Mudzimai: Murume wangu anotaura manheru akarara. Ndoita sei kuti zvipere?
Mufundisi: Mupeiwo nguva yekutaura maskati.
Mudzimai: Murume wangu anotaura manheru akarara. Ndoita sei kuti zvipere?
Mufundisi: Mupeiwo nguva yekutaura maskati.
Chinyorwa chino chine dzimwe nzira dzokurarama mwaka weRendi.
Rendi iguva yekupfidza. Kazhinji tinofunga zvekukumbira Mwari kuti atiregerere zvivi zvedu, asi izvi hazvina kukwana. Zvivi zvizhinji zvinosanganisira kurwadzisa vamwe vakatikomberedza. Jesu akanga asingadi kuti vamwe varwadziswe. Aisidzidzisa kuti kana uri pakati pokunamata ‘ukayeuka kuti munin’ina/muoma wako kana hanzvadzi yako ane chinongo newe … Tanga wayanana naye wozodzoka kuzopa chipo chako’ (Mateo 5: 23-24). Rendi inguva yakanaka yekutsvaka kukanganwirwa neavo vatakarwadzisa.
Ratidza rudo rwako kuna Jesu kuburikidza nekuda vamwe. Unogona kuita izvi nokubhadharira munhu ari shure kwako mumutsara wepatiri muchitoro (akavarairwa) kana kushamisa murombo anenge ari pedo newe murestorendi nokumutengera chokudya. Unokwanisawo kupa mari iri nani kune munhu anenge akushandira panzvimbo inodyirwa. Torawo mukana wokubvunza waunenge uchipfuudzana naye kuti ari sei womira nokuteerera mhinduro yake. Muchidimbu, govera rudo rwauinarwo kuna Jesu nenzira dzaunokwanisa munguva ino yeRendi.
Vandudza chitendero chako nekuziva Bhaibheri zvakanaka. Riverenge kakawanda uchitora ndima pfupi panguva yoga-yoga. Tsvaga zvinyorwa pamusoro paro pamwe nokufungisisa pamusoro paro uchibatsirwa nemahuku anoritsanangudza. Nyengetera kuburikidza naro. Gugura mharidzo pamusoro paro. Tsvaga nziyo dzinechekuita nebhaibhiri. Mumavhiki matanhatu eRendi une mukana wokunzwisisa bhuku iri roupenyu.
Tsvaga sangano rinobatsira kana kuriritira vanoshaya raungada kushanda naro. Zvizvipire kushanda nesangano iri munguva yose yeRendi pasina mubhadharo. Rangarira kuti Jesu paakashambidza tsoka dzevadzidzi vake paChirairo chekupedzisira akavadzidzisa kuti takadanwa kusashumirwa, asi kushumira (Johani 13: 1-17). Naizvozvo ipa nguva yako kuitira vasina dzimba, vasina chokudya nevamwe vane matambudziko akasiyana-siyana.
Jesu akadzidzisawo vadzidzi vake kuti vabate vamwe semabatiro atinomuita iye. Izvi zvaisanganisira kushanyira vanorwara uye vari mumatirongo (Mateo 25: 31-36). Taura nevedzimba dzinochengeterwa vakwegura ukumbire kuita chimwe chinhu chakaita sokubatsira kuvageza kana kuti kurukura nevedzimba dzinochengeterwa nherera uwane mabatsiriro aungaite. Zvipire kushumira vari mumajeri kana vari nzvimbo ipi zvayo ine vanoda rubatsiro. Unogona kuunza nyemwerera nenzira dzakaita souk tamba navo, kuvataurira nhau nenyambo, kuvaratidza mifananidzo yohudiki hwako kana imwe, nekuteerera mimanzi pamwe navo. Jesu anoti, ‘kana wavaitira, ndini wakare wawaitira.’
Vamwe vedu vanonetseka kutaura mazwi matatu madiki asi akakosha. Sei? Pada tinofungidzira kuti vamwe vanotoziva kare zvatinonzwa. Pamwe tinofunga kuti tinoratidza rudo rwedu nezviito saka hapana chikonzero chokududza mazwi aya. Zvichida tinofunga kuti hatizodzorerwa rudo urwu rwatinenge tapa. Rwisa kutya kwako uku uti ‘Ndinokuda’, ‘Ndine urombo’, ‘Ndatenda’ kushamwari, mhuri pamwe nokuna vose vaunoda. Unogona kuita izvi kunyange kamwechete zvako munguva ino yeRendi.
Jesu kazhinji aishandisa mufananidzo wemabiko kutsanangura Umambo hwaMwari. Akataura nezvemabiko emuchato nemamwewo uye aiwanzobatana nevamwe pamabiko makuru. Ita mabiko akowo ehumambo kuburikida nekubikira vavakidzani, hama kana vamwe vaunoenda navo kuchechi. Pemberera navamwe nechinangwa chokuvafadza kunyange uchizoita mazuva okutsanya.
Kereke yako inokuda. Batana nevaimbi vepachechi. Batana nevanogamuchira vevaeni nevabatsiri vevanhu pachechi. Zvipire kuverenga muchechi. Shanda nevanoona nezvemakombiuta nemapurojekita. Kana paine mai vakatakura ruswava vabvunze kana paine chavanoda kubatsirwa. Muchidimbu tsvaga nzira dzokushandira sangano rako. Usamirira mumwe munhu kukukumbira kushandisa zvipo zvako zvawakapiwa naMwari. Zvipire pachako kushandira kirike rako mwaka uno.
Ita katsika kokutenda vabereki, nhengo dzemhuri, vaumbiridzi, vadzidzisi, vanyori, vafudzi, vadzidzisi vechitendero, nevamwe vakakuumba. Vhiki yoga-yoga munguva yeRendi, tumira tsamba yekuonga kune mumwe wavo. Vaudze kukosha kwavaikuitira uye kuti vakakukurudzira sei. Funga nezvekuvapa kachipo kadiki. Kunyange usingavazive nezita ingonyora tsamba yemagetsi uchivatenda.
Jesu akataura achiti: ‘Kana iw usina kutendeuka uchaparara.’ Rega chimwe chinhu chaunoda kuratidza rudo rwako naMwari uye nekuponeswa kwemweya yavazhinji. Nokuti ‘Kwete’ kuzvido zvako unenge uchiti ‘hongu’ kuna Mwari kuti apinde mumwoyo mako. Kumbira Mweya Mutsvene kuti akuvhenekere uone chaunofanira kurega mumwaka uno weRendi.
Vazhinji vedu hatigadzikane nerunyararo. Tinotiza zviri kuitika mupfungwa dzedu nekuzaddza upenyu hwedu nemidziyo yetekinoroji. Murendi ino edza kuzvipa nguva yaunofamba wakadzima rediyo yemumota, yaunombomira kuteerera mimhanzi yepafoni, yaunomborega kupinda padandemutande uye yaunomborega kuona chivhitivhiti. Tora nguva yorunyararo yaunonamata.
Unogona kutsanyira mudiwa wako, vana vako kana hama yakafa. Izvi zvinokupa mukana wokunamatira vadikanwi vako uye zvinoita kuti uunze shanduko yakanaka kune vakakukomberedza.
Zvinyime godo, nungo, hasha, rudado nezvimwe. Tsvaga munhu mumwechete mumhuri kana pavanhu vakakutenderedza akaoma mwoyo womuitira mwoyochena nomwoyo munyoro. Edza kuteerera vamwe munhaurwa dzako. Tsanya makuhwa woedza kurumbidza vamwe zvakanyanya. Zvipire kuita mabasa akanaka usingagunun’une.
Kunze kwekungoenda kumisa musi weSvondo chete edza kuenda kunyange pakati pevhiki. Usarega kuenda kumisa pamazuva akakosha akaita seChitatu cheMadota, China Chitsvene neChishanu Chakanaka..
Reururo mukana wokupfidza matadzo, kutanga patsva pamwe nokuyanana naMwari navanhu. Usaramba uchifamba wakaremerwa. Tura mutoro uri kukuremera. Mumaparishi mazhinji vane nguva dzokuita rupinduka. Kana kwenyu vasina kumbira kusangana nomupriste kuti upiwe sakaramende roruwadzano naMwari.
Kuna mhando pfumbamwe dzavanhu. Mumwe nemumwe anemaitiro ake ezvinhu. Chombo chandichakupa mukabhuku kano ndechekukubatsira kuzvinzwisisa iwe pachoko zviri nani uye kunzwisisa vamwe vakakukomberedza. Muchirungu nhaurwa ino inonzi ‘The Enneagram.’
Kurasikirwa: ‘Ndakanga ndisina kururama’.
Sarudzo: Kana wakarurama unorarama pamwe nokudiwa.
Kuzvinyengedza: Ndinozira nzira kwayo; unogona kana ukaita zvinhu kwazvo.
Zvinotyisa: Kuva munhu akaipa, asina kururama.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Vavariro yechiremera inowanzoguma yavachirwere chenhongwa.
Svinudzo: Runzwisiso rwezvinosungirwa kuitwa nezvisina basa.
Mazvionero: ‘Ndakarurama’, ‘Ndiri munhu kwaye.’
Vavariro: Kururama nekururamisa.
Chipo: Kuona ururami nekuita kuti huvepo.
Kuzvisimbisa: ‘Ndakarurama ndiri zvandiri.’
Chenjedzo: Pfungwa dzangu handidzo uye dzinodzosera shure.
Kushandura vamwe: Kugadzirisa vamwe, kusimbirira kuti vamwe vagamuchire maitiro ako.
Basa raunofanira kuita muupenyu: Tamba nekunakidzwa neupenyu.
Mienzaniso yemubhaibheri: Johani Muombeki naPauro.
Mubatsiri anonangana nezvido zvavamwe. Anodisa kudiwa nokugamuchirwa, nekuitira vamwe iye asingade kubuda pachena kuti anezvido zvakewo.
Kurasikirwa: ‘Ndaive nezvido zvakawandisa.’
Dambudziko remanzwiro: kuzvikudza.
Sarudzo: Kubatsira kunokukundisa nokuita kuti udiwe.
Kuzvinyengedza: ‘Handina zvido zvangu pachangu. Ndingorine hanya nezvido zvako iwe.’ ‘Wakanaka kana uchidiwa nevamwe uye uri padyo navo.’
Zvinotyisa: kusadiwa nekusagamuchirwa.
Zvinoshivirirwa nemamonyororwo azvo: vavariro yokudiwa inoguma yave chido chekudiwa.
Mazvionero: ‘Ndinobatsira’, ‘Ndine hanya.’
Vavariro: Kubatsira. Kugaropa vamwe.
Kuzvisimbisa: ‘Ndakagadzirira kugamuchira pamwe nokupa rudo.’
Chenjedzo: Uri kudzinga vadikanwi vako neshamwari dzako.
Kushandura vamwe: Kutsvaga zvido zvevamwe nekuvaita kuti vatembe newe.
Basa raunofanira kuita muupenyu: Rusununguko kubva kuunyengedzi nekudiwa zvenhema.
Mienzaniso yebhaibheri: Rute naBhowazi.
Mukurudziri ndiye mubuririri anovavarira kubudirira muupenyu hwake. Mukurudziri anoshivirira kuita zvine pundutso nebudiriro uye zvisina kukundikana mukati.
Kurasikirwa: ‘Ndaisava chinhu – ndaive dofo.’
Dambudziko remanzwiro: kusuwa.
Sarudzo: Kubudirira nekukunda kunokugonesa kurarama nokudiwa.
Kuzvinyengedza: ‘Handikundikane. Ndinogaroita kuti basa riitwe.’ Unogona kana uchibudirira uye vamwe vachifunga zvakanaka nezvako.
Zvinotyisa: Kusava nechaunokoshesa kunze kwekubudirira.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Kusava nezvinokukoshera kunze kwebudiriro.
Mazvionero: ‘Ndakabudirira.’ ‘Ndinoyemurika.’
Vavariro: Kubudirira. Kuita zvinepundutso nguva dzose.
Zvinogwinyirwa: Zvisina maturo.
Chipo: Kubereka michero, kuita zvinobatika nekukurumbidza.
Kuzvisimbisa: ‘Manzwiro angu akakosha sekukosha kwakaita kubudirira kwangu.’
Chenjedzo: Uri kukundikana, zvauri kuzviudza inhema.
Kushandura vamwe: Kutsetera vamwe nekuita zvinovatora mwoyo.
Basa raunofanira kuita muupenyu: Shanduko inouya nekukura.
Mienzaniso yemubhaibheri: Jakobho, Sauro, Dhavhiti.
Karikoga anoda kunzi ndiye ega. Anovavarira kuzwisisa manzwiro ake, kunzwisiswa, nekutsvagurudza zvinonyatsoreva upenyu uye haadi kunzi munhu nhando.
Kurasikirwa: ‘Ndaiva munhuwo zvake.’
Dambudziko remanzwiro: kusuwa.
Sarudzo: KUsafanana nevamwe nekuva ari oga kunoita kuti ndirarame uye ndidiwe.
Kuzvinyengedza: ‘Handisi munhu nhando. Ndiri mumwe ari oga.’ Unogona kana ukava zvauri.
Mazvionero: ‘Ndakasiyana nevamwe. Handina kufanana newe.’ Handitani kubaatikana.
Vavariro: Kusiyana nevamwe uye kuva nemaitiro ak wega. Kukosha.
Svinudzo: Kudzamisa ndangariro kuti unyatsonzwa zviri kuitika mauri.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Chido chokuva zvauri chinoguma chave kunyanyozvifunga/kuzvida.
Zvinonzvengwa: Kuva munhu wenhando, kuva munhuwo zvake.
Zvinogwinyirwa: Kurasika mupfungwa dzako.
Chipo: Kuburitsa kusiyana kwako, kukosha kwako nekwevamwe.
Chenjedzo: Uri kuparadza upenyu hwako nokutambisa mikana.
Kushandura vamwe: Kukurumbidza kubatikana nekunyararisa.
Basa raunofanira kuita muupenyu: Kurarama zvine utano kuburikidza nokuona chokwadi chezviri kunze uko.
Mienzaniso yemubhaibheri: Jobho, Maria Magadharina.
Mufungi anoedza kunzwisisa upenyu. Anovavarira kunzwisisa nokuziva pasi rino rose, kuzviraramira, kusiiwa akadaro, uye kusava nemhinduro zvokuti anozonzi ifuza.
Kurasikirwa: Kuziva kunokugonesa kurarama nokudiwa.
Kuzvinyengedza: ‘Ndinoziva nezvazvo.’ Unogona kana ukabata zvinhu.
Zvinotyisa: Kusaziva zvekuita, kusabatsira, kusagona.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Chido chokuzivisisa chinoguma chave kudzamisa ruzivo mune zvinhu zvenhando.
Mazvionero: Ndinoona chokwadi. Ndinodzamisa pfungwa.
Vavariro: Kuverenga, kudzidza.
Zvinonzvengwa: Kushama mukati.
Chipo: Kudzidzisa, kutsanangura, kubatanidza pfunga dzakasiyana-siyana.
Kuzvisimbisa: ‘Handifaniri kuziva zvose.’
Chenjedzo: Hauzombofa wakawana zvimbo yako munyika.
Kushandura vamwe: Kugara wakabatikana nebasa/zveruzivo, kusava nemanzwiso navamwe.
Basa raunofanira kuita muupenyu: Dzidza kuzvipira.
Mienzaniso yemuBhaibhiri: Josefa, Nikodhimasi.
Mutendeki anozvipira kuvimbika naye. Anovavarira kugamuchirwa nokunzi wagona, kuriritirwa, nokusada kuonekwa semupanduki.
Sarudzo: Kuteerera nokutendeka kunokugonesa kurarama nokudiwa.
Kuzvinyengedza: ‘Unovimba neni nguva dzose.’ Unogona kana uchiita zvinotarisirwa kwauri.
Mazvionero: Ndakatendeka uye ndakavimbika.
Svinudzo: Kutsvaga rutsigiro kunze.
Vavariro: Kutsvaga kuchengetedzwa kuburikidza nokuteerera mitemo, kuda kugamuchirwa.
Zvinotyisa: Kutadza kurarama uri woga.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Chido chokuchengetedzwa chinoguma chave kutevera kunotungamirirwa nokutya.
Zvinonzvengwa:Kusava nechokwadi chizere.
Zvinogwinyirwa: Ugwara, dzungu.
Chipo: Kuzvipira, kuvavarira kusvika kumugumo, kuvimbika.
Chenjedzo: Zviito zvako zvakanganisa kuchengetedzwa kwako.
Kushandura vamwe: Kunyunyuta, kunzvenga-nzvenga, kuedza kuona kuti vamwe vakazvipira kwauri here.
Basa raunofanira kuita muupenyu: kuzviriritira.
Mienzaniso yemubhaibheri: Timoti, Pita.
Mufariri anogara achitsvaga mafaro. Mufariri anovavarira kufara, kunakidzwa, uye kunzvenga marwadzo namatambudziko.
Kurasikirwa: ‘Ndakanyanyosuwa.’
Sarudzo: Kufara nekunakidza kunokugonesa kurarama nokudiwa.
Kuzvinyengeddza: ‘Ndinogara ndichifara. Upenyu hhwangu huri mberi.’ Unogona kana ukawana zvaunoda.
Mazvionero: Ndiri munhu wemafaro. Ndinofara.
Svinudzo: Mafuro akasvibira kumwe!
Vavariro: Kuda kuwana mafaro kunyange akavandika, kuda kugutsikana (kuda zvinhu).
Zvinotyisa: Kushaiswa nekupinda mumambure emarwadzo.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Vavariro yekufara inoguma yave kuita kuti munhu asatarisane nezvakakosha zveupenyu.
Zvinonzvengwa: Marwadzo oupenyu.
Chipo: Rufaro, kusekesa, chido.
Kuzvisimbisa: ‘Ndine zvakandikwanira. Pane zvakakwana. Handidi zvimwe.’
Chenjedzo: Zviitiko zvangu zviri kundikonzera marwadzo nokunditorera mufaro.
Kushandura vamwe: Kuvhiringa nokutandadza vamwe, kuita kuti vamwe vawane zvido zvavo.
Basa raunofanira kuita muupenyu: Kusangana nekutya kwako namarwadzo ako.
Mienzaniso yemubhaibheri: Soromoni, Mudzimai wepatsime.
Murwisi anoda kuratidza kuti ane simba uye zvose zviri pasi pake. Anovavarira kuratidza simba rake, kushandura pasi, nokusaratidza kuti ane utera.
Sarudzo: Kuva nesimba nokuisa zvose pasi pako kunokugonesa kurarama nokudiwa.
Kuzvinyepera: ‘Ndine simba nguva dzose uye ndiri pamusoro pezvinhu zvose.’ Unogona kana uine simba uye uchikwanisa kuisa zvinhu zvose pasi pako.
Mazvionero: Hapana zvandinoitwa. Ndine simba.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Vavariro yekuzvichengetedza inoguma yave hondo dzisingaperi, nevamwe.
Vavariro: Kuva nesimba nguva dzose uye kuti zvinhu zvive pasi pako.
Svinudzo: Kurwa kuti zvinhu zviitike semadiro ako.
Zvinonzvengwa: Utera.
Rutadzo: Ruchiva – tora zvaunoda.
Chipo: Simba, kuchengetedzwa, utungamiri.
Kuzvisimbisa: ‘Ukama hwakanaka nevamwe hunokunda hondo dzose.’
Chenjedzo: Vamwe vave kukupandukira nokudzorera.
Kushandura vamwe: Kuvimbisa zvikurusa, kunyepera vamwe, kuzviwisira mune vamwe.
Basa rinofanira kuitwa muupenyu: Kudzidza mwoyo munyoro.
Kurasikirwa: ‘Ndakakonzeresa kurwa kwakawanda.’
Sarudzo: Iva munhu worugare nguva dzose kuti urarame uye ugodiwa.
Kuzvinyengedza: ‘Ndirinyore nguva dzose uye ndinogutsikana.’ Unogona kana vakakukomberedza zvakavanakira pasina dambudziko.’
Mazvionero: Kugadzikana nguva dzose, kuva norunyararo.
Zvinotyisa: Kurasikirwa nekupatsanurwa.
Zvinoshivirirwa nemamonyorerwo azvo: Chido chokuva norugare chnogona kuva sindimaro.
Svinudzo: Kuwirirana zvose navamwe nyange zvisina kukunakira.
Chipo: Kuona mativi ose nekupa mhinduro inofadza vose uye inounza runyararo.
Kuzvisimbisa: ‘Ndinogamuchira zvose zvinoitika muupenyu.’
Chenjedzo: Chokwadi choupenyu chinozokubatsira kusangana namatambudziko oupenyu.
Kushandura vamwe: Nekupikisana nevamwe kabisira, muchinyararire.
Basa rinofanira kuitwa muupenyu: Kukurira unyengedzi hwekabisira, kusadziya kana kutonhora.
Mienzaniso yemubhaibheri: Jona naAbhurahama.
● Mwana wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi dangwe.
● Mwana wekupedzisira kuzvarwa mumhuri anonzi gotwe.
● Mwanakomana waMambo wekutanga kuzvarwa mumhuri anonzi nevanji.
● Mwanasikana waMambo (Murozvi) anonzi vaMoyo).
●Munda mutsva unonzi gombo.
● Tinorima nzungu nenyimo mutseu.
● Tinorima muriwo mubindu.
● Munda waimborimwa kare unonzi gura.
●Tinorima mupunga mudoro.
● Murume abve zera anonoka kuroora anonzi tsvimborume.
● Mhanje mukadzi asingabereki.
● Ngomwa murume asingabereki.
● Pfunda murume akafirwa nemukadzi.
● Mukadzi akafirwa nemurume anonzi chirikadzi.
●Nherera mwana akafirwa nevabereki.
● Musiyiwa munhu akafirwa.
● Tsiru imombe hadzi isati yabereka.
● Mombe hono inosungwa inonzi dhonza.
● Mhou imombe hadzi inobereka.
● Ramba imombe hadzi isingabereki.
● Mufushwa muriwo wakaomeswa.
● Nyama yakaomeswa inonzi chimukuyu.
● Shupa izai risingatsotsonywi.
● Gavamwedzi mwana anozvarwa nguva isati yasvika.
● Nyemba isingaibvi inonzi nhinhi.
● Manda mafuta enyama.
● Horomba igudo guru rinofamba roga.
● Chitunha muviri wemunhu akafa.
● Munhu asinganzwi anonzi matsi.
● Pakabva zino panosara vende kana kuti nyada.
● Bofu munhu asingaoni.
● Chimumumu munhu asingatauri.
● Mwana anozvarwa akafa anonzi gambe.
● Makudo anorara pachiro.
● Nzuma imombe isina nyanga.
● Tsote imhuka hadzi isingabereki.
● Mombe hono isina kuchekwa inonzi handa.
● Dore imombe yakwegura.
●Munin’ina kana mukoma wemurume wako anonzi muramu.
● Mukadzi washe anoroorwa mushure mewokutanga anonzi vagota.
● Mukadzi washe wokutanga anonzi mukaranga.
● Vahosi mukadzi mukuru paguru.
● Murongo mukadzi mutsva.
●Nyachide mukadzi anodiwa zvikuru pabarika.
● Mukurungai mubereki wemuroora wako, kana kuti vabereki wemukwasha wako.
● Gota imba inorara vakomana.
● Nhanga imba inorara vasikana.
●Murume akwegura anonzi harahwa.
● Mukadzi akwegura anonzi chembere.
●Musikana adarika zera rokuroorwa anonzi tsikombi.
● Musikana asingaroorwi anonzi mbonga.
● Mwana anotanga kumera mazino ekumusoro anonzi durika.
● Munhu akafa karekare anonzi mukare.
● Wedzinza rako akafa karekare anonzi tateguru.
● Munhu akura asi asingaratidzi kuchembera anonzi goremucheche.
●Nzvimbo inobikirwa hwahwa inonzi bikiro.
● Bombwe mukadzi anomiririra panoroorana vaviri.
● Fende munhu anehutsvina.
● Bondwe mukadzi wechipiri pabarika ari munin’ina wemukadzi wekutanga.
● Muripo unopiwa ishe kana achitonga nyaya unonzi chirigo.
● Bakuro chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukuwasha.
● Chigadzamapfihwa mukadzi wenhaka.
● Chimutsamapfiwa mukadzi asi ari hama yemukadzi akashaika anouya kuzoroorwa nemurume akafirwa.
● Chimwayange munhu anotaurisa uye achinyepa.
● Humburukwa murume akafirwa nemukadzi.
● Gwevedzi munhu anotumwa nemumwe kundomupfimbira musikana.
● Mbeveve munhu asingatauri.
● Kana musikana nemukomana vadanana, vanopana nhumbi dzinonzi nduma sechiratidzo cherudo rwavo.
● Nyachide mukadzi anonyanyodiwa nemurume kupinda vamwe vese pabarika kana kuti pachipari.
● Mukadzi mudiki paguru anonzi mukadzinyina.
● Gupuro imari kana chinhu chinobviswa nemurumce kuratidza kuti haachadi mukadzi wake.
● Chekaukama imombe, kazhinji chena isina vara, inobviswa nemurume anenge achida kuroora musikana waane ukama naye.
● Danga imombe dzinobviswa nemukuwasha seroora.
● Mukadzi akambozvara, asi zvikuru asiri pamurume anonzi mvana.
● Munhu anotumwa kufambisa mashoko pakati pemhuri dziri kuroorerana anonzi sadombo.
● Barika kana kuti guru musha une vakadzi vaviri kana vazhinji pamurume mumwe chete, panguva imwe chete.
● Munhukadzi achangobva mukuzvara anonzi muzvere.
● Munhu anotya zvikuru anonzi gwara.
● Mhizha inyanzvi yekugadzira zvinhu zvesimbi.
● Charavanda mukaka mumbishi kana wakakora unomwiwa kana kudyiwa vanhu vapedza kusvusvura.
● Chifemba idoro rinotanga kupiwa vanhu, kazhinji panhimbe.
● Doro rinopiwa vanhu vari pakati pokurima pahumwe rinonzi chiwanano.
● Kudya kwamanheru vanhu vasati vavata kunonzi chirairo.
● Kudya kwavanhu kwamangwanani kunonzi chisvusvuro.
● Hurudza murimi anemukurumbira.
● Nyamukuta munhu anoita basa rekubatsira vakadzi pakuzvara.
● Chirara indima inosara isina kurimwa pakati pedzakarimwa.
●Dongo musha wakatamiwa.
MHUKA NEVANA VADZO
Hwai – shere
Gava – hambwana
Inda – rakadzi
Kamba – shasha
Garwe – ganyamatope
Tsuro – nhowa
Shumba – handa
Rwaivhi – mandishaya
Hove – rereza
Katsi – chidharimbo
Shoko – maidei/shokorana
Mbira – chiduwa
Njiri – chinjerete
Mvuu – handachibvuwa
Bimha – tsvana
Mbeva – manditeya
Nyuchi – zana
Datya – zunguzurwa/buruvuru
Nzou – mhuru
Huku – nhiyo
Gudo – rushiye
Munhu – rusvava.
Tatinda tapinda muGore Idzva! Sarudzo dzegore dzva mukana wakanaka kune vose vakakundikana asi vanoda kugadzirisa upenyu hwavo. Uno ndiwo mukana wekugara pasi uchigadzirisa mararamiro ako. Ndichakubatsira nezvimwe zvinhu zvaunokwanisa kuzvipira kuita kana kushandura.
Gore rino, tanga kufunga nezvebhizimusi raunoda kuita wotovamba kuita zvimwe zvinhu. Chekutanga nyora pasi urongwa hwebhizimusi rako. Kana uchinge wanyora pfungwa dzako pasi uchakurudzirwa kudzizadzisa.
Zviri nyore kuti utange chirongwa chekudupukisa muviri wako, asi chinonetsa kuwana purogiramu iri nyore isingazoita kuti uore mwoyo as pachiva neshanduko inoonekera. Iwe zviudze kuti kana chitoro chiri padyo ndichafamba netsoka, ndichasiya motokari yangu nechekure kuitira kuti ndikwanise kufamba. Ndichadya tusadza tushoma masikati chete etc.
Dambudziko guru rinoita kuti vanhu vazhinji vatadze kusvika pakuzadzisa zvinangwa zvavo kuda kuzorora uye kunakidzwa panzvimbo yekushanda nesimba. Kana ukajairira chonono nekudekara zvichakunetsa kuzozvirega saka unofanira kushanda nesimba kushandura maitiro aya. Zviudze kuti ndichaita zvose zvandinenge ndaronga nenguva.
Kana wanga uri munhu asingatendi zvipire kutenda. Kutenda kunoita kuti uve munhu ane mufaro. Unogona kuva munhu anofara kana ukaverenga makomborero ako. Kutenda kunogona kukubatsirawo kukurira matambudziko, kukupa hope dzakanaka uye kukupa ukama hwakanaka navamwe.
Pfungwa dzako hadzifanire kupararira. Tsvaga nzira dzokuti unangane nezvinhu zvakakosha mupfungwa dzako. Izvi unogona kuzviita kuburikiddza neYoga, munamato wamangwananai waunotora maminitsi makumi matanhatu kana kudarika uri mundangariro (meditation). Ukaita izvi uchakwanisa kudzora mafungiro ako (mood), kudzidza nokukurumbidza, uye kuchengetedza nguva pakuita zvinhu. Zviudze kuti ndichaita chiitiko chokudzamisa ndangariro.
Patinenge takatakura zvakawanda, tinowanzoguma tava kugara pamba nguva dzakawanda tobva tarasikirwa nemikana yakawanda yekubatana uye kufara nevamwe. Kusangana nevanhu vatsva kunogona kubatsira pautano hwomupfungwa uye kubatsira basa rako, saka usatya kubuda uchiumba ushamwari. Kukurira kunyara kwako, tsvaga ruzivo – zvipire kuzangana nekuziva vanhu vatsva.
Vamwe vanhuvanoswera vakangoti go kugara pamba. Izvi zvinowanzokanganira utano. Unofanira kutsvaga nzira dzokupota uchifamba-famba zuva rose panzvimbo yekugara wakangotarisana nekombiyuta. Zvinogona kutonakidza ukatsvaga shamwari dzokufamba-famba nadzo. Zvipire kupota kuchizunza muviri.
Kuvimba nezvauri kuchakubatsira kutungamirira hupenyu hunofadza zvikuru. Usazeza kutsvaga dzokusimudzira chivimbo chako. Kana uine chivimbo vamwe vachazviona uye uchabudirira. Zvipire kuvimba nezvauri.
Kunyange munhu mabhiriyoni anoramba achitsvaga nzira dzekuwana mari yakawanda. Isu vanhuwo zvavo tinoda imwe mari kuitira kuti upenyu huve nani. Ita tumwe tubasa paritivi, ita rimwe basa remaoko, enda paDandemutande uone zviripo zvinokuitisa imwe mari. Zvipire kutsvaga dzimwe nzira dzokuwedzera mari yako.
Unhu hwakanaka mucherechedzo wokubudirira kwavanhu. Mutsa unoita kuti zvive nyore kushamwaridzana nevamwe. Dzivisa kugumbura vanhu uchaona kuti vachatanga kukuona semhunhu akavimbika. Zvipire kutaura nekushanda nevamwe zvakanaka.
Vanotaura kuti kushungurudzika ndeimwe yenzira dziri kuuraya vanhu vakawanda. Kushungurudzika kunogona kukanganisa hutano zvakanyanya pamwe nehukama hwako. Zvinogona kunge zvakaoma kunzvenga maererano nokuoma kwehupenyu mazuva ano asi unogona kuedza kuita sokugona kwako. Tsvaga nzira dzokuderedza kushungurudzika.
Zvinotora nguva uye kushivirira kuti udzidze nzira yekuwana mufaro muzvinhu zviduku uye kuti usarega matambudziko achikuodza mwoyo. Zvipire kufara kunyange muzvinhu zvidiki.
Zvinhu zvakaita se Chivhitivhiti, Kombiuta, foni, hwendefa (tablets), nemidziyo yakasiyana-siyana yamagetsi zvinogona kutitadzisa kurara zvakanaka. Edza kurara kwamaawa anosvika masere. Zvipire kurara zvakakwana.
Vazhinji vanotambisira nguva pachivhitivhiti kunze kwekutora nguva vachiwedzera ruzivo rwavo, vachidzidza uye vachifamba-famba. Ukazvipira kuona chivhitivhiti kwenguva shoma uchaona kuti une nguva yakawanda yekuita zvinhu zvine musoro.
Mabhuku inzira yakanaka kwazvo yekuwana zivo yakawanda pemisoro yenyaya dzakasiyana-siyana. Kuverenga kunoitawo kuti pfungwa dzako dzigare dzakajeka dzichishanda. Hazvina kuoma kuverenga mabhuku makumi maviri kana kudarika pagore. Unofanira chete kuiita tsika. Zvipire kuverenga.
Kune vakawanda kunze uko vasina kurongeka, vane madhesiki ane nyonganyonga kana dzimba dzine bvonyongera. Izvi zvinokanganisa budiriro yako kana mafungiro ako saka rongeka. Chenesa imba yako rarama upenyu husina nyonga nyonga. Zvipire kurongeka.
Pane nguva shomanana muhupenyu huno saka hatifaniri kuipedza ne vanhu vasina kumira pachokwadi, vakasvibamwoyo vanofunga zvakaipa chete. Tinofanira kutarisana nevanhu vatine hanya navo uye vane hanya nesu. Aya ndiwo mawanirwo omufaro.
Tanga kunwa doro zvine mwero kana kutorega kunwa zvachose. KUsararadza kunobatsira zvikuru asi kwakaoma kuita. Zvipire kunwa zvine mwero.
Haugoni kuenderera mberi muupenyu hwako kana uchiremerwa nezvikwereti. Rwendo rwokusununguka kubva kuzvikwereti rune minzwa namasoso, asi runogoneka kana ukanyatsozvironga nekuzvibata. Buda muzvikwereti.
Pota uchiisa tumari parutivi. Tumari itwotwo tunozogona kukubatsira zvakanyanya. Usadya mari yese yaunowana. Zvipire kuchengetedza mari chero dhora pasvondo.
Kugara zuva rose hakuna kwakunokusvitsa. Zviri nani kushandisa nguva yako yaunenge wakasununguka nenzira inovaka uye uchidzidza unyanzvi hutsva paunenge uchifara zvako. Nguva Yemberi-Uchafara kuti iwe wakazviita. Hazvina mhosva kuti unofarira zvemitambo here kwana kwete, tsvaga kuti ungadzidza sei unyanzvi hutsva uye zvinokuvaraidza.
Dzimwe nguva zvinhu zvinooma uye zvinogona kurema kuti ugadzirise matambudziko ako asi kupedzera pfungwa dzako mumatambudziko hakuna pundutso. Kana ukarwisana nemunhu mopesana kana kurwadzisana chawangogona kurasikirwa neshamwari uye kuzvishaisa rugare nomufaro. Kukanganwira inzira yakanakisisa yokukunda zvakapfuura.
Vakuru vnoti chitsva chiri murutsoka. Kushanyira nzvimbo dzakasiyana-siyana kunoita kuti udzidze tsika dzavamwe uye udzidze zvakawanda muupenyu.
Koshesa utano hwako. Vazhinji vanoita sevanotya anachiremba uye havavashanyire kakawanda sezvavanofanira kuita. Kazhinji vanhu vanomirira dambudziko rakurisa. Unofanira kuongororwa nguva dzose zvisinei kuti unonzwa sei panguva iyoyo.
KUbata nguva kwakakosha zvikuru muugarisano hwavanhu. Kubata nguva kunoratidza kuti wakarongeka, uri shamwari inovimbika uye ine hanya, saka ipfungwa yakanaka kutora matanho okuedza kubata nguva.
Mazuva ano michina nezvinotengeswa zvakapikwa kare zvakatijaidza kusazviitira. Zvakakosha kuzviitira mabasa mazhinji pane kukurumbidza kutenga kana kubhadhara. Somuenzaniso ita gadheni pane kutenga muriwo.
Kana ukakwanisa kuita zvinhu zvino kufadza asi zvichikupa mari unenge wagonesa. Hazvisi nyore kuita asi zvinogoneka. Somuenzaniso mumwe anofanira kunyora nhetembo ropedzisira rave basa rinomupa mari.
Zvingave nani kunge wakada nokurasikirwa pane kunge usina kumbobvira wakapinda murudo nyange zvichirwadzaKupora kana wakarasiswa kunotora nguva asi unofanira kuzvipira kufambira mberi.
Kusadzora tsamwa kunogona kukupinza mudambudziko guru, asi shungu nekuzvikudza zvinogona kutokuparadza. Kuzvidzora kunoita kuti ufunge zvakanaka kunyange muri pakati pokupesana kukuru.
O Jesu, Mupristi wedu Mukuru-kuru, inzwai minyengetero yangu yekuzvininipisa yandinoitira mupristi wenyu, Baba [N]. Mupei kutenda kwakadzika, tariro yakajeka uye yakasimba pamwe nerudo runopisa runozowedzera nekufamba kwenguva muhupristi hwake.
Mukusurukirwa kwake mumunyaradze, mukushungurudzika kwake mumusimbise, mukuvhiringidzika kwake, muratidzei kuti mweya unonatswa kuburikidza nokutambura, uye muratidzei kuti anodikanwa neChechi, anodikanwa nemweya yavakawanda, anodirwa basa roruponeso.
O Amai Maria, Amai veVapristi, isai mumwoyo wenyu mwanakomana wenyu ari pedyo nemi nekuda kweugadzo hwake hweupristi, uye nekuda kwesimba raakagamuchira kuti aite basa raKristu munyika inoda rubatsiro zvakanyanya .
Ivai nyaradzo yake, ivai mufaro wake, ivai simba rake, uye mumubatsire zvakanyanya kurarama nokumiririra zvinangwa zvake zvemhiko youtsvene. Amen.
Kana uchida kuva nemufaro ita zvinotevera
Kana uchida kuva nemufaro ita zvinotevera
Njodzi nomwe pahunaku/hunhu hwavanhu: