Mushure mekunge, Martin Luther King Jr, uyo airwira kodzero dzavanhu vatema muAmerika, auraiwa musi wa4 April mugore ra1968 mutumbi wake wakaiswa paruzhinji kuti vamupe ruremekedzo. Zviuru zvavanhu zvakaungana zvikauya zvichimupa ruremekedzo rwegamba.
Vamwe mbuya vakauya netuzukuru twavo twuviri. Vakabata maoko avo ndokuti zii kwekanguva vakatarisa chitunha. Vakaenda pane muzukuru wokutanga ndokuzevezera munzeve, muzukuru ndokutanga kuridza mhere. Vakaenda pane muzukuru wechipiri ndokuzevezera munzeve mwana ndokuridza mhere.
Vanhu vakanga vakatarisa zvose izvi zvichiitika. Vakamhanyira kuna mbuya vaya zvikanzi tiudzei kuti matii chachemedza vana. Mbuya vaya ndokuti handina zvakawanda zvandavaudza ndangoti “Muzukuru, nyatsocherechedza murume arere apa uyu. Murume uyu akakufira.”
Nhasi tiri kuyeuka shamwari yedu yakatisiya. Pandangariro dzedu tinofanira kucherechedza Jesu nokuti iye wakatifira tose. Iye akakufira iwe, iye akandifira ini, iye akafira hama yedu iyi. Akatifira kuti tiwane upenyu. Naizvozvo ungano ino haisi yekushaya chitarisiro, asi kuti izere nechitarisiro nokuziva kuti takafirwa.
1 DAMA RAKANAKA: UYAI KWANDIRI
Inga Dama Rakanaka ranhasi rataura wani rikati “Uyai kwandiri imi mose makaremerwa ndigokuzirodzai.” Nhasi tiri kunzi sarendai misodzi yenyu kwandiri, sarendai marwadzo enyu kwandiri. Uyai kwandiri ndikuzorodzei. Hama yedu iyi takairadzika. Takaviga nyama yake asi tinoziva kuti nemashoko aJesu hama yedu iri kuwaniswa upenyu utsva.
2 CHIDZIDZO CHEKUTANGA: MABIKO
Upenyu utsva uhwu hwakaita sei? Chidzidzo chekutanga chemuporofita Izaya chiri kuti “Mwari ana masimba ose achaita mabiko avanhu vose, mabiko ane zvokudya zvakawanda.” Zvakare Mwari achaparadza rufu zvachose. Achapukuta misodzi pamatama edu. Vimbiso iyi yakatozadziswa naKristo akatiratidza nzira yorufu; kuti ukafa wakabatana naye unomuka wowana upenyu husingaperi.
3 CHIDZIDZO CHECHIPIRI: CHITARISIRO
Chidzidzo chechipiri chizere nechitarisiro. Hanzi chitarisiro hachitinyengedze nekuti rudo rwaMwari rwakadururirwa rwose mumwoyo yedu naMweya watakapihwa. Takanga tisina chitarisiro patakafirwa naKristo. Chinoratidza kuti Kristo anotida ndechekuti akatifira pachipiyaniso. Kungatova kusaziva kuchema vafi vedu. Tinofanira kuvasarenda mumaoko ababa vanovada. St Ambrose anoti “mumeso amapenzi rufu uipi hwokupezisira, asi kuvangwaru rufu izororo mumaoko aMwari.”
4 TOSE TICHAFA
Tose tichafa. Takamirira rufu rwedu tinofanira kuitira zvakanaka kune mumwe wavaduku ava. Jesu anoti chipi nechipi chawakaitira mumwe wava duku ava ndini wakare wawakaitira. Mushure mekuuraiwa kwake Martin Luther King akasiya apa shoko rokuti musandiyeuke nemenduru kana mibairo yandakawana pano panyika. Ingotaurai chete kuti aipa vane nzara chokudya, aipfekedza vasina nhumbi, uye aibatsira nokuratidza rudo kune vamwe. Paguva rake pakazonyorwa kuti “Free at last, free at last, thank God Almighty I am free at last.”