Nhaimi ndokumbirao kubvunza. Iwo ma kiyi emota haakwane muhomwe here? Ko pamaive musati mava nemota gotsi maikwenya nei?
Nyambo
Ukandiona ndakarara muchechi usandimutse. Siya ndiite zvandinoda. Ndiri kuzorora mumba mababa vangu. Hanzi “Uyai vakaneta, vakaremerwa ndichakupai zororo.” Saka siyai ndizorore.
Ndatenda!😜😜😜🙏🏻🙏🏻🙏🏻😂😂😂😂
Nhasi ndakumbira ayini kune muvakidzani wangu akanditi “Ayinira muno. ” Ndabvandatora hembe dzangu ndikaayinira mumba make. Azouya achikumbira chikorobho ndikamuti “Korobhera muno.” Kutaura kuno akandigumbukira. Ini ndiri kutoshaya pandatadza ndepapi.
Siyai katsika kenyu kegudziisira mvura yekugeza mupoto yekubikira. Kutaura kuno ndigere mukombi padivi pemunhu arikunhuwa makuru.
Kuvenga munhu asina basa newe zvakangofanana nekutsonya bofu!
Unenge uri panhamo uchisvimha misodzi wobva watarisa tsoka dzemuvakidzani wako woona akapfeka babana!
Ichokwadi kuti murume musoro wemba but imwe misoro yacho yakazara zvisasa. Unoona nhamo nekukwenya.
Ndinozviitira saka ukaona ndichitaura ndega usanetseke. Ndinenge ndiine musangano nevashandi!
Paivapo navamwe vaarume vaviri, Timi naBhonzo, vakaisa musoro pamwechete ndokuvamba bhucha ravo. Bhizimusi ravo rakabudirira chose. Mumwe musi muparidzi akavamedurira shoko Timi ndokutendeuka akapira upenyu hwake kuna Kristu. Timi akaedza kukurudzira Bhonzo kuita zvimwechetezvo asi zvakashaya basa. Timi akati ‘Ko nhai Bhonzo, sei uri kuomesa musoro?’Bhonzo ndokuti, ‘Inzwa shamwari, kana tese tikatendeuka ndiani achasara achiera nyama?’
Dzidzo: vamwe vanotya kutendeuka nekuti vanotya kurasikirwa nezvenyama.
Potai muchiendesa vana kumusha, hanzi vamwe vana vaivhaira vadzoka kuHoridhe hanzi futi futi kumusha kwedu patasvika takadya sadza nemombe yake yake, izvo vanga vadya nembeva.
