Kunze kwekuyanikira mhiripiri pamusoro pemota yamuridzi wemba, chii chimwe chinoratidza kuti roja ragarisa pamba?
Nyambo
Kusagutsikana kunotangira pakurara wakatsamira ruoko pamusro pepiro/chitsamiro.
Kapu iri muhupfu kumba kwenyu mangwana mumboigezawo.
Mbanje dzakabva kare chokwadi, munhu ungatumwa Niniva iwe wakuenda Tashishi.
Yabva yasimudzwa zvehasha kombi, ndisati ndagara pasi. Ndabva ndaruma pai yemunhu kana nemisteki asi haasi kuda kundinzwisisa.
Marwadzo haaperi veduwe. Mufundisi wangu arumwa nembwa achitadza kungoti ‘pfutseki.’
Anga vachingoti ‘runyararo kunewe imbwa.’
Wakambozviona here kuti ukaenda kumba kwevanhu ukangopedza kudya chete panenge pavakutobhowa kugara pamba ipapo.
Vanhu vemuZimbabwe vanogona kugara kwemaminitsi 20 vakanyarara mumwe ozongoti, ” Yaa ma1. ” Mumwewo obva ati “Shuwa pakaipa”
Unonzwa mumwezve oti “Asi varume ava ngavasadaroso.”
Hameno varume vanenge vachirehwa.
Wonyimwa chikafu parufu, wobva wapingwa netambo yetende, wonzwa vanhu voti “uyuwo uyu, ndozvaanonetserawo kana aguta.”
Wonzwa mhururu nemuridzo pamba pemuvakidzai woti rega ndidongorere wonzwa mwana wako achinzi “tamba ndikupe tii.”
