Uyai Mweya Mutsvene, ndibatsirei kunamata. Nditungamirei panguva ino yokunamata. Dai ndaita sokugona kwangu zvose zvandiri kunzi ndiite naBaba vangu. Ivai neni uye ndisimbaradzei. Amen.
Areruya… Areruya… Areruya…
Maria amai vangu vadiwa, ndireverereiwo. Mutumwa muchengeti wangu, ndichengetedzeiwo.
Rwiyo:
Sandurai mwoyo wangu Tenzi,
mundipe mwoyo mutsva.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi
ufanane nomwoyo wenyu.
Ndimi muumbi, ini ndiri dhaka.
Ndinokumbira kuti mundiumbe
nokundiita zvamunoda.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi,
mundipe mwoyo mutsva.
Sandurai mwoyo wangu Tenzi
ufanane nomwoyo wenyu.
