1 Kuchema
Kamwe kasikana kakatumwa kuchitoro kakanzi namai vako udzoke kumba nekukurumbidza. Kakaenda kakachona mai vako vakashungurudzika.
‘Wanga uri kupi?’ vakapupa amai.
‘Ndine urombo mhamha. Ndinoziva ndanonoka asi shamwari yangu yapwanya chidhori chayo saka ndamira kuti ndimubatsire.’
‘Waizomubatsira sei?’ vakabvunzurudza amai.
‘Hapana zvandaigona kumubatsira nazvo asi ndagara naye ndikamubatsira kuchema.’
2 Zvozodii?
Mumwe pfupfana wechidiki aidzidza akauya kunaMusande Firipi Neri akamuudza kuti aida kudzidza Mutemo. Akati, ‘Ndiri kufara zvikuru ndavakuzova munhu akadzidza.’
‘Zvozodii?’ Firipi Neri akabvunza.
‘Ndozova gweta nokuva nemukurumbira.’
‘Zvozodii?’
‘Ndozova nemari yakawanda ndovaka zimba ziguru-guru.’
‘Zvozodii?’
‘Ndoroora nekurarama upenyu hwakanaka hurefu.’
‘Zvozodii Franzisi?’
Franzisi akafunga ndokuzoti, ‘Ndozofa savamwe vose.’
‘Zvozodii?’
Franzisi akavhiringika ndokuzoti, ‘Ndozomirira kutongwa kwangu.’ Haana kuzogona kupindura futi. Izvi zvakaita kuti ashandure urongwa hwake. Tose tinofa.
3 Gadzira ramangwana
Pane vamwe mai vekudhiyasipora vaida kuita mabasa etsitsi. Rimwe gore vakaona kutambura kwaiita hama yavo. Vakamushevedza vakamukumbira kuti avavakire imba. Vakati, ‘Ndinoda kuti uvake imba svinu inoyevedza. Ishandise zvinhu zvemhando yepamusoro chete, uye ushandise vanhu vanonyatsogona kuvaka. Usatya hako maererano nemutengo.’ Mai vaya vakabva vadzokera kuEngland ndokutanga kutumira mari yekuti basa riitwe.
Hama yakasara yakaona mukana. Akatenga zvinhu zvekushandisa zvakachipa ndokushandisa vanhu vasina ruzivo kuvaka nekupenda kuitira kuti adye imwe mari. VekuEngland pavakadzoka vakamuunzira makii emba vakati, ‘Chinangwa changu chaiva chokukuvakira imba. Tora makii aya imba ndeyako.’ Uya paakanzwa izvi akaita seachazviuraya nokuti akanga avaka kamba kasina maturo. Akati dai ndakaziva ndakavaka imba yakanaka yokuti ndigare ini nemhuri yangu.
Mwari vanotipa zvipo zvakawanda kuti tizvigadzirire ramangwana. Dzimba dzatichanogara kudenga dzinoenderana namashandiro atakaita. Manyumbu apedza pake, isu tiri kuvaka dzimba dzakaita sei?
4 Dama Rako
Dama Rakanaka raMateo, Mariko, Ruka naJowani anoverengwa navakati kuti.
Asi dama rinoverengwa navazhinji vachitaura nezvaro, idama rinonyorwa newe.
Unonyora dama zuva roga-roga, unonyora chitsauko zuva roga-roga
Kuburikidza nezvinhu zvaunoita uye namazwi aunotaura.
Vanhu vanoverenga zvaunonyora, zvingava zvokunyepa kana zvechokwadi.
Dama raunonyora rakaita sei? Vanhu vanoverenga rudo rwako nechokwadi chako here muupenyu hwako? Kana kuti vanhu vanoverenga utsinye?
Upenyu hwako hunotaura uipi here kana kuti chokwadi?
Dama raunonyora idama rakaita sei?
5 Mwari anogonesa
NdiMwari anokugonesai kunyemwerera zvisinei nemisodzi yenyu;
Anokugonesai kuenderera mberi pamunenge mava kuora mwoyo;
Anokugonesai kunamata pamunenge mopererwa namazwi;
Anokugonesai kuda nyange mwoyo yenyu yarwadziswa;
Anokugonesai kudekara chero moda kukanda maoko mudenga nokushungurudzika;
Anokugonesai kunzwisisa nyange zvinhu zvichishaya chirevo;
Anokugonesai kuteerera pamunenge muchinzwa zviri nani kusanzwa;
Zvose zvinoita nokuti Mwari anokugonesai. Vimbai naye.