Mudzimai : Dai ndakaroorwa naSatani zvaive nani. Pamwe aitondichengeta zviri nani.
Murume: Maisungwa mese.
Mudzimai : Maani?
Murume : Mutemo wenyika haubvumire kuroorana pahukama!
Nyambo
Mudzimai: Murume wangu anotaura manheru akarara, ndoita sei kuti zvipere?
Mufundisi: Mupeiwo nguva yekutaura masikati.
Amai: (Vachipopota) Nhasi pano hapadyiwe rinopisa.
Mwana: Nyangwe rakapora tinodya.
Hanzi murombo haana chinhu chinonzi ndechake. Chero akafamba netsoka vanhu vanongoti ndedza Adhamu
Unenge wakapfugama uchinamata, shumba youya padivi pako. Inotanga kunamatawo. Iwe unobva wasvinura woona shumba yakatsinzina wobvunza kuti, ‘Nhai shumba asi uri mukristu?’ Shumba innobva yati, ‘Asi iwe unodya usina kunamata?’
Ko hazviite here kukandirana round yekugeza?
Ini munondikandira Gumiguru hangu. Handina dambudziko nazvo!
Ndine mubvunzo kune vasingadye mwoyo nevanoera mwoyo. Pamunodya matemba, mwoyo munobvisa here?
Baba vakarwara zvikurusa ndokuendeswa kuchipatara. Varere muchipatara vakuraira nhaka, ‘Iwe mukomana mukuru unotora Joina City. Iwe mudiki unotora Eastgate. Imi mai vevana munotora Westgate. Ndapedza.’ Mukoti aivamo ndokti ‘Aah ende makapfuma.’ Mukadzi ndokupindura ‘Kupiko inzvimbo dzekutengesera air tyme.’
Mapenzi maviri aive akagara mumumango. Rimwe rakabva radonha, rakasara mumuti rikabvunza, ‘Ko chii chaitika?’
Zvikanzi neraiva radonha,
‘Ndaibva!’
Munyai: Vana Baba ndinokumbirawo kuti titange tanamata tisati tafambisa nyaya dzedu.
Dare: Namata hako mukuwasha
Munyai: Ngatitsinzinyei tinamate … Muzita raBaba NeroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Mwari baba ndauya pamberi penyu. Ichokwadi mari hatina, asi munoti mushoko renyu ‘Uyai kwandiri imi makaneta makaremerwa’. Tinounza kwamuri mutoro wokuroora tenzi. Tinodzinga mweya wekukara mari pahama dzemukadzi Baba. kunyanya ruchiva rwezvinhu zvenyika ino ngarubve kunanababa vemukadzi muzita raJesu. Mweya wemadzinza usingadi kuti mwanasikana aroorwe ngaubude muZit raJesu. Taramba mweya wemheremhere panhaurwa dzino. Mwari wevarombo! Ndakumbira nokutenda kuti kana mahara chaiwo mukadzi tinopihwa pano… Muzita raBaba reroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
