Kakati kabirwa bhegi rekuchikoro, kamwe kamwana kegwaro repiri kakamira pamberi pavamwe vana kakati ‘munhu aba bhegi rangu ndapota ngaadzose nekuti ndinogona kuita zvandakamboita kwandaipinda gore rapera.’ Vana vose vakavhunduka bhegi rikabva rabuditswa. Mumwe ticha ndokubvunza kamwana kaya kuti ‘wakaita sei gore rapera kwawaimbopinda?’ Kamwana kaya kakati, ‘ndaibatira mabhuku mupurasitiki!’
Nyambo
Mudzimai: Murume wangu anotaura manheru akarara. Ndoita sei kuti zvipere?
Mufundisi: Mupeiwo nguva yekutaura maskati.
Mumwe murume akatumwa nehuku kuendesa pamwe pamba kuMbare. Ari munzira huku yakapunyuka iye kwava kutanga kuseka zvake huku ichitiza. Mumwe mukomana akabvunza ‘Ko mudhara munosekei muchisiya huku ichienda’ zvikanzi ‘Ini ndini ndapihwa adhiresi siya iite dzungu icharasika.’
Mumwe mudhara akati orwara akadana vanakomana vake vaviri ndokuti kwavari, ‘Vanangu ndarwara, kana ndafa muputse imba kusvika pahwaro mufukunure muchaona bhegi rinemari. Mari iyoyo munozoigovana kuti murarame upenyu hwakanaka.’
Vana vafara. Nechomumoyo vaiti dai Mudhara achifa. Baba vaya vakazofa zvavo vana ndokudhiritsa imba iya. Vakaona bhegi zveshuwa. Vakarivhura ndokuwana muine bepa rakanzi ‘Dzidzai kuvaka dzimba dzenyu yangu ndofa nayo.’
Wakanga uri musi weSvondo mukadzi achizviimbira zvake.
Murume : Mai mwana.
Mudzimai : Matii?
Murume: Kamuimbiro kenyu dai zvenyu muchitoimba pa nhepfenyuro.
Mudzimai : kkkkk matanga ba’mwana.
Murume: Aaaa kwazvo.
Mudzimai: Asi ndoimba zvinodakadza kani 😄
Murume: Kwete, asikuti panhepfenyuro ndokwanisa kuchinja chaneri.
Hurombo hunoita kuti vanhu vangokuona sekuti hauna chako chaunombova nacho. Chero zvinhu zvako zvinogona kutonzi ndezveumwewo munhu. Unotonzwa wakutonzi ‘Urikufamba nedza Adhamu wotoshaya kuti ko hadzisi dzako here?’
Wakambopa mudiwa wako foni here otsvaga nekushaya mhosva. Mushure me maminitsi 30 oti ‘Aramu iyi makaiisa muchida kuenda kupi?’
[1/11, 08:45] Mudiwa: Mudiwa, mesekji yangu haina kusvika here?
[1/11, 08:46] Mufesi: Yawati unoda mari yekugadzirwa musoro here?
[1/11, 08:46] Mudiwa: Ehe
[1/11, 08:48] Mufesi: Haina kusvika hakuna masaisai.
Baba T: Ndeipi chidamwoyo?
Mai T: Haiwa, unopinda nemazibhutsu ako mumba mandashaina izvezvi, asi hauone? Hauna kukwana. Uri benzi chairo iwe. Isa bhutsu dzako panze apo!
Baba T: Ndine urombo mai mwana ndavarairwa.
Mai T: Ndokudzungaira ikoko nxaaaa!
Baba T: Waswera sei hako?
Mai T: Kuswera chii iwe wasiya $1?
Baba T: Oyi $100 iyi.
Mai T: Aaah, ndosaka ndichikuda mhani. Uri mudiwa wemwoyo wangu. Ndateda chidamwoyo. Usazvinetsa hako nebhutsu ndanga ndichingoseka newe. Isa shangu patafura apo ndichadziporisha manje manje.
Baba T: Inzwaka Mai T.
Mai T: Chii dhedhi?
Baba T: Undipe chenji yangu $99 ndisati ndarara.
Mai T: Zidzetse remunhu. Ita ugeze. Benzi, uri kunhuwa doro.
Mari inotenga rudo here?
Mukomana anenge achitengesa hove dzine uremu hwe 3.3 achida $10. Mudhara wemota anomira achida hove oti, ‘Isa kubhuti wouya kuzotora mari.’ Mukomana anoisa hove pasi pemota ovhara bhuti. Mudhara anobva atiza asina kubhadhara achiti hove dzaamo! Saka mbavha ndeipi?
