Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Hupfumi hwaJesu

Posted by MC on May 11, 2023
Posted in: rufu. Leave a comment

Umambo hwedenga whakafanana nezvakakosha zvakavigwa mumunda zvokuti munhu anosarudzakutengesa zvose zvaanazvo kuti atenge munda iwoyo.
Ngatimboonei munda uyu neziso raJesu. Vamwe vose tinongoona madhaka nemasora. Asi Jesu anoziva kuti pasi pemadhaka aya nemasora aya pane zvakakosha, panewe neni. Naizvozvo Jesu anosarudza kutengesa zvose zvaanazvo, anosarudza kusiya uMwari hwake. Zvinonzi, ‘nyangova zvake ari Mwari, anozvidurura ozviita muranda kuitira iwe neni.’ Neimwe nzira anotenga iwe chisikwa chakakosha neropa rake.

Naizvozvo zvatiri pano tichiperekedza hama yedu iyi, hatifanire kukanganwa kuti tiri zvisikwa zvakakosha zvinodiwa naMwari. Tinodiwa zvikuru naMwari zvokuti akarasikirwa nezvizhinji kusanganisira upenyu hwake nokuda kwedu.

Mumwe nomumwe wedu Mwana waMwari, ane zvipo zvaMweya Mutsvene, ane basa raakapihwa kuti aite pano panyika.
 Vamwe vakanzi ndinoda kuti uriritire vana vangu vane nzara,
 vamwe vakanzi ndinoda kuti upe chokunwa kune vanenyota,
 vamwe vakanzi ndinoda kuti upote uchishanyira vasungwa,
 vamwe vakanzi ndinoda kuti utare varwere, umiririre chokwadi, uchengetedze utsvene.
Basa ratakapihwa ndiro rinotikoshesa. Tinofanira kuvavarira kuzadzisa basa iri ratakapihwa. Upenyu kuzadzisa chinangwa chawakasikirwa naMwari.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 27 reGore C

Posted by MC on October 1, 2022
Posted in: Gore C, Mharidzo, Mharidzo dzamasvondo. Leave a comment

Pane nyaya inotaurwa pamusoro pemurume akadonha kubva pamusoro pegomo asi ari pakari pekukunguruka akakwanisa kubata bazi remuti. Akarembera pabazi iri kudaro akaona kuti aive munjodzi yokudonha achisvikofa. Akabva awana zano chiripo ripo. Anotarisa kudenga oti, “Kune ariko here uko?” Izwi rinobva kudenga richiti, “Hongu, ndiripo. Ndini Tenzi wako. Unotendera mandiri here?” Murume uya anoti, “Hongu, Tenzi, ndinotendera. Chokwadi chokwadi ndinotendera, Ndapota ndibatsireiwo.” Tenzi anobva ati, “Zvakanaka! Kana uchitendera hauna chekutya. Regedzera bazi rawakabata.” Murume uya anombofunga kwechinguva obva ati, “Hakuna mumwe ariko here uko?”

Murume uyu aitendera kuti kuna Mwari. Aitendera kuti akanamata anodairwa. Aitendera kuti Mwari anogona kumubatsira nokumununura. Asi Izwi raMwari parinomuudza zvekuita haatenderi!

Vazhinji vedu takafanana nemurume uyu. Tinotendera muna Mwari. Asi kana tikasangana nematambudziko, zvinhu zvikatiomera tinosiya Mwari totsvaga rubatsiro kumwe. Tinotendera asi chitendero chedu chishoma.

Tanzwawo kuti chitendero chaVaPositori chaiva chishoma. Vaitendera Jesu uye vaimutevera asi pavakaona mauto achiuya vari mugadheni reGetsemani vakatiza vachisiya Jesu ari oga. Chitendero chavo chaiva chishoma.

Musiyano wavo nesu ndewekuti vakaziva kuti chitendero chavo chishoma vakakumbira rubatsiro: tiwedzereiwo chitendero. Zvinonzi:

Uyo asingazivi asingazivi asi asingazivi kuti haazivi idutye. Asi uyo asingazivi achiziva kuti haazive mungwaru. Vapositori vakaziva kuti havazive vakakumbira kuwedzerwa.

Isu zvii zvatakaita pamusoro pechitendero chedu chishoma? Mugore rapfuura takamboendawo here kuma retreats, makungano echechi, mapoka ekudzidza bhaibheri nezvimwe? Takamboverengawo here zvinechekuita nechitendero chedu?

Vadzidzi pavanokumbira kuwedzerwa chitendero, Jesu anovaudza rungano rwemushandi anodzoka kubva kumunda asina chinhu otanga nekubikira Tenzi chokudya omumirira kusvika apedza kudya. Muranda anozoona nezvezvido zvake agutsikana kuti Tenzi vaguta.

Jesu ari kuedza kuti tinofanira kutungamidza kuda kwaMwari nguva dzose kwete kuda kwedu. Kana tiine chitendero hatipedzi nguva tichinyunyuta nekuchemachema kuti tiri kusvero binduka asi chabuda hapana. Tinozvikangwanwa tichiziva kuti tinofanira kuzviisa mumaoko aMwari tichiita kuda kwake. Iye haatirasise.

Chitendero zvinoreva kuti chero ruponeso rwangu rukasauya izvozvi ndinomira naMwari nokuti anondida uye ane hanya neni. Murume watambotaura nezvake akakanganisa pakuti paakawirwa nedambudziko akafunga kuti Mwari haazvigone. Akada kuzviponesa nokutsvaga ruponeso kumwe. Haana kuvimba norudo raMwari. Mwari anotida zvisina mugumo. Ngatimirei naye nyange zviome sei. Panotoda chitendero chizere.

Svondo 6 rePasika

Posted by MC on May 21, 2022
Posted in: Gore C, Gore C, Mharidzo, Pasika. 1 Comment

CHIPO CHORUGARE

Rugare ndicho chipo chikurusa chinodiwa nemunhu wose anoshuvira budiriro. Rugare runodiwa nenyika dzose dzinoshuvira budiriro. Ndaramo pachayo inosakiswa norugare ndosaka Jesu ari kupa vadzidzi vake chipo chorugare.

Chinorwadza ndechekuti tikatarisa mativi mana ose eppasi rose tinoona kuti hakuna rugare. Munyika zhinji mune hondo. Muzere mhirizhonga nekuurayana. Mhuri zhinji hadzina rugare. Mutauro uri kutaurwa mudzimba zhinji mazuva ano mutauro wemhirizhonga nekupesana.

Nhasi Jesu ari kuti ndinokupai chipo chikuru chorugare. Ndinokupai rugare kwete runowanikwa mumatare edzimhoswa asi runouya kuburikidza naMweya Mutsvene. Imi chenyu munofanira kupa Mweya mukana wokukusvitsai chipo ichi chorugare murupenyu rwenyu. Munodaro kuburikida nokuda Mwari nemirairo yake.

Rugare hazvirevi kuti hapana kupesana pakati pedu. Kupesana kunowanikwa muvanhu. Rugare zvinoreva kugadzirisana. Rugare zvinoreva kukunda kwerudo kana kuti kukurirwa kwemweya woruvengo nokutsivana. Rugare rwunounzwa nekutaurirana nekugamuchirana tichinzwanana.

Muchiverengo chokutanga taona paine kusanzwanana pakati pavadzidzi vaJesu zvekuti sangano raigona kuparara. Vamwe pakati pavo vaidzidzisa kuti vatendeuki vechirudzi vanofanira kutevera mitemo yechiJudha yakaita sekuchecheudzwa. Izvi zvakaita kuti pave nekukakavadzana kukuru. Asi nouchenjeri hwavo vakuru vesangano vakadaidzira dare vakataurirana murudo, vakawirirana donzo rokutora.

Rugare runounzwa nerudo, kutaurirana nekuteererana. Vatenderi vokutanga vakava norugare nokuti vaidanana. Kudanana kwavo kwakaita kuti vataurirane nokunzwana. Tikava vanhu vanotaurirana panova norugare pakati pedu.

Mhuri zhinji dzizere nokupesana nekuti hapana rudo pakati padzo. Hukama hwavo hauna kumira mushe nokuti havadi kutaurirana murudo. Pada munyika yedu chaimo mamwe matambudziko atiri kusangana nawo anokonzerwa nokuti hatidi kutaurirana muzvakanaka. Nhasi Kristo ari kutikoka kuti tive vasakisi vorugare. Rugare urwu runotangira pakuva noukama hwakadzama naMwari. Kana tava nogurare urwu tinobva tapinda muguta idzva rinoera reJerusarema rataurwa muchiverengo chechipiri.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 3 reMwaka wokuuya (Advent) Year C

Posted by MC on December 10, 2021
Posted in: Mwaka woKuuya C. Leave a comment

Todii?

MuDama Rakanaka ranhasi, vanhu vari kuunganira Jowani vachimubvunza mubvunzo wokuti “Todii?”

  • Havasi kuti vamwe vanhu vangadii kuti vagadzirire humbambo hwedenga
  • Havasi kuti hurumende ingashanduke sei ichigadzirira humambo hwedenga
  • Havasi kuti tingashandure manamatiro emutembere sei kuitira kugadzirira humambo hwedenda.

Mubvunzo wavo uri pachena uye uri nyore: isu pachedu tingaite sei kugadzirira humambo hwedenga?

Mumhinduro yake,

  • Jowani anovati tambanudzai maoko enyu muchipa vamwe zvikuru varombo pakati penyu.
  • Anoti kuvateresi mirai pachokwadi murege zvekushandisa zvigaro zveku kuzviunganidzira hupfumi nenzira dzehuori.
  • Anoti kuma soja mirai zvekushungurudza vanhu nekuvatyisidzira.
  • Anoti kugurumwandira ravanhu ivai norudo.

Jowani anotaura nesuwo zvekare pazuva ranhasi. Anotiudza kuti tive nemafungiro matsva, mafungiro azere nokuzvipira uye norudo. Rudo ruchaonekwa muhupenyu hwedu nevamwe ndiwo mucherechedzo wokuti humambo hwedenga hwava padyo. Pauro Musande anoti kuvaFiripi “Itai kuti rupfave rwenyu rwuzivikanwe navose nokuti Tenzi wava padyo.” Zvii zvatiri kunzi tiite?

1.1     Mabatiro atinoita vamwe

Chekutanga tinofanira kuongorora mabatiro atinoita vamwe tovavarira kuva nomwoyo munyoro, kufunga vamwe uye kuratidza vamwe rudo.

1.2     Kukumbira ruregerero

Chechipiri tinofanira kukumbira rubatsiro rwaMwari kuti tikwanise kukumbira ruregerero kuna vose vatakarwadzisa kana kutadzira. Kirike rinotipa sakaramende reruregerero ratinokwanisa kushandisa munguva ino yokuuya kwaTenzi. Sakaramende iri mukana wokuti “Ndinogamuchira mhosva yangu uye ndinokumbira kuregererwa naMwari pamwe navandakatadzira.”

1.3     Kuregerera

Tinofanirawo kuregerera vamwe vakatitadzira. Nguva yeKuzvarwa kwaTenzi (Kisimusi) inogona kuva nguva izere nohunyengedzi, nguva yatinopemberera kuuya kwanyakuregerera asi isu tisina rugare mumwoyo yedu. Tinogona kuva vanhu vanodzorera chituko nechituko, chigumbu nechigumbu, utsinye neutsinye.

1.4     Kushanduka

John aidaidzira kuti vanhu vashanduke zvizere muhupenyu hwavo. Dzimwe nhambo tinobvumidza mafaro ekisimusi nezvese zvinenge zvichiitika kuti zvitidzimaidze tisanzwe shoko raJowani rokuti shandukai. Kisimusi inguva yokushanduka nokuchinja hunhu hwedu. Inguva yokukanganwira, kubvisa zvigumbu nokubatsira vamwe.

Kunamata

Tinofanirawo kukura muhupenyu hworunamato. Tinofanira kuzvipa nguva yokutaura naMwari, angava maminitsi gumi namashanu zvawo. Vamwe vedu tingati, “Baba hamumboziva kuomerwa kwandakaitwa. Ndine zvakawandisa zvekuita nguva yacho iri kutondinetsa.” Asi kana chinhu chakakukoshera unochipa nguva. Hazvinei nekuti wakawandirwa zvakadii. Tinofanira kupa Mwari nguva nyange zvakaoma sei

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Sadza nemajarini

Posted by MC on December 10, 2021
Posted in: Nyambo. 1 Comment

“Saka muchadyei manje.? ” Ndini hangu ndichibvunza vaenzi vangavaramba kudya sadza nemajarini.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Room imwechete

Posted by MC on December 10, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Chakanakira kugara muroom imwechete unorara uchiona zvinhu zvako zvese.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 22 reGore B

Posted by MC on September 26, 2021
Posted in: Gore B, Mharidzo dzamasvondo. 1 Comment

Vadzidzi vakagumbuka nokuti pane munhu asiri mumwe wavo ari kudzinga mweya yakaipa muzita raJesu. Vaizviona savanhu vane chinhanho chisina vamwe chokuva pedyo naJesu. Pazuva iri vaive vapihwa simba rokudzinga mweya yakaipa saka vaisatarisira kuti mumwe munhuwo zvake aite pasa rakakosha iri.

Saka pavanoona Mutorwa achidzinga mweya yakaipa vanozadzwa nehasha. Vanotoedza kumisa murume uyu asi Jesu anovati “Musamumise: hapana angagone kuva mhandu yangu achishanda muzita rangu. Wose asingatipikisi ndewedu.”

Nhasi uno musangano muzere mapoka evanhu vanoona sokuti vane chisina vamwe. Vanoona sokuti ivo voga ndivo vanoziva chokwadi kana kuti ndivo vachaponeswa. Vanhu vakadai vanopedzera simba ravo mukuedza kuratidza kuti vamwe vose havazivi. Asika tikadaro zvinoreva kuti tichadzivisa vanhu vakawanda kuita basa raMwari.

Munyika nomuhurumende muzere vanhu vanorarama upenyu hwechokwadi vachivavarira kuita Mabasa akanaka. Tinana chiremba, magweta, maticha, vanamuzvinabhizimusi nevamwe vanovavarira kuita zvakanaka. Chakakosha ndechekuti vanhu vose ava vari kuita basa raMwari nyange vasiri musangano redu. Isuwo tinotongwa namabasa edu kwete nezita rokuti muKristu.

Dama Rakanaka ranhasi riri kupa yambiro kuna vaya vanodzivisa vamwe kuita basa raMwari. Hanzi urwu rutadzo rukurusa. Imhingidzo inogubura vamwe munzira yechitendero.

  • Ndiri chigumbuso here kuna vanotsvaga Jesu?
  • Kana vanhu vachindiona nemararamiro andinoita nematauriro andinoita vangada here kuva vaKristu?
  • Unopa chimiro chakaita sei chechiKristu kuvanhu?
  • Tinopa chimiro chakaita sei savabereki, vadzidzisi, vashandirwi, vatungamiri?

Saka nhasi tiri kutaura zvinhu zviviri zvakakosha. Tinofanira kudzidza chokwadi chekuti Mwari anogona kuita basa rake kuburikidza navanhu vakasiyana-siyana. Chidzidzo Chechipiri chiri kuti “Pose pane rudo panaMwari.” Izvi zvinoreva kuti isu handisu varidzi vaMwari nokuti Mwari anowanikwa pose pane rudo.

Chichipiri, SomuKristu, kuburikidza norupapatiso, ndakadaidzwa kuti ndive Kristu kuvanhu. Kunze kwokuti ndive munhu ane godo, ndinofanira kuparadzira rudo. Mozisi anoti “Dai vanhu vose vaMwari vava vaporofita, Mwari avapa mweya wake.” Mozisi haana godo nevanhu asi kuti anoda kuti vose vaite basa raMwari.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Mbama

Posted by MC on July 9, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Handikanganwe mbama yandakambopihwa nasekuru vandiona ndichitsvaga bhutsu yangu muwareti yavo.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kunyangara hako

Posted by MC on July 9, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Uri kuvavarira kusekesa amwene vako wonzwa voti “Kunyangara zvako muroora asi unonakidza?”

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kurohwa nembanje

Posted by MC on July 9, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Kurohwa nembanje kusvika pakubvunza musikana wako kuti “Sslaka iwe namai vako makazivana sei?”

Vusa Skylar 🤝

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • Rusariro rwaMaria
    • Minamato yaVarwere
    • Munamato wamanheru
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • Kuzvipira kunaMweya Mutsvene
    • Masakaramende Manomwe
    • ZIVA MUTAURO WAKO
    • Munamato wamangwanani
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 
Loading Comments...
 
    %d