- Usaraira mudiwa wako mabatiro aanofanira kuita hama dzake.
- Rangarira kuti vanamai kazhinji vanozengurira muroora wavo uye anaba vanowanzozengurirawo vakuwasha vavo.
- Itira hama dzemumwe wako moyo munyoro, moyo murefu uye varemekedze nekuvaitira nyasha nguva dzose.
- Paunozadzisa zvido zvako usakanganwa zvido zvakakosha zvehama dzemumwe wako.
- Usafa wakaenzanisa mudzimai wako naamai vako kana murume wako nababa vako.
- Usamhanyira kunoudza vabereki vako kunetsana kwenyu mumba.
- Kana uine zvauri kubatsira vabereki vako nazvo zvakaita semari zvakangonakawo kuudza mumwe wako senzira yekumuremekedza nekubudirana pachena.
- Usafamba uchifugura hapwa.
