Kugeza ndinenge ndichitoda asi nguva zhinji inopera ndichinamata.
Zvirinani kuchena moyo pane kuchena muviri.
Kana wakanganisa, kumbira ruregerero.
Kana uine waunoda, muudze.
Kana uchida kurerukirwa, tanga nokuregerera.
Kana wagumirwa, kumbira rubatsiro.
Kana paine wawasuwa, mutsvage.
Nhai kana vatezvara vari kunzwa dzungu unovafonera uchiti kudii? “Maswera sei nedzungu renyu”, kana kuti “Maswera sei vedzungu” kana kuti, ” Maswera sei ndakanzwa kuti mune dzungu”, kana kuti “Maswera sei dzungu renyu riri sei” kana kuti “Maswera sei muchine dzungu here.”
Nhanganyaya
Rungano rwemuDama Rakanaka ranhasi rungano rwako neni zvekare? Rungano rwunoti: dzikisa usvasvi hwako, shandura upenyu hwako.
Vavariro
Mumwe muPsychologist akati, “Mumwe nemumwe wedu asikwa zvokuti avavarire kuva munhu azere uye akayaruka asi vazhinji vedu tinozosara tosvika pakati pohupenyu hwedu tazvitiza!”
Vangani vedu vakazvitiza, vave kurarama pfungwa dziri kure nemiviri yavo, mweya uri kure nemiviri yavo? Vangani vedu vari kuvarira kuita savamwe vanhu – kurarama savamwe, kuita savamwe, kutaridzika savamwe uye kupfeka savamwe?
Nyaya
Mumwe murume akauya kwandiri achishungurudzika zvikuru. Aivenga basa rake uye aidemba kuti dai zvake asina kukwidziridzwa pabasa. Muhurukuro dzedu akati asati aporomotwa aiva nemufaro – aifarira zvaaiita, uye aiwirirana nevashandipamwe vake. Paakakwidziridzwa pabasa zvinhu zvakatanga kubhenda. Akatanga kushaya simba rekumukira kubasa, akatanga kushaya hope dzakanaka uye mhuri yake yakatanga kusava nomufaro.
Ndakamubvunza kuti adii hake kudzokera pachinhano chaaiva zvikanzi “Ndinoda mari inouya nekukwidziridzwa pabasa.” Mari yaiita kuti arambe ari paasina mufaro. Kazhinji tinosarudza kutambura nezvisingatipe upenyu tichiti vanhu vanozoti kudii? Zvinonyadzisa munyika yatiri kurarama kuwana chigaro chepasi kwete chepamusoro. Takafanana nevanhu vanoramba vachiraura mhiri Kunyange vachidzoka vakabata maoko.
Asi hupenyu hwakadzama kupinda zviwanikwa. Ndosaka Jesu ari kuti kwatiri dzikisai husvasvi kuburikidza neminamato. Wanai mufaro munaMwari uye kuburikidza nomwanakomana wake, wanai mufaro muhukama hwakanaka nemhuri dzenyu uye neshamwari dzakanaka, wanai mufaro mumarwadzo anouya nekuzvipira. Dzikisai husvasvi hwenyu muhupenyu hutsva.
“Dai”
Mashoko aJesu anonanganawo navose vanoimba rwiyo rwokuti ‘Dai’: dai ndiine vabereki vakasiyana nevandiinavo, dai ndakareba, dai ndiri mupfupi, dai ndisina kudaro. Kusatoti tadzidza kugamuchira zvatiri hapana kwatinoenda.
Gamuchira zvauri
Tinofanira kuzvigamuchira sezvatiri. Tinofanira kugamuchira marwadzo edu, mhosho dzatakaita kare, kukundikana kwatakasangana nako nezvimwe zvakatidzorera shure. Jesu ari kuti kandai husvasvi hwenyu kune rimwe divi. Anoziva kuti kune humwe hupenyu hwakanaka uye humwe huwandi huriko hwatisingafi takawana kana tikaramba tiri divi rimwe rehupenyu tichingochema kuti “dai”.
Vadzidzi vaJesu
Vadzidzi vaJesu vanofanira kuva vaidemba kuti “dai” vasina kutiza Jesu mugadheni regetsimani. Dai vasina kumutiza pamuchinjikwa. Pitawo anofanira kuva aiti, dai ndisina kuramba Jesu katatu.
Asi Jesu anotaura naPita. Haamuti wakanditizirei? Wakaitirei zvakaipa kudaro? Wakahugona sei hutsinye hwakadai? Jesu haamurangaridze zvekare. Anotanga kutaura naye zvanhasi nekuti ndizvo zvakakosha. Anomuti, “Unondida here?” Kanganwa zvakapfuura, usademba uchiti “dai”. Kanganwa zvedivi iro rohupenyu. Kanganwa zvekuti dai zvakadai kana kuti ndai ndisina kuita munyama. Dzikisa kusvasvi hwako.
Stephen Hawking aiva chirema asi akava muscientist wembiri. Paul Matavire aiva bofu asi akaita muimbi womukurumbira. Jarosi Jiri aiva bofu asi akaita mabasa anoshamisa. Moses Chunga anonzi haana kudzidza asi akava mutambi mukuru wenhabvu. Dzikisa husvasvi hwako.
Chero kune vanozviti takakunda, tine mari zviri kunzi dzikisai husvasvi. Dzikisai mupinde kwakadzika kune mhuri dzenyu, hukama nehama dzenyu, kuzvipira, kushandira. Musaramba muri kudivi rezviwanikwa chete. Chii chaunowana ukadzikisa husvasvi? Unowana zvakawanikwa navadzidzi: mambure akazara.
Kudhakwa panhamo kusvika pakudongorera mukofini woti “Ko iwe wakararirei kumba kwenyu kuchinakidza so?”
Mufundisi abvunza “Kana munhu akafa asina kubvisa roora anoenda kudenga here?”
Chidhakwa chakadaira “Anoendepi iye akambotadza kuenda kwaatezvara padhuze paanoziva.”
NAMATIRAI VAPRISTE
Chinhu chinonyanya kukosha chinokona kuitirwa mupriste nemutenderi kumunamatira.
Zvakanaka kuziva kuti vapriste vanotinyengeterera zuva rega-rega. Hapana chakaipa kuitira mupriste rusariro, pfugamiro, chipirwa kana kumutsanyira. Unogonawo kumutumira kadhi uchimuvimbisa kuti uchamunamatira kuti zvishuvo zvake zviitike.
MUBIKIRE CHOKUDYA ZVIKURU MAZUVA AANENGE AKABATIKANA
Chingava chinhu chakanaka kana iwe semutenderi ukava nechokwadi chokuti mupriste wako awana chokudya zvikuru mazuva ezororo paanenge asina mubiki. Zvakangonakawo kuti apedza zuva rose achiriritira vanhu pamazuva makuru adzoke kumba achiwana chokudya asingatangi kubika patsva. Ziva kuti mupriste wako anofarira kudyei womugadzirira. Usangoita chete kuchitarisira kuitirwa chimwe chinhu.
PEMBERERA MAZUVA MAKURU OMUPRISTE WAKO
Kupemberera zuva rekuberekwa kwemupriste wako kana zuva rougadzo hwake ipfungwa yakanaka zvikuru. Zvinongofadza kuyeukwa pazuva rawakagadzwa.
WANZA KUNAMATA UITE KUNYUNYUTA KUSHOMA
Hurukuro zhinji dzinowanzotenderera pakunyunyuta pamusoro pomupriste, parishi, vamwe vatenderi, vaimbi, zvisina kumira zvakanaka mumba yaMwari, sarudzo dzaitwa nezvimwe. Kashoma kunangana nezvechitendero. Iwe usawanze kunyunyuta.
ZVIPIRE KUBATSIRA
Usamirira kuti ubvunzwe! Vapristi vakagadzirwa kupa, uye zvakavaomera kukumbira zvinhu. Pira nguva yako kuparishi sechiratidzo chekutsigira nokushandira kwako. Funga kuwedzera chegumi chako kuratidza kutsigira kwako parishi nemupristi.
ENDA KUMISA UYE / KANA KUREURURO
Hapana chinofadza mupriste kupinda kuona mutenderi achiuya kureururo kana kumisa. Kana wapinda mumisa enda mberi unoimba nevamwe uchiratidza kutsigira zviri kuitwa.
MUNYORERE KAGWARO KEKUTENDA
Kagwaro kumupriste, zvikuru wawava nenguva usingaone, uchimuudza kuti upriste hwake hwakashandura upenyu hwako kanesimba.
Tsamba kubva kumutenderi inonakidza kugamuchira. Kwete kadhi rine mazwi mashoma. Makadhi akanaka zvawo, asi tsamba inoreva zvakawanda. Zvinobata mwoyo kunzwa mutenderi achinyatsorondedzera kuti zvakaitwa nomupriste zvakamubatsira sei. Zvinofadza mutenderi paanotaura kana kutumira gwaro rokutenda: ‘Ndinotenda nekuda kwehupriste hwenyu’, ‘Ndinotenda nekuda kwekuve mushumiri wedu.’ ‘Ndinotenda nekupindura foni yangu.’.
Muudze kuti akaunza mutsauko muupenyu hwako. Munyorere gwaro rokutenda. Mashoko mashoma chaiwo anoreva zvakawanda kumupriste mazuva ano. Mashoko ekuvonga pashure pemariro uye michato kana mharidzo yagonekwa akakosha.
TENDA
Rumbidzai mupriste mushure memuteuro wose weMisa. Kunyange usingadi mupriste, masi ine chekuita nokuvapo kwaJesu. Unogona kungoti kumupriste mushure mereururo, ‘Ndinokutendai nokuda kweushumiri hwenyu uye ndichakunyengetererai.’ Izvi zvinoreva zvakawanda. Gadzira vhidhiyo raunenge uchibvunza vatenderi chinhu chimwechete chavanofarira pamupriste womuratidza.
MURUMBIDZE
Tsvaga mikana yekurumbidza mupriste wako kunyange uya wausingadi zvikuru. Mupriste anonzwa manyunyunyuku paanonzi ‘Misa iyi yanga ichinakidza zvikuru, Baba.’
RIRITIRA UTANO HWAKE
Kurudzirai muprista kuti atore nguva yokuzorora.
USAMUSHUNGURUDZE
Dzivisa makuhwa pamusoro pemupriste neparishi. Usaite makuhwa kana kutsoropodza asi kuti ipa rubatsiro runovaka. Vangani vakatadza kupikira nokuti vakanzwa vapriste vachishorwa nokuda kwetunhu nhando.
MUITE KUTI AZIVE KUTI UNOMIRA NAYE
Paunoona mumwe munhu achiomesera kana kunetsa mupriste, ratidza mupriste kuti wazviona womuratidza tsitsi.
UMBA UKAMA NAYE
Usatanga nokumuudza zvausingadi kana kari kekutanga kusangana naye. Mukwazise usati wamuudza zvakashata.
USATARISIRA ZVISINGAGONEKI
Zvichida haasi puramba, saka usatarisira kuti agadzire paipi iri kubvinza. Mufungire zvakanaka nguva dzose uchiziva kuti haana chinya newe. Kupa pfungwa dzako kunobatsira. Asi kutsoropodza nekunyunyuta kunopiwa pasina kuzvininipisa uye rudo rwechokwadi kunosveta.
USAITE TSIKA YOKUUNGANIDZA NOKUFURIRA VAPRISTE
Usafunga kuti unofanirwa kuva nemupristi Svondo roga roga uye pazvose zvaunoda. Usatarisira kuva shamwari yemupristi – mufundisi wako saka ukama hwenyu hunofanira kuva nemiganhu. Usadada kune vamwe vaunonamata navo kuti ‘Ndiri padyo nababa nhingi’ nekuti zvinosika ruvengo negodo – maitiro iwayo anoshungurudza mupriste, kumuvengesa kana kuvhiringa basa rake.
MUTSIGIRE
Kana pakaitika chiitiko chinonetsa muparishi rutsigiro kumupriste rwakakosha. Anogona kupomerwa mhosva yeutsinye kana kuita chimwe chinhu chinopedzisira chava mumapepa nhau. Panguva yakadai anoda mashoko netsamba dzerutsigiro dzakawanda dzinobva kuvatenderi.
MUPE NGUVA YAKE
Dzimwe nguva zvakanaka kuti mupriste awane nguva yake oga. Usaite mwoyochena usina humwoyochena uchifunga kuti baba vakasurikirwa, vari kushungurudzika kana kuti vari kuodzwa mwoyo ivo vasiri. Pamwe chavanenge vachingoda chete kuva voga vachizorora.
MUKOKE
Zvakanaka kana vatenderi vakafunga kukukoka mabiko emhuri: mazuva ekuberekwa, mazuva ekurangarira zuva remuchato, kudya kwepazororo. Dzimwe nguva mupriste anogona kuti haakwanisi nokuti anenge aine zvakamubata asi kukoka kunenge kwakangonaka.
VAVARIRA HUTSVENE
Chikurusa ndechekuti Mwari anoda kuti tive vatsvene. Hapan chinofaddza mupriste kupinda kuona utsvene muhupenyu hwevatenderi vaanoshumira.
Mhedziso
Ndinovimba mashoko aya achakubatsirai. Rangarirai kuti vapriste vanosiyana. Vamwe vanoda zvekukokwa mudzimba vamwe vanosarudza kudyira kumba kwavo. Iwe ukaziva zvaanoda wana mabatsiriro aungamuite.
Nhaimi ndokumbirao kubvunza. Iwo ma kiyi emota haakwane muhomwe here? Ko pamaive musati mava nemota gotsi maikwenya nei?
Ukandiona ndakarara muchechi usandimutse. Siya ndiite zvandinoda. Ndiri kuzorora mumba mababa vangu. Hanzi “Uyai vakaneta, vakaremerwa ndichakupai zororo.” Saka siyai ndizorore.
Ndatenda!😜😜😜🙏🏻🙏🏻🙏🏻😂😂😂😂
Nhasi ndakumbira ayini kune muvakidzani wangu akanditi “Ayinira muno. ” Ndabvandatora hembe dzangu ndikaayinira mumba make. Azouya achikumbira chikorobho ndikamuti “Korobhera muno.” Kutaura kuno akandigumbukira. Ini ndiri kutoshaya pandatadza ndepapi.
