izadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Mumwe wako kana nhengo yemhuri isingatendi muna Tenzi.
Mugamuchire sokupiwa kwawakaitwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza mumwe wako muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Munhu aparadza upenyu hwako kana kuti munhu waunovenga.
Mugamuchire sokupiwa kwawakaitwa naTenzi.
Muturire kuna Tenzi.
Rumbidza nokutenda Tenzi kwemaminetsi mashanu.
Shambidza munhu iyeye muRopa Rakakosha raJesu.
Namata kuti azadzwe nemichero uye zvipo zvaMweya Mutsvene.
Uyai Mweya Mutsvene, ndibatsirei kunamata. Nditungamirei panguva ino yokunamata. Dai ndaita sokugona kwangu zvose zvandiri kunzi ndiite naBaba vangu. Ivai neni uye ndisimbaradzei. Amen.
Areruya… Areruya… Areruya…
Maria amai vangu vadiwa, ndireverereiwo. Mutumwa muchengeti wangu, ndichengetedzeiwo.
Rwiyo:
Sandurai mwoyo wangu Tenzi,
mundipe mwoyo mutsva.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi
ufanane nomwoyo wenyu.
Ndimi muumbi, ini ndiri dhaka.
Ndinokumbira kuti mundiumbe
nokundiita zvamunoda.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi,
mundipe mwoyo mutsva.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi
ufanane nomwoyo wenyu.
Tenzi Mwari Samasimba, ndinotenda mamuri. Ndinotarisira mamuri, ndinokudai, ndinokupfugamirai ini pachangu uye ndichiitirawo avo vose vasingatendi mamuri, vasingatarisiri mamuri, vasingakudei uye vasingakupfugamirei.
Jesu, imi ndimi nzira, chokwadi noupenyu, ndikomborerei namaoko enyu akakuvadzwa. Ndapedza basa rangu ranhasi, zvino ndauya kuzokutendai imi Tenzi wangu. Pasina rubatsiro rwenyu zuva ranhasi, basa rangu ringadai rakundikana kana kuramba kupera. Jesu Tenzi wangu, ndipfavirei sezvinokodzera maronda enyu, mundiregererewo zvitadzo zvangu zvose. Ndikomborerei Tenzi, ndidzivirirei kunjodzi dzapanyama napamweya.
Mweya Mutsvene, ndinopfidza nguva dzose dzandaramba kukuteererai pane zvamandinyeurira kuita zuva ranhasi. Zvino chindipaiwo chido chikuru chokutendeka zvizere kurudo rwenyu kubvira nhasiuno.
Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene, gamuchirai kutenda kwangu pamwe nokuimba kwavatumwa venyu vatsvene. Tumai vatumwa venyu kuti vandichengetedze usiku hwose. Kana rwendo rwangu rwazoguma, imi mugondigamuchira kumusha wenyu unogara narini narini. Mwoyo usinamhaka waMaria, ndimi diziro rangu. (Kwaziwai Maria katatu…)