Ko ndiani akati kana foni ikarirs muchechi unobuda wakakotamira?*
Nyambo
Unenge watengera tsano vako doro vobva vadhakwa wonzwa vave kuti “Rimwe zuva hanzvadzi yangu ichawana murume kwaye.”
Mutyairi: Moburukira papi sisi?
Shamiso: Oyi foni yangu. Taurai nemudiwa wangu.
Mudiwa: Kwaziwai mudhara. Dzoserai munhu kurhengi. Mudzimai wangu aripo.
Wakambonetsana here nemunhu muri mukombi wonzwa akuudza mutyairi kuti “Ndisiirewo panosarira muchinda uyo” achireva iwe?
Ndiri ini ndinoudza driver kuti ndiri kusarira pakamba yemapurisa.
Ukaswera muGrowth Point unoita sewaswera munochengeterwa mhuka. Unongonzwa “Maswera sei shumba? Ndeip nyati? Mhoroi humba? Mhofu ko kurova? Murisei mbizi? Gono, vamuka sei kumba? Soko ndipeiwo fodya.”
Ndapota musiye tsika yenyu yekuti kana mukarambana mushure memazuva maviri madzokerana. Tava kuitwa vanhu vanoreva nhema kumakuhwa kwatinoenda.
Mudzimai: Ko zvawakati tichaparadzaniswa nerufu zvadii zve?
Murume: Handina kutaura kuti rufu rwani. Sekuru vangu vafa. Zvatopera!
Kugeza ndinenge ndichitoda asi nguva zhinji inopera ndichinamata.
Zvirinani kuchena moyo pane kuchena muviri.
Nhai kana vatezvara vari kunzwa dzungu unovafonera uchiti kudii? “Maswera sei nedzungu renyu”, kana kuti “Maswera sei vedzungu” kana kuti, ” Maswera sei ndakanzwa kuti mune dzungu”, kana kuti “Maswera sei dzungu renyu riri sei” kana kuti “Maswera sei muchine dzungu here.”
Kudhakwa panhamo kusvika pakudongorera mukofini woti “Ko iwe wakararirei kumba kwenyu kuchinakidza so?”
