Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Nyange rakapora

Posted by MC on June 1, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Amai: (Vachipopota) Nhasi pano hapadyiwe rinopisa.
Mwana: Nyangwe rakapora tinodya.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Murombo haana chake

Posted by MC on June 1, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Hanzi murombo haana chinhu chinonzi ndechake. Chero akafamba netsoka vanhu vanongoti ndedza Adhamu

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ipa chitunha foni

Posted by MC on May 18, 2018
Posted in: Uncategorized. Leave a comment

Kumwe kuchengera kwakanyanya.

Baba: Haro mudiwa uripi?
Mai: Ndiri kunhamo.
Baba: Ipa chitunha foni.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Unodya usina kunamata?

Posted by MC on May 18, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Unenge wakapfugama uchinamata, shumba youya padivi pako. Inotanga kunamatawo. Iwe unobva wasvinura woona shumba yakatsinzina wobvunza kuti, ‘Nhai shumba asi uri mukristu?’ Shumba innobva yati, ‘Asi iwe unodya usina kunamata?’

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Round yekugeza

Posted by MC on May 18, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Ko hazviite here kukandirana round yekugeza?

Ini munondikandira Gumiguru hangu. Handina dambudziko nazvo!

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ndipewo mari

Posted by MC on May 18, 2018
Posted in: Uncategorized. Leave a comment

Vasikana vaya vatanga.

Hanzi mudiwa ndokumbirawo mari yekunyoresa kuvhota.

Ndangoti shandisa yauinayo ndozokupa kana maresukt abuda.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Vaera mwoyo

Posted by MC on May 18, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Ndine mubvunzo kune vasingadye mwoyo nevanoera mwoyo. Pamunodya matemba, mwoyo munobvisa here?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Vechidiki muBhaibhiri

Posted by MC on May 1, 2018
Posted in: Nyaurwa, Zvinyorwa. Leave a comment

© Musakope nhaurwa iyi usina mvumo

Dhavhiti

Kurwa kwakaita Dhavhiti naGoriyati kwakaratidza mafungiro aDhavhiti. Paakarwisana naGoriyati, Dhavhiti aiva chikomana chidiki chine simba rohudiki, Goriyati ari munhu mukuru akasimba aneruzivo ruzere maererano netsivo. Goriyati aiva nenhoroonho huru yemhirizhonga nekutyisidzira vamwe. Dhavhiti akaona kuti haakwanise kukurira Goriyati achirwa samarwiro amazuva ose.

Akaita sei?

  • Akatarisa dambudziko.
  • Akaona zvaanogona nezvaasingagoni.
  • Akakumbira rubatsiro rwaMwari.
  • Akafunga kuti angashandisa sei unyanzvi hwaaiva nahwo.

Simba rake raiva pai?

  • Kufunga zvakati twasa.
  • Uropi hunopinza.
  • Kukwanisa kushandisa mudhayi nehunyanzvi
  • Kugona kusarudza zvombo
  • Kufunga zvitsva kwakamubatsirawo kuita gamba.

Chidzidzo?

Usakanda mapfumo pasi paunenge woita sewokurirwa. Tose tinotombosvika pakukurirwa pane zvimwe zvinhu. Funga unyanzvi hwauinahwo woona zvaungaite maererano nezvaunenge wakatarisana nazvo. Shandisa tarenda rako kupukunyuka.

Rugwaro rweBhaibheri

1 Samueri 17: 38-51

Josefa, mwanakomana waJakobho

Josefa, mwanakomana waJakobhu, aiva rimwe ramagamba eChitenderano Chakare. Akanga akangwara, akachenjera uye aishamisa pakugona kwake. Aigona kutarisana namamiriro ezvinhu chero akaita sei agoashandisa kuti abudirire. Asi izvozvo zvakaitika pava paya.

Sejaya akaita zvikanganiso zvakakomba, uye zvimwe zvacho kwaiva kushungurudza vakoma vake kwakamupinza muna taisireva.

Pane zvikonzero zviviri zvakakonzero kuti vakoma vake vose zvavo vamuvenge zvakanyanya kusanganisira Rubeni akazama kumununura. Zvinoita sokunge Josefa aisada vanhu venyama vaanotarisira pasi. Aigona zvakawanda asi akanga ari muduku pane vakoma vake.

  • Ko Josefa angadai akashandisa mamiriro ezvinhu zviri nani here?
  • Aigona kuva akaratidza kugona kwake nounyanzvi hwake asingagumburise hama dzake here?
  • Tinoshandisa sei zvipo zvedu nenzira inobvumira vamwe vanhu kuti vapenyewo?

Josefa akatengeswa nehama dzake muuranda (Mavambo 37). Pakupera kwechitsauko tinonzwa kuti Josefa aishanda mumba maPotifa, mukuru wehurumende uye mutungamiriri wemauto (Mavambo 37:36). Kushanda kwaJosefa mumba maPotifa kwairatidza kuti akanga avimbwa naye zvikuru natenzi wake. Josefa aizviona somunhu apiwa utariri pamusoro pezvose zviri mumba kunze kwomudzimai waPotifa (Mavambo 39: 9).

Mudzimai waPotifa akwezva Josefa asi Josefa akanzvenga rukwezvo urwu zvine ungwaru. Kunyange zvazvo akaramba zvakachenjera, akapomerwa nhema. Chigumisiro chaiva chokuti Josefa akaiswa mujeri (Mavambo 39: 11-20).

Nyaya yaJosefa muenzaniso wakanaka wekuti tikaita zvakanaka, hazvirevi kuti ticharumbidzwa nekuda kwazvo pakarepo. Zvisinei, pakuguma akaremekedzwa naMwari uye akacheneswa pamberi pevanhu kuti akamira neururami kunyange zvakanga zvisiri nyore.

Shoko raTenzi

Mavambo 37

Samueri

Samueri achiri mucheche mai vake vakanga vamutsaurira kuna Mwari, uye aigara munzvimbo yeTemberi, umo maakawana dzidzo yake.

Humwe husiku chinhu chinoshamisa chakaitika kwaari. Akanzwa kudana kwaibva kuna Mwari kwakamuratidza pachena kuti aiva nechinangwa chakakosha chaakatsaurirwa.

Vanhu vaiva vakamupoteredza vakanga vasinganzwi izwi raMwari, asi iye airinzwa – uye rakasvika kwaari murunyararo rwousiku. Rakamudaidza katatu – kusvikira apindura uye arinzwisisa.

Chii chatingadzidza kubva munyaya iyi?

  • Tinodzidza kuti Mwari ane izwi rakadzikama rinogona kungonzwika murunyararo, kana tati zii uye tadzikama.
  • Tinodzidza kuti Mwari acharamba achishevedzera kusvikira tazomunzwa.
  • Tinodzidza kuti tinosungirwa kuteerera izwi raMwari.
  • Nzira yakanakisisa yekunzwa inzwi raMwari ndeyekunge tanyarare uye tadzikama. Edza kuisa imwe nguva yezuva rako parutivi yaunoshandisa kuteerera zviri kutaura Mwari kwauri.

Shoko raTenzi

1 ​​Samueri 3

Ishimaeri

Ishimaeri aiva mwanakomana wedangwe waAbrahama nemuranda womudzimai wake ainzi Haga. Akakura achitarisira kugara nhaka yohushe hwababa vake. Asi izvi hazvina kuitika. Mudzimai mukuru wababa vake, Sara, akapona mwanakomana asingatarisiri Ishimaeri paaiva ava namakore gumi nemana (maererano namafungiro enguva iyoyo aiva atova murume mukuru).

Haga naSara vaugarisana zvenhema mumwoyo vazere nokufungirana. Nguva yokuti vachipemberera kuyaruka kwemwanakomana waSara yasvika pakaitwa mhemberero huru. Ishimaeri akanga achitamba nemunin’ina wake chimwe chinhu ndobva chaitika. Hatizivi kuti chii, asi chakatsamwisa Sara. Sara akakumbira kuti Ishimaeri naamai vake vadzingwe mudunhu. Sezvo aiva mudzimai mukuru, aida kuva nechokwadi chokuti mwanakomana wake aizova mugari wenhaka yaAbhurahama, kwete Ishimaeri.

Abhurahama aida Ishimaeri, asi akateerera zvaidiwa naSara. Zuva rakatevera akatuma Haga naIshimaeri kuenda mugwenga rakaoma kuti papata. Vaviri ava vaiva voga uye vakararirirwa. Haga akanga aberekerwa muIjipita saka akaenda kumaodzanyemba kwakadziva kuIjipita aine chushuviro chekuti kune tariro. Asi pakanga pasina mukana zvachose wokuti vachakunda. Pasina kumbopera nguva tumvura twavaiva natwo twakapera vakanzwa nenyota inotyisa.

Ishimaeri ndiye akatanga kukurirwa (pada nokuti aipa mvura yakawanda kuna mai vake iye osara asina).  Haga akamukwevera pasi pemumvuri wegwenzi, ndokubva aenda, kuitira kuti asarwadziwa nokuona mwana wake achifa. Asi Ishimaeri akanga asiri mukomana anokanda mapfumo pasi zviri nyore. Akanyengetera sezvakaitwawo naamai vake, uye Mwari akavanzwa. Ngirozi yakaonekwa ikaudza Haga panowanikwa mvura vose vari vaviri vakaponeswa.

Dzidzo yenyaya iyi?

Usakanda mapfumo pasi, kunyange zvinhu zvisina chitarisiro zvachose. Hauzombofa wakaziva zvawakachengeterwa naMwari.

Shoko raTenzi

Genesisi 21: 8-21

Rute

Rute naOpa vaiva vakadzi vaviri vechiMoabhi vechidiki vakaroorana mumhuri yaNaomi, mukadzi wechiIziraeri. Munguva yenzara murume wechidiki waRute akafa, pamwe nababa vaRute nehanzvadzi yakewo. Vakadzi vatatu ava vakasara voga uye vasina rudziviriro. Zvavaingova nazvo kwaiva kubatana.

Varoora ava vose vari vaviri vaiva vechiMoabhi, kwete vaIziraeri, saka Naomi akavaraira kudzokera kumhuri dzavo. Opa akasarudza kuita izvozvo, asi Rute akati kwete. Akanga agoverana kusurukirwa, kuzvidya mwoyo uye kushungurudzika naNaomi, uye akaona kuti chembere iyi yaizosara yoga, naizvizvi Rute akasarudza kusasiya Naomi. Akataura mashoko  makukutu ari mundima iri pazasi achiudza Naomi kuti haafi akamusiya.

Rute akaziva kuti akanga ari murombo, mutorwa, uye muduku – uye hupenyu hwaizomuomera muBhetrehema. Asi akanga akavimbika kumukweguri uyu, uye akanga asingade kumusiya kuti atarisane nematambudziko aya oga. Naomi akaratidza kufara kwake nokurongera musikana uyu muzvinabhizimusi wemuBheterehema.

Rute akateerera zano raNaomi akazova nerudo runoyemurika nemurume waakanga arongerwa – ushingi nekuvimbika kwakakunda mumamiriro ezvinhu akaoma. Rute akabereka mwanakomana ainzi Obedhi, uyo akazova tateguru waMambo David.

Rute akakosha kuvaKristu: Muevhangeri yaMateu, ari pavakadzi vana vakaiswa pakati pemadzitateguru aJesu (Mateu 1: 2-17).

Dzidzo yenyaya yaRute ndeipi?

  • Edza kuona mazano akanaka kana uchinge waanzwa.
  • Usaora mwoyo kunyange zvinhu zvichiita sezvisingafi zvakanaka. Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka kuna Rute, asi akadzikama uye akavimba naMwari akazokapiwa mubayiro nokuda kwekunzwisisa kwake.
  • Wana waunogoverana naye rudo womira naye nyange zviome sei.
  • Koshesa hushamwari sezvakaita Rute naNaomi vakaramba vari pamwechete zvisinei nematambudziko avakasangana nawo uye vanhu vatsva vaisangana nomumwe nomumwe wavo.

Shoko raTenzi

Bhuku raRute 1: 16-17

Chisikana chiduku cheIsraeri

Pane nyaya inoshamisa muna2 Madzimambo 5 yokuponeswa kwaNaamani aiva namaperembudzi. Murungano urwu mune munhu watisinganyatsozivi, murandakadzi wechidiki. Musikana uyu aiva neshungu yokuti vanhu vakamupoteredza vazive Mwari.

Musikana uyu akanga ari mutorwa munyika yaaigara. Akanga ari munyika iyi kwete nokuda kwake. Zvisinei aida vanhu ava vaaiva pakati pavo uye aiva neshungu dzokuti vazive Mwari wechokwadi.

Paakaziva kuti Tenzi wake Naamani akanga ane maperembudzi, akamuudza nezvemuporofita waMwari Erisha uye kuti Mwari akashanda sei kuburikidza nemurume uyu. Naamani akaenda kuna Erisha nokuti akavimba nemurandakadzi wechidiki uyu. Naamani, mukuru weuto reSiriya, akavimba nemashoko emukadzi wechidiki uyu (2 Madzimambo 5: 1-3).

Naamani akaenda kunoona Erisha uye akaporeswa maperembudzi ake. Hatizivi chimwe chinhu pamusoro pemukadzi wechidiki uyu, asi tinoziva kuti aida Tenzi uye vanhu vaakaiswa pakati pavo naMwari kuti avashumire. Aivawo muranda akatendeka uye vimbika.

Dhanieri neshamwari dzake

Pane imwe nyaya inofadza pamusoro pevarume vana vechidiki munaDhanyieri chitsauko chokutanga. Vaifanira kuva vaive nemakore 8 apo vakamiririra chitendero chavo. Vakapiwa zvokudya nekumwa zvakanga zvisingapindirani nechitendero chavo chechiJudha. Vakanga vafarirwa nevatapi vavo pavakati vanoda chikafu chavajaira. Vakamiririra zvavanotenda kunyange vaiva vadiki.

Mugumisiro wesarudzo yavo yekukudza Tenzi nemadyiro avo ndeyokuti Mwari akavapa ruzivo uye unyanzvi mukudzidza nekuchenjera (Dhanieri 1:17). Mundima iyi tinonzwawo kuti Dhanyeri akapiwa simba rokunzwisisa zviroto uye zviratidzo.

Chikomana chaiva nembuva

MuChitenderano Chitsva mune nyaya yemukomana wechidiki akabvuma zvaakanga akumbirwa naJesu. Kristu akanga akakombwa nevanhu vakawanda vaidarika 5000 tisingasanganisire madzimai navana (Johani 6). Jesu akatendeukira kuvadzidzi vake kuti vagadzirise dambudziko rechikafu sezvo vanhu vazhinji vakanga vave nenzara.

Jesu akabvunza Firipi kwavaizowana chingwa chakakwana chokupa boka revanhu vaivapo. Firipi akanga asingazivi, asi akakahadzika kuti zvaigoneka sei netushoma twavakanga vainatwo. Enduru akatsvaka mhinduro. Akawana jaya raiva nezvingwa zvebhari zvishanu netuhove tuduku tuviri.

Chikomana ichi chingadai chakaramba nembuva yacho. Chingadai chakasarudza kutiza. Chaigona kunge chakasarudza kutiza Jesu paakauya achikumbira. Asi chikomana ichi chakabvumidza Jesu kuti atore mbuva yacho. Chakavimba naKristu nezvinhu zvacho kunyange zvazvo chakanga chisingazivi kuti aida kuita sei netunhu tushoma kudaro.

Jesu akatora chingwa uye akatenda Mwari. Akagovera chikafu kuvadzidzi vakatora chikamu chimwe nechimwe chavakapiwa ndokutanga kuchipa kuvanhu vaiva vakavapoteredza. Chakashamisa ndechekuti paiva nezvokudya zvakakwana. Vanhu vose pavakapedza kudya, vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvezvokudya zvakasara vakadzosa kunaJesu. Vakaunganidza mabhasikiti gumi azere nezvokudya (Johane 6: 10-13).

Tinofanira kutodzana nemukomana uyu kuburikidza nokupa Tenzi chipi nechipi chaanokumbira kwatiri. Tinogona kusaziva kana kusaona zvaachaita nazvo, asi kana tikavimba naye nezvinhu zvedu uye neupenyu hwedu achaita chimwe chinhu chinoshamisa sezvaakaita nechingwa chishoma.

Abrahamu

Abhurahamu akaudzwa kuti aifanira kuuraya nekupira mwanakomana wake zai regondo se chibayiro. Abhurahamu ainge akazvipira kupira mwana wake sechibayiro ngirozi ikamumisa. Akazopira gondohwe, akaponesa upenyu hwaIsaka mwanakomana wake. Nhoroondo yaAbhurahamu inoratidza simba rechokwadi rekuzvipira, uye kuti pane dzimwe nguva zvauri kutsvaga uye zvaunoda kuzadzikisa zvinogona kuitika nedzimwe nzira dzausingafungiri.

Jona

Haugoni kutiza nokuda kwokutya. Jona akatumwa kuvanhu veNinivha kuti avaparidzire shoko rokutendeuka. Asi haana kuita saizvozvo. Akaguma ava mugungwa pakati pedutu. Akawisirwa mugungwa akapona ndokumedzwa nehove. Rungano urwu rwunotidzidzisa kuti kutiza zvinotyisa hakushandi. Unofanira kuzama kukunda.

Esita

Esita akasarudzwa kuti ave mambokadzi wavaJudha. Esita akafumura urongwa hwokuuraya mambo zvinova zvakabatsira kuponesa upenyu hwavana veIziraeri vazhinji. Ugamba hwake ndihwo hwakaita kuti pave nemhemberero dzePurim Jewish Holiday. Kugona kwake kumira oga achiramba kuteerera huori hwavanyamasimba kunoratidza kuti hatifanire kutya kana tichityisidzirwa nevaipi vane simba – mari noupfumi hazvifanire kutitadzisa kumiririra chokwadi.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 5 rePasika – Mivhaini

Posted by MC on April 29, 2018
Posted in: Pasika, Uncategorized. Leave a comment

5 easter

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo

Pane rungano rwejaya raizvifambira ndokuona regondo ndokuritora rikanoriisa mudendere rehuku. Zai riya rakasvika pakutsotsonywa pakabuda nyana regondo iro rakakurira pamwechete nehuku. Upenyu hwaro hwose, gondo raifunga kuti ihuku richipara sehuku, richidya makireshi netuhumha sehuku. Raingobhururuka risingaendi kure sezvinoita huku. Continue Reading

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Inzvimbo dzekutengesera airtime

Posted by MC on April 28, 2018
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Baba vakarwara zvikurusa ndokuendeswa kuchipatara. Varere muchipatara vakuraira nhaka, ‘Iwe mukomana mukuru unotora Joina City. Iwe mudiki unotora Eastgate. Imi mai vevana munotora Westgate. Ndapedza.’ Mukoti aivamo ndokti ‘Aah ende makapfuma.’ Mukadzi ndokupindura ‘Kupiko inzvimbo dzekutengesera air tyme.’

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • Kuzvipira kuMwoyo Mutsvene waJesu
    • Kunamatira kudzivirirwa
    • Minamato yaVarwere
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
    • 1        Maitiro okuviga vafi (Catholic Church)
    • Johani Vhiani Mutsvene
    • B. NOVENA NEMUNAMATO WAMANHERU
    • Novhena kuna Rita Mutsvene
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d