Umambo hwedenga whakafanana nezvakakosha zvakavigwa mumunda zvokuti munhu anosarudzakutengesa zvose zvaanazvo kuti atenge munda iwoyo.
Ngatimboonei munda uyu neziso raJesu. Vamwe vose tinongoona madhaka nemasora. Asi Jesu anoziva kuti pasi pemadhaka aya nemasora aya pane zvakakosha, panewe neni. Naizvozvo Jesu anosarudza kutengesa zvose zvaanazvo, anosarudza kusiya uMwari hwake. Zvinonzi, ‘nyangova zvake ari Mwari, anozvidurura ozviita muranda kuitira iwe neni.’ Neimwe nzira anotenga iwe chisikwa chakakosha neropa rake.
Naizvozvo zvatiri pano tichiperekedza hama yedu iyi, hatifanire kukanganwa kuti tiri zvisikwa zvakakosha zvinodiwa naMwari. Tinodiwa zvikuru naMwari zvokuti akarasikirwa nezvizhinji kusanganisira upenyu hwake nokuda kwedu.
Mumwe nomumwe wedu Mwana waMwari, ane zvipo zvaMweya Mutsvene, ane basa raakapihwa kuti aite pano panyika.
Vamwe vakanzi ndinoda kuti uriritire vana vangu vane nzara,
vamwe vakanzi ndinoda kuti upe chokunwa kune vanenyota,
vamwe vakanzi ndinoda kuti upote uchishanyira vasungwa,
vamwe vakanzi ndinoda kuti utare varwere, umiririre chokwadi, uchengetedze utsvene.
Basa ratakapihwa ndiro rinotikoshesa. Tinofanira kuvavarira kuzadzisa basa iri ratakapihwa. Upenyu kuzadzisa chinangwa chawakasikirwa naMwari.