Kurudziro neDzidziso

Kufamba pamusoro pedambudziko
Mozisi anorova gungwa dzvuku netsvimbo kuti ayambukire mhiri nevana veIziraeri!
Eriya anorova Jorodhani nehembe yake kuti ayambukire mhiri.
Erisha akaitawo zvimwe chetezvo. Asi Jesu akati KWETE isu tinofamba pamusoro pemvura pacho ipapo.

Mozisi nanaEriya vakapfura napakati pemvura, pakati pemamiriro ezvinhu, pakati pedambudziko asi Jesu akafamba pamusoro pemvura, pamusoro pemamiriro ezvinhu, pamusoro pedambudziko.

Kana uinaIye uchava pamusoro pemamiriro ezvinhu. Tina Jesu anoti kana asvika unofamba pamusoro pematambudziko ako. Mwari haana kubvisa mvura pamberi pevana veIziraeri kana pamberi paErisha naEriya asi akavapfudza nepakati payo. Chero Jesu haana kuda kutambisa simba rake achinamatira kuti mvura ibviswe paaida kufambira asi anoziva kuti anesimba rekufamba pamusoro payo.

Newewo ziva chinhu ichi, usanamatire kuti matambudziko abviswe pamberi pako. Rega vanokufuridzira mamhepo vaite, vanokuvenga vaite zvese nevane godo vaite asi kana wasvika hako uchafamba pamusoro pezvose nekuda kwake Jesu. Hazvinei kuti gungwa rakadzika zvakaita sei asi Jesu akafamba pamusoro pemvura iyoyo. Newewo zvakare uchafamba pamusoro pematambudziko ako zvisinei kuti akakura zvakaita sei.