Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Ndaibva

Posted by MC on April 28, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Mapenzi maviri aive akagara mumumango. Rimwe rakabva radonha, rakasara mumuti rikabvunza, ‘Ko chii chaitika?’
Zvikanzi neraiva radonha,
‘Ndaibva!’

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kurera nhubu yemwana

Posted by MC on April 26, 2018
Posted in: Nyaurwa, Zvinyorwa. Leave a comment

© Mukakope nhaurwa iyi musina mvumo

rude child

Mitemo

Dzika mitemo mishoma uye yakajeka pamusoro pehunhu nekukurukurirana anotarisirwa mumba menyu. Unogona kuti, ‘Mumba muno munotaurwa noruremekedzo uye atisvotesane namazita’.

Zvinobatsira kana mukagadzira mitemo iyi muri pamwechete nemwana nokuti anozorangarira kuti akabatsira pakugadzirwa kwemitemo iyi uye akabvumirana nayo.

Nangana nemaitiro chete

Kana uchitsiura mwana nangana nemaitiro ake uye nezvaunonzva pamusoro pamaitiro aya. Rega kutaura pamusoro pezvaari. Kunze kwokuti ‘Uri nhunzvatunzva’ edza kuti ‘Ndinorwadziwa paunotaura sezvizvi kwandiri’. Budawo pachena maererano nezvaunozwa asi uchitaura zvakanaka. Somuenzaniso ‘Ndiri kunzwa kukutsamwira parizvino. Iwe uri kunzwa sei?’

Dzikai migumisiro mishoma yamaitiro asingagamuchirwe, akaipa. Unogona kuva nemigumisiro yemaitiro ekusvotesa, kunyomba kana kutaura zvakaipa kune vamwe.

Dzikama

Zvakakosha zvikuru kudzikama kana mwana wako achinyenama pamunoedza kukurukurirana. Mira, tura befu wozoenderera mberi nezvawanga uchida kutaura wadzikama.

Nyevenuka

Kusekedzana kunonyevenutsa zvinhu, kunounza maonero matsva uye kunorerutsa mafambiro ehurukuro. Kunyevenuka kunobatsirawo kupodza zvinhu – asi usait seuiri kuusaswereredza, kuseka kana kusvotesa.

Furatira zvimwe

Usacherechedza kuzunza mapendekete, kufinyamisa kumeso netumwe twakadaro kana mwana wako achiratidza unhu hwakanaka nguva zhinji.

Tarisa kunzwisisa kwako

Dzimwe nguva mwana anotadza kuremekedza asina chinangwa chokusakuteerera. Zvinobatsira kutaura naye sezvizvi: ‘Mashoko ako aratidza kusaremekedza. Ndizvo zvawanga uchireva here?’

Rumbidza mwana wako paanotaura zvine ruremekedzo. Kana ataura zvakanaka muudze. Muratidze kuti unoziva kukosha kwemaonero ake.

Iva muenzaniso wakanaka.

Paunenge uine mwana wako, edza kutaura pamwe nokuita zvaunoda kuti ataure nokuita kwauri. Kana uchitaura zvinyadzi kakawanda mwana wako anogona kutadza kunzwisisa kuti sei iye achirambidzwa iwe uchizviita.

Musakakavadzana

Kukakavadzana nemwana hakuwanzoshanda. Kana tikatsamwa, tinogona kutaura zvinhu zvatisingarevi uye zvatinodemba. Zvinobatsira ndezvekuzvipa iwe nemwana wako nguva yekudzikama.

Kana wakatsamwira kana kuti uri pakati pekukakavadzana, zvakaoma kugadzirisana zvakanaka nokuudza mwana wako zvauri kuda wakadzikama. Zvinobatsira ndezvekuudza mwana wako kuti unoda kutaura naye mowirirana nguva.

kuzvichenesa hakuwanzobatsiri.

Edza kusatora zvinhu sezvakanangana newe nguva dzose. Pamwe unozoona kuti mwana wako ari kuedza kuzvimiririra.

Kunyangwe uine ruzivo rwakawanda maererano nohupenyu kupinda mwana wako, kunyanyomutsanangurira kunomusvibisa mwoyo agosvika pakurega kukuteerera. Kana uchida kuti mwana wako akuteerere unofanira kupedza nguva uchimuteererawo.

Kusimbirira zvinhu hakuna zvakunobatsira. Kunondowedzera kushungurudzika kwako, uye mwana wako anogona kungoisa zvigunwe munzeve.

Kusvotesa

Kusvotesa mwana kunoita kuti akuvenge uye aswedere kure newe.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kushungurudzika

Posted by MC on April 21, 2018
Posted in: Nyaurwa, Zvinyorwa. Leave a comment
Stress

Usashungurudzike

Munhu wese anotosvika pakutambura nekushungurudzika, uye vaKristu havasiiwe nezvinetso nematambudziko ehupenyu.

Kushungurudzika kunowanzokonzerwa nekuneta, kurwara, kuva panzvimbo yausina kujaira nezvimwe. Paunotora mabasa akawanda, panguva dzekutambura nenjodzi, uye apo zvinhu zvapidiguka unonzwa kushungurudzika. Kana zvaunoda zvisingawaniki, unonzwa kushushikana.

VaKristu vazhinji tinotendera kuti Mwari ndiye changamire uye anotonga upenyu hwedu. Tinotenda kuti anotipa zvose zvatinoda kuti tirarame. Saka, kana tichishungurudzika zvikuru tinopedzisira tisisavimbe naMwari.

Kushungurudzika uye kuzvidya mwoyo kwemuKristu kunogona kuitika nenzira dzakasiyana-siyana. Zvinogona kuratidzika nekuswedera kure naMwari kana kuvhiringika kukuru.

Zvisinei kuti zvaitika sei, kushungurudzika kunotikundikanisa panyama, mumweya nemupfungwa. Tinofanira kushonga zvombo zvinotibatsira. Haano mazano angatibatsira

1.    Ziva Dambudziko.

Kana waziva kuti pane zvisina kumira zvakanaka nzira yekukurumidza yekugadzirisa zvinhu ndeyekubvuma kuti une dambudziko.

Dzimwe nguva hazvisi nyore kubvuma kuti wangobatirira nepadiki uye kuti zvinhu hazvina kukumirira zvakanaka.

Kuziva chinetso kunoda kutendeseka pakuzviongorora uye kunoda kuzvininipisa. Nziyo 32:2 inoti,

“Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naTenzi; asina kunyengera pamweya wake.”

Kana tikakwanisa kutarisana nokutendeseka nedambudziko redu,  tinotanga kutsvaga rubatsiro.

2.      Zvipei zororo wotsvaga rubatsirwa.

Rega kuzvisvora. Ziva kuti: uri munhu. Unorarama munyika ine matambudziko asingadzivisiki. Chinonyanya kukosha ndechekuti tinofanira kutendeukira kuna Mwari uye kune vamwe kuti tibatsirwe.

Zvaunenge waona dambudziko rako unochigona kutora matanho ekuzvibatsira nekutsvaga rubatsiro rwakakodzera. Kana iri nyaya yokuti hausi kuwana zororo, tora nguva yekudzoreredza muviri nenyama yako. Idya kudya kwakakodzera, simbisa muviri nguva dzose, tanga kudzidza kushanda zvine mwero. Unogona kutsvaga rubatsiro kubva kushamwari dzinomira newe uye dzinokunzwisisa zvauri kusangana nazvo.

Kana uri kurwara, kana kuti uchangobva mukurasikirwa kana kuva nerimwe dambudziko, unogona kumbodzora mashandiro ako. Zvipe nguva nemukana wekupora.

Kushungurudzika kwako kunogona kuva kuchikonzerwa nemakemikari kana zvimweyo zviri munyama yako. Pakadaro unogona kunoona chiremba kuti akubatsire kuona pane dambudziko nezvingaitwe.

Idzi inzira dzinobatsira dzekuedza kupedza kushungurudzika muupenyu hwako. Asi usakanganwa rutivi rwemweya.

3.      Tendeukira kunaMwari mumunyengetero

Paunokundwa nekuzvidya mwoyo, kushushikana, nekurasikirwa unofanira kutendeukira kuna Mwari.

Anogara akamirira kukubatsira munguva dzekutambudzika. Bhaibheri rinokurudzira kuturira zvose kwaari mumunamato.

Ndima yemunaVaFiripi inopa vimbiso inonyaradza yokuti patinonyengetera, pfungwa dzedu dzichawana runyararo rusingaverengeki:

Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga.  Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kwose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu (VaFiripi 4: 6-7).

Mwari anovimbisa kutipa rugare rwatisinganzwisise. Anopikirawo kuunza runako kubva kumadota ehupenyu hwedu apo tinoona kuti tariro inouya kubva mukurasikirwa uye kuti mufaro unobva pakutambura (Isaya 61: 1-4).

4.      Ita ndangariro neShoko raMwari

Bhaibheri rakazara nevimbiso dzinoshamisa kubva kuna Mwari.

Kufungisisa pamusoro pemashoko aya evimbiso kunogona kubvisa kushungurudzika kwedu, kusava nechokwadi, kutya, uye kushushikana. Heino mimwe mienzaniso mishomanana yezvinyorwa zveBhaibheri zvinoderedza kufungisisa ndima:

2 Pita 1: 3

nokuti nesimba rovuMwari hwake takapihwa zvose zvinodikanwa pavupenyu napakunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye wakatidana nokubwinya kwake nokunaka.

Mateo 11: 28-30

Vuyai kwandiri imi mose makaneta makaremerwa. Ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri nokuti ndiri munyoro. Ndinomoyo unozvininipisa kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.

Johani 14:27

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.

Nziyo 4: 8

Ndicharara pasi nerugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.

5.      Shandisa Nguva yako kutenda nekurumbidza

Mumwe akati, “Hazvigoneki kushungurudzika nekurumbidza Mwari panguva imwechete.” Kurumbidza nekutenda kuchabvisa pfungwa dzedu kubva pamatambudziko edu, kuchitinangisa pana Mwari. Patinotanga kurumbidza nekunamata Mwari, matambudziko edu anoita semadiki atarisana nehukuru hwaMwari.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ushamwari

Posted by MC on April 20, 2018
Posted in: Nyaurwa, Zvinyorwa. Leave a comment

1.    Kusarudza

Chokutanga unofanira kusarudza.

“Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi iriko shamwari inonamatira kupfuura hama.” (Tsumo 18:24).

Chirevo ichi chinotiyeuchidza kuti munhu wose haagoni uye haafaniri kuva hama yako yepadyo. Unaku hunofanira udarika huwandu panhau yeushamwari. Sarudza shamwari dzako nohuchenjeri uye wobva ramba uinavo.

Unofanira kusarudza ushamwari zvakanaka nokuti shamwari dzakaipa dzinounza matambudziko.

“Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Tsumo 13:20).

Unhu hunobatira pamwe nokudzidziswa.

“Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha; Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo” (Tsumo 22: 24-25).

2.    Tsvaga wapadhuze

Ukama hunosimba kana muri pedyo. Kuva kure nekure kunoita kuti ushamwari huome. Unoda shamwari dzinogara pedyo newe.

“Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba kwomunun’una wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munun’una uri kure” (Tsumo 27:10).

Izwi rokuti “muvakidzani” rinoshandura shoko rimwechete rechiHebheru se “shamwari.” Izvi zvinotiyeuchidza kuti ushamwari hunechekuita kwete nekugovana zvido chete asi kuva panzvimbo imwechete. Kana shamwari dzikasava pamwechete dzinoramba dzichiswedera kure nakure.

3.    Miganhu

Iva nemiganhu. Ziva nguva yekumbosiya shamwari yako iri yoga. Dzidza kupa shamwari yako mukana wokuva pachake.

“Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.” (Tsumo 25:17).

4.    Humwe

Munofanira kuva nezvinokubatanidzai. Ushamwari hunoumbwa navaviri. Muushamwari hwechokwadi, mose munogoverana. Mumwe nomumwe anoita pake, munobatsirana. Kuti uve neshamwari, unofanira kuva shamwari.

“Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.” (Tsumo 27: 9).

“Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.” (Tsumo 27:17).

Ushamwari hunoda kupindirana nekugoverana zvinhu zvimwechete. C. S. Lewis anotsanangura kusiyana kworudo noushamwari:

Tinoona mufananidzo wevanodanana vakatarisana asi shamwari dziri parutivi-neparutivi; maziso avo akatarira mberi … CHinoita kuti tiwane shamwari ndechekuti panezvatinofanira kuda kunze kwoushamwari … Ushamwari hunofanira kuva hwechimwe chinhu … avo vasina chinhu Havana chokupa; avo vasina kwavari kuenda havana vafambidzani.

Ichi ichokwadi. Ushamwari hunoumbwa nechimwe chinhu chakaita sekufarira mabhuku, mimanzi, mafirimu, mitambo imwechete, daidzo imwechete zvichingodaro. Shamwari yako inogona kusafarira zvose zvaunofarira asi mune chimwe chinhu chinokubatanidzai.

Shamwari inofanirawo kuva inokurodza. Simbi dzinorodzana. Shamwari yakanaka haisi iyo inongogoverana newe zvekufarira chete asi inokuita kuti ufunge zvitsva, utange zvitsva; inokubatsira kugadzirisa utera hwako.

5.    Ruremekedzo

Ushamwari hunoda ruremekedzo. Ruremekedzo ndiyo nheyo yehukama hwakanaka. Imwe yenzira dzinokosha dzatinoratidza ruremekedzo ndeyokuti tinotaura sei neshamwari dzedu kana dzisiri pedo.

“Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe; Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma.” (Tsumo 25: 9-10).

Neimwe nzira, usatarisira kuchengetedza shamwari kana uchiinyeya isipo. Shamwari yakanaka inoziva nguva yokutaura uye nguva yokunyarara.

“Anoninipisa wokwake anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu ane njere anoramba anyerere.” (Tsumo 11:12).

6.    Buda pachena

Ruremekedzo runoenderana nokubudirana pachena.

“Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa. Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza.” (Tsumo 27: 5-6).

Shamwari yechokwadi inokubaya nemberi. Tsvaka shamwari dzinozotendeseka kwauri, kunyange dzichizokurwadzisa norudo.

7.    Ruregerero

Hapana ushamwari hunorarama pasina kukanganwirana.

“Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana” (Zvirevo 17: 9).

Izvi zvinotidzidzisa kuva nerupo pakupa chipo chekuregerera kushamwari dzedu, nekufukidza zvikanganiso zvavo. Shamwari yechokwadi inononoka kuona zvikanganiso zvako. Shamwari yechokwadi haikurasire kure nokuda kwetunhu tudiki twamunenge manetsana.

8.    Kuramba muchidana

Shamwari yakanaka inoramba iinewe.

“Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika. 18 Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso” (Zvirevo 17:17).

Mwoyo wehushamwari kuramba muri murudo. Chiyero chikuru cherudo kuzvipira.

“Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake vupenyu bwake” (Johani 15:13).

Izvi ndizvo zvakataura neshamwari huru, Jesu pachake, shamwari yevatadzi, uyo ane kukanganwira kusingaperi, ane rudo rusingambofi.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Mitemo Gumi

Posted by MC on April 10, 2018
Posted in: Nyaurwa, Zvinyorwa. 1 Comment

© Musakope nhaurwa iyi musina mvumo.

Sei tichipiwa mitemo?

Mutemo wakapihwa kuvana veIziraeri kuti vave nouchenjeri. Vakaupihwa kuti usimbise ukama hwavo naMwari uye kuti vagarisane zvakanaka munharaunda yavo pamwe nemusangano ravo rokunamata.

Mitemo iyi inoitirwa kuti itibatsire kuva sangano dzvene, sangano rinonamata Mwari mumweya nomuzvokwadi, sangano rinogara muruenzaniso nomurudo. Tinoitirwa kuti tiremekedze vavakidzani vedu uye tiremekedzane isu pachedu. Pokupedzisira tinotarisirwa kuziva, kuremekedza nokunamata Mwari musiki wedu.

Mitemo gumi mazano makumi.

1.     Anotiratidza zviri Mwari

Anotiratidza uyo anoda kutivaka, anotidzidzisa kuti kuba kwakaipa, upomwe hwakaipa etc. Havasi vakawanda vanovimbika zvokuti vanoda kutivaka. Vazhinji vanouya kwatiri vachida kutirasisa, kutibira nokutinyepera. Iye anouya nomwoyo munyoro achitivaka.

2.     Anotitsiura

Mitemo gumi mazano anotiratidza zvatiri. Iwe uri munhu akaita sei? Uri munhu here anofanira kuyeuchidzwa kuti remekeddza Mwari, midziyo yavamwe, upenyu hwavamwe etc? Mazano aya anotiti tisabe, tisaitire vamwe utsinye, tibate vamwe noruenzaniso.

3.     Anotidzidzisa

Mitemo gumi mazano anotidzidzisa. Tinodzidziswa kuvamba nzira itsva, kufamba nenzira yenyasha dzaMwari. Mitemo yose iyi inotidzidzisa kupa pane kutorera, ruenzaniso pane utsinye, kuvimbika pane kunyengedza, kuzvidzora, kubhadhara zvikwereti nenguva, kuita zvinhu nomwoyo wose, kuita vimbiso dzisiri dzemanyepo etc.

4.     Vimbiso

Mitemo gumi zvivimbiso. Mwari anovimbisa kuti achanyora mitemo mitsva mumwoyo yedu. Anobvisa mitemo yake mupapepa ezvinyorwa zvinoera achiudzika mumwoyo yedu. Isu tinova vanhu vanoremekedza mitemo gumi kana ikasava mazwi atinoverenga chete asi atinorarama uye agere mumoyo medu.

Mararamiro evana vaMwari

Mitemo Gumi inotidzidzisa mararamiro anofanira kuita Mwana waMwari.

  1. Mwana waMwari anofanira kunamata Mwari oga kwete zvimwe zvinhu zvakaita sevaimbi, vezvematongerwo, vafundisi, mari, zviwanikwa, bonde nemotokari dzinoshamisira. Mwari ndiye anofanira kuva wokutanda muupenyu hwovana vake.
  2. Mwana waMwari anoziva kukosha kwamazita saka haadane nhando zita raMwari. A brand is important and must be protected all the time.(Econet)
  3. Mwana waMwari anosiira Mwari zuva resabata nokuenda kumisa uye kurega kutungamidza mamwe mabasa nezvimwe zvinhu. (attention)
  4. Mwana waMwari anoremekedza vabereki vake nevamwewo vakuru vake vakaita savadzidzisi, mapurisa, vafundisi etc.
  5. Mwana waMwari anoremekedza upenyu sechipo chinobva kunaMwari pachavo.
  6. Mwana waMwari anoremekedza mhiko dzomuchato dzaakaita nokusaita upombwe.
  7. Mwana waMwari haabe kana kunyengedza.
  8. Mwana waMwari haanyepi nokuti anoziva kuti Satani ndiye zibaba remanyepo ose.
  9. Mwana waMwari haarwadzirwe kubudirira kwavamwe asi anototenda Mwari kuti vakamutenderedza vari kubudirira.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo reMirara B

Posted by MC on March 25, 2018
Posted in: Mazuva Makuru, Mharidzo, Svondo reMirara. 1 Comment

Kwemakore matatu Jesu aipinda mumaruwa akasiyana-siyana achiita mabasa akanaka, achidzidzisa vanhu chitendero, uye achirapa vanhu. Mhomho dzavanhu dzaimumomotera dzichimuteerera. Vanhu vaiuya vachida zvakasiyana-siyana kwaari. Panguva iyoyo Jesu aiva nesimba pamusoro poupenyu hwake.

Asi paakaturirwa mumaoko avavengi vake mubindu reGetsimani zvose zvakasvika kumugumo. Akatanga kutambura. Akanga asisina simba pamusoro poupenyu hwake. Zvinhu zvakatanga kuitika kwaari. Akasungwa. Akandundurudzirwa kuna Kaifasi, kuna Herodhi nekuna Pirato. Akabvunzurudzwa nokuzvindikitwa. Akagadzwa ndaza yeminzwa. Akatakudzwa muchinjikwa. Akakururwa hanzu dzake. Akarovererwa pamuchinjikwa. Akanyombwa … pokupedzisira akauraiwa.

Dzimwe nguva upenyu hwedu hunoumbwa nezvinoitika kwatiri kwete zvatinoita. Tine kutambura kwedu kwakafanana nekwaJesu. Sevana dzimwe nguva pane zvakawanda zvinoitwa kwatiri navabereki zvinotitambudza. Savanhu vakuru tinoitirwa utsinye nevamwe vanhu. Tinorasiswa nevamwe vanhu. Tinoita munyama. Tinowirwa nourwere hunosiririsa. Tinorasikirwa neshamwari. Ukama hwedu navadikanwi vedu hunokundikana. Tinoodzwamwoyo navadikanwi vedu nyange navana. Vadikanwi vedu vanofa vachitisiya. Tinoitirwa utsinye hwakaomarara kumabasa kwatinoshanda.

Chokwadi, tine nguva yedu yokufara nenguva yorugare. Asiwo dzimwe nguva tinosangana nezviitiko zvatisina simba pamusoro pazvo. Tinogona kushaya simba kana zvinhu zvichiitika kwatiri asi chakakosha ndechekuti tinoita sei. Zviitiko izvi zvinogona kutimedura kana kutisimbisa. Jesu akaramba akasimba. Isuwo hatifaniri kubvumidza kurasikirwa, dambudziko kana kuti nhamo dzoupenyu huno kutiwisira pasi.

Jesu akagamuchira kutambudzika kwake akakushandura kukava kukunda nokuponeswa kwavanhu. Pokupedzisira akava murume anerufaro norugare noruregerero. Isu tinogona kuita saizvozvo.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Zvatinodzidza panaJosefa Mutsvene

Posted by MC on March 24, 2018
Posted in: Josefa, Mazuva Makuru, Mharidzo, Uncategorized. Leave a comment

Aiteerera

Josefa Mutsvene akaita kuda kwaMwari kwoupenyu hwake hwose. Mutumwa waMwari paakauya kwaari, achimuudza shoko rakaoma rokuti mudiwa wake Maria achapona Mwanakomana ivo vasati vazivana, Josefa akabvuma kutora Maria somudzimai wake. Josefa akateererawo paakanzi atungamirire mhuri yake kudiaspora kuIjipita kuitira kuti mwana asauraiwe naHerodhi akanga avamba kuuraya tusvava twose muBheterehema. Josefa akateererawo zvekare paakanzi chidzokera kuIziraeri. Haana kumbonyunyuta kuti mava kundimbeyesa.

Kangani katinotadza kuteerera Mwari nokuda kwokuzvikudza nokuzvitungamidza?

Aisazvifunga

Pana Josefa tinoona murume aifunga mhuri yake yaMaria naJesu nokuvariritira asingangozvifunga iye pachake. Aitora nguva nemhuri yake munzvimbo yeNazareta. Mhuri yake yaikurira mumusha wakanaka. Musha wakanaka chipo. Musha wakanaka una baba vakanaka igomborero. Hanzi nomumwe, ‘Baba vakanaka vanodarika chiuru chemaheadmaster.’ Baba vakanaka vane zvitarisiro zvine musoro uye zvinozadzisika kuvana vavo.

Kuzvipira kwake kumhuri yake muenzaniso wakanaka chose kunana baba vose zvikuru vanobvumidza zvinhu zvapasi pano kuvatsautsa pamhuri dzavo.

Aitungamira noruenzaniso

Hapana shoko rimwe zvaro rakataurwa naJosefa rakanyorwa muBhaibheri. Tinongonzwa pamusoro pezviito zvake chete kuti aive murume ane ruenzaniso, ane rudo nemhuri yake uye akatendeka kumhuri yake. Kazhinji tinofunga kuti chikuru kutaura, uye mashoko ndiwo anoshandura zvinhu tisingazivi kuti vanhu vanotarira zviito zvedu. Ngatiitei saJosefa anorangarirwa pamusoro pezviito zvake zvakanaka kwete mashoko akashama.  

Aiva mushandi

Josefa akararama openyu nhando. Aiva muvezi achizviraramira nebasa rake rokuveza. Ainzwisisa nharaunda yaaigara. Ainzwisisa matambudziko avanhu vaaigara navo. Akadzidzisawo Jesu kukosha kwekushandisa maoko ake.

Isu nevavariro yedu yokuti ana vedu vabudirire vararame upenyu hwakanaka dzimwe nguva hativapi mukana wokunzwisisa matambudziko oupenyu hwakavakomberedza. Tinovavarira kuvapa dzidzo yapamusoro, zvokuti dzimwe nguva havafi vakaziva kutamburira dzidzo kunoita vamwe (tinovaendesa kunyika dzokunze. Ikoko dzimwe nguva vanoenda vasinganzwisisi tsika namagariro avo). Tinovavarira kuvapa chokudya chakanakisisa zvokuti dzimwe nguva havazivi nezvenzara iri mudzimhuri dzakavakomberedza. Tinoda kuvaitira zvakanaka zvose zvokuti dzimwe nhambo havanzwisisi kutambura kuti munyika. Rimwe zuva vachaita saMarie Antoinette mambokadzi wokuFrance.

 

Vanhu zvavairatidzira vachiita mhirizhonga mbambokadzi akabvunza kuti bongozozo raiva rei akanzi, ‘Vanoda chingwa.’ Iye ndokupindura achiti, ‘Kana vasina chingwa vapei nyama.’ Mambokadzi vairarama upenyu hwemutambaratede zvokuti vakatadza kunzwisisa kuti sei vamwe vari kuchema nhamo.

Isu savana baba tinofanira kudzidza kubva pana Josefa kuti basa ramaoko rakakosha. Ngatishandisei maoko edu kuitira kuti mbiri yaMwari iendeswe mberi uye kuitira kuti mhuri dzedu dzirarame.

Aiva mutungamiri

Hutungamiri hwaJosefa hwasiyana nehwatinoziva. Akatungamirira mhuri yake norudo sezvatinoona paakatsvagira Maria imba yokuponera Jesu mushure mokunge vashaiswa nzvimbo mune mamwe mahotera emuBheterehema. Akatungamira mhuri yake kuti ive nechitendero kuburikidza nokuteerera Mwari munazvose zvikuru sei kugamuchira Maria, kuenda nokudzoka kuIjipita. Akatungamira mhuri yake kuti izvishandire kuburikidza nokuishandira achiipa chokudya nopokurara. Akatungamirira Jesu nokumudzidzisa kushandisa maoko nokuzviraramira.

 

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 4 roMwaka woKutsanya B

Posted by MC on March 11, 2018
Posted in: Mharidzo, Mwaka woKutsanya, Uncategorized. Leave a comment

Mwari akatumira Mwanakomana wake kuti asimudzwe pachipiyaniso kuitira kuti ani naani anomutarira nechitendero awane upenyu husingaperi.

Asiwo muchinjikwa wataurwa uyu mucherechedzo wokupikisa. Kristo nyakuuraiwa ndiye nyakutonga pasi rose. Saka zvinoita sokunge kukundwa kutova kunda nokuti kuzvipira kwaakaita kwakavamba umambo hwaMwari. Muutera hwaKristo ndimo mune simba rake. Zvose zviri pasi pesimba raMwari. Mwari anoshandura kukurirwa kuchiva kukunda kuna vanovimba naye.

Tinofanira kubata mashoko aya mumatambudziko atinosangana nayo muupenyu. Muutera hwedu tinobatanidzwa nemuchinjikwa waKristo, tinopihwa simba. Hongu tingava nekurwadziwa kukuru, asi tinenge takasimba.

Zvichida wakarasikirwa nomudikanwi:

Mwanakomana, Mwanasikana, sisi, bhudhi, amai, baba, sekuru, ambuya…

Kuchema kwacho kukuru uye kunoita sedutu. Munguva ino uri kuvhiringika, munguva inotevera hauchanyaradziki. Paunosangana nechiitiko chakadai ndapota tendera muna Mwari. Dana kwaari. Mupe marwadzo ako. Uchaona kuti achakutakurira kusuwa kwako. Kushushika kwako kuchashanduka kuchiva munamato. Uchava nesimba nokuti Mwari achaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake.

Pamwe wakaodzwa mwoyo zvikuru.

Basa rawaifunga kuti harifi rakapera rakapera.

Korichi yawanga uchifunga kuti ichakugamuchira haina kukugamuchira kana kuti mhuri yako haikwanisi mari inodiwako.

Ukama hwako hwakaparara, ungava muchato wako kana ushamwari hwako hwawaikoshesa kwamakore.

Pamwe zvinhu hazvisi kufamba sezvawaitarisira.

Musande Teresa wokuKarikata akati, ‘Kana uchida kuti Mwari anyemwerere, muudze urongwa hwako.. Zviri nyore kuodzwa mwoyo nenyika. Asi une sarudzo, sarudzo yokubvumidza kuti misodzi ikunyudze kana kuvimba naMwari kuti ape chirevo kunhamo yako. Ita kuti iye aise zvose pasi pesimba rake. Achaita saizvozvo.

 

Upenyu hwakaoma haungahugoni woga. Unoda rubatsiro. Mwari haadi kuti urwe woga. Anoda kukurapa nerudo rwake. Vimba naye. Mwari ane simba rokuisa zvinhu zvose pasi pesimba rake.

 

Kana ukaziva kuti haugoni kuita zvose woga wodana kuna Mwari kuti akubatsire uchava nesimba. Hapana chichazombokukurira nyange chine simba rakakura sei.

 

Nhasi namatira simba rokuzvidukupisa nokushinga kuvimba nesimba raMwari.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Rwedza

Posted by MC on March 10, 2018
Posted in: Kurudziro, Nhetembo. Leave a comment

Rwedza.
Usagadzikana.
Usaparadza nguva.
Usatsauswa.
Une zvinangwa zvokuzadzisa.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kusarudza mudikani

Posted by MC on March 8, 2018
Posted in: Muchato noUkama, Nyaurwa, Zvinyorwa. Leave a comment

Nhanganywaya

Vamwe vanhu vanetsika yokudhonza vanhu vasingaite vachipinda navo muukama hworudo. Havagoni kukweva vanhu vasvinu. Haano mazano anokubatsirai kutsvaga munhu akafanira:

  1. Usaita sarudzo nekuda kwekutya. Kazhinji vanhu vanosarudza mudiwa wavo kana kuramba vari muukama husina mufaro nokuda kwekutya. Kutya kuva woga kana kusiyana nemumwe wako. Asi zviri nani kuva woga nekumirira munhu chaiye pane kuita sarudzo inotungamirirwa nokutya. Kuita sarudzo nokuda kokutya kunokonzera kuvhiringidzika nokuzvidya mwoyo.
  2. Ngwarira kujambira muukama wobva watozvipira chiriporipo. Muedzo ndewekuda kumhanyira kupinda muhukama hwakagadzikana nokukurumidza paunosangana nemunhu anokubata mwoyo asi usinganyatsomuziva. Nekufamba kwenguva unogona kuzoona zvimwe zvinhu zvausingafarire paari kana kuti hamupindirane zvachose. Nekuda kwekuti unenge wakurumbidza kuperera paari zvinokurwadza zvakasimba. Usamhanyire kuperera, tora nguva yako uve nemwoyo murefu usati wasarudza kuperera pane munhu.
  3. Ipa mukana kumunhu waungangodaro usingapi mukana. Usakurumbidza kuti uyu haaite nekuti ‘haisi type yangu’. Rangarira kuti rudo runokura nokufamba kwenguva pamunotanga kuzivana unhu hwenyu zvakadzama. Vamwewo vanhu vanotora nguva yakarebesa vachida kuziva munhu vasingatore mukana wekupinda murudo. Mvura yakanyarara kazhinji yakadzika saka dzimwe nguva ukasatora mukana haumbofa wakaziva udzamu hwemunhu.
  4. Usatarisira zvakawandisa. Vazhinji vane hunhu nezviito zvakawanda zvavanotarisira pane anozova mudiwa wavo. Ukanyanyosimbisa zvitarisiro zvako dzimwe nguva uchapfuurwa nemunhu akanaka. Hazviiti kuwana munhu akarurama.
  5. Cherechedza unhu hunoratidza kuti munhu anoita mudiwa akanaka asi usave nenhongwa. Ongorora kuti ane tsitsi, akavimbika, akatendeseka, ane mutsa uye anogamuchira pfungwa dzevamwe here. Kana munhu aine unhu uhwu edza kuswedera padyo naye kunyange achiratidza sokunge asiri mhando yako. Pane zvimwewo zvaunogona kutarisa zvakaita se ‘mweya wekuseka’, ‘kuenda kunyika dzakawanda’ , ‘kugona kutamba’ asi zvinhu izvi hazvina kukoshesesa.
  6. Usatungamirirwe neruchiva. Vazhinji vanotirira zvinhu zvenhando kubva kune mumwe munhu nekuti vakaperera. Havi dzakanaka asi hadzigare dziripo. Usapesanise kunzwira munhu havi nekupinda murudo chairwo. Nyange uchinyatsonzwira munhu funga nezveramangwana.
  7. Tsvaga munhu waunosununguka kuva padyo naye. Kuva nemunhu asingakutonge anokugamuchira chinhu chakanaka uye chinokupa rusununguko. Zvinooma dzimwe nguva muupenyu kuwana munhu anokuita kuti uve zvauri. Ukama hunofanira kuita kuti unzve kuchengetedzwa nekudekara pane kurarama upenyu hwemanyepo.
  8. Usamirire kuti munhu ashanduke nekuti hazviitike. Ukaramba uri muukama hwaunonyatsoziva kuti haushande unenge uchitozvivharira mukana nemunhu akakufanira. Iva nechokwadi nezvaunogamuchira uye zvausingatambire. Kana uchinyatsoziva zvaunoda zviri nyore kubuda muukama ukaona kuti hapana kwahuri kuenda.
  9. Ukasazviomesera unova nomufaro, unosununguka uye unodhonza munhu akakufanira.
  10. Kazhinji munhu anokuudza zvaari – unofanira kuteerera! Kana munhu akati ndinombomudhura kana kuti handigone kuva nemunhu mumwechete teerera. Usati pamwe achachinja.
  11. Tsvaga munhu anemwoyo munyoro nerudo. Zvinobatsirawo kuita hama dzemumwe wako vanemwoyo wakanaka, zvinoita kuti upenyu hureruke.
  12. Wana munhu waunogona kukurukura naye. Nekufamba kwenguva unhu hwemunhu hunokosha kudarika chimiro chake kana chigaro chaainacho. Unogona here kutaura nemumwe wako nokuchemera pabendekete rake?
  13. Natsa kuti munopindirana pane zvimwe zvinhu zvakakosha. Kana iwe uchida vana mumwe wako asingadi zvinogona kunetsa. Kusiyana kwechitendero nezvematongerwo kwakakosha. Zera rinofanira kutariswawo zvekare.
  14. Ngarira munhu anoda kuti muroorane chiriporipo. Zviri nani kutora kanguva kekuziva munhu pane kuzodemba.
  15. Tsvaga munhu anoita kuti useke anokufadza. Kana munhu achiudza nyemwerero paunenge wakasuwa chinhu chikuru ichocho.

 

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • Kuzvipira kuMwoyo Mutsvene waJesu
    • Kunamatira kudzivirirwa
    • Minamato yaVarwere
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
    • Munamato wamangwanani
    • Munamato wamanheru
    • 1        Maitiro okuviga vafi (Catholic Church)
    • Johani Vhiani Mutsvene
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d